2 Makoronike 17:1-6
2 Makoronike 17:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehoshafati mwanakomana wake akamutevera paumambo uye akazvisimbisa pakurwisana neIsraeri. Akaisa varwi mumaguta akakomberedzwa namasvingo eJudha aya akaisa mapoka avarwi muJudha nomumaguta eEfuremu akanga atapwa nababa vake Asa. Jehovha vaiva naJehoshafati nokuti pamazuva ake okutonga akafamba munzira dzaiteverwa nababa vake Dhavhidhi. Haana kubvunza kuna vana Bhaari. Asi akatsvaka Mwari wababa vake akatevera kurayira kwake akasatevera mabasa aIsraeri. Jehovha akasimbisa umambo hwaiva pasi pake; uye Judha yose yakauya nezvipo kuna Jehoshafati, saka akava nepfuma zhinji nokuremekedzwa kukuru. Mwoyo wake wakanga wakazvipira kunzira dzaJehovha uyezve akabvisa nzvimbo dzakakwirira namatanda aAshera kubva muJudha.
2 Makoronike 17:1-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehoshafati mwanakomana wake akabata ushe pachigaro chake, akazvisimbisa kundorwa navaIsiraeri. Akaisa varwi mumaguta ose akakombwa aJudha, akaisawo mapoka avarwi panyika yaJudha, napamaguta aEfuremu, akanga akundwa naAsa baba vake. Jehovha akava naJehoshafati, nokuti akafamba munzira dzokutanga dzababa vake Dhavhidhi; haana kundobvunza vaBhaari; asi akabvunza Mwari wababa vake, akafamba nemirairo yake asingateveri mabasa aIsiraeri. Saka Jehovha akasimbisa ushe paruoko rwake; vaJudha vose vakavigira Jehoshafati zvipo, akava nepfuma nokukudzwa zvizhinji. Mwoyo wake ukashingairira nzira dzaJehovha; uye akabvisawo matunhu akakwirira namatanda okunamata nawo pakati paJudha.
2 Makoronike 17:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jehoshafati mwanakomana wake akatonga panzvimbo pake akazvigadzirira kurwisana nevokwaIsiraeri. Akaisa varwi vehondo mumaguta ose etsvingo okwaJudha, akaisa zvikwata zvavarwi munyika yokwaJudha nomumaguta okwaEfuremu akanga akurirwa nababa wake Asa. Tenzi aiva naJehoshafati nokuti aitevedza makwara okutanga ababa vake. Haana kutsvaka vanaBhaari, asi aitsvaka Mwari wamadzibaba ake achitevedza mirao yake asingaite somuitiro wevokwaIsiraeri. Naizvozvo Tenzi akaita kuti umambo hudzike midzi mumaoko ake vokwaJudha; vose vaiunza mutero kuna Jehoshafati, iye akava noupfumi huzhinji achikudzwa kwazvo. Akanga akaisa mwoyo wake mune zvokunamata, Tenzi uyewo akabvisa maJudha nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira nezvifananidzo zvokunamata zviAshera.
2 Makoronike 17:1-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehoshafati mŋanakomana wake akaɓata ʋushe pacigaro cake, akaɀisimbisa kundorwa naʋaIsraeri. Akaisa ʋarwi mumaguta ose akakombga aJuda, akaisa ʋo mapoka aʋarwi panyika yaJuda, napamaguta aEfraimi, akaŋga akundwa naAsa ɓaɓa ʋake. Jehova akaʋa naJehoshafati, nokuti wakafamba munzira dzokutaŋga dzaɓaɓa ʋake Davidi; haana‐kundobvunza ʋaBaari; asi wakabvunza Mŋari waɓaɓa ʋake, akafamba nemirairo yake, asiŋgateʋeri maɓasa aIsraeri. Saka Jehova wakasimbisa ʋushe paruʋoko rwake; ʋaJuda ʋose ʋakaʋigira Jehoshafati ɀipo, akaʋa nefuma nokukudzwa ɀizhinji. Mŋoyo wake ukashiŋgairira nzira dzaJehova; ʋuye wakabvisa ʋo matunhu akakwirira namatanda okunamata nawo pakati paJuda.
2 Makoronike 17:1-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)