2 Makoronike 31:20-21
2 Makoronike 31:20-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Izvi ndizvo zvakaitwa naHezekia muJudha yose achiita zvakanga zvakanaka uye zvakarurama uye zvakatendeka pamberi paJehovha Mwari wake. Mune zvose zvaakaita mukushandira temberi yaMwari uye mukutevera murayiro nezvakarayirwa, akatsvaka Mwari wake akashanda nomwoyo wose. Saka akabudirira.
2 Makoronike 31:20-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndizvo zvakaita Hezekia kwaJudha kwose; akaita zvakanaka nezvakarurama nezvakatendeka pamberi paJehovha Mwari wake. Pabasa rimwe nerimwe raakatanga pakushumira paimba yaMwari, napamurayiro, napamirau, napakutsvaka Mwari wake, wakazviita nomwoyo wake wose, akakunda.
2 Makoronike 31:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hezekiya akaita saizvozvi maJudha mose. Pana Tenzi, Mwari wake akaita zvakanaka zvakarurama nezviri pachokwadi. Basa rose raaiitira imba yaMwari maererano nomutemo nemirao achitsvaka Mwari wake, aiita nomwoyo wose zvichibva zvabudirira.
2 Makoronike 31:20-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndiɀo ɀakaita Hezekia kwaJuda kwose; akaita ɀakanaka neɀakarurama neɀakatendeka pamberi paJehova Mŋari wake. Paɓasa rimŋe nerimŋe raakataŋga pakushumira paimba yaMŋari, napamurairo, napamirau, napakutȿaka Mŋari wake, wakaɀiita nomŋoyo wake wose, akakunda.
2 Makoronike 31:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Hezekiya akaita saizvozvi maJudha mose. Pana Tenzi, Mwari wake akaita zvakanaka zvakarurama nezviri pachokwadi. Basa rose raaiitira imba yaMwari maererano nomutemo nemirao achitsvaka Mwari wake, aiita nomwoyo wose zvichibva zvabudirira.