1 Timoti 6:6-10
1 Timoti 6:6-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi umwari nokugutsikana nezvatinazvo zvinopfumisa kwazvo. Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, uye hatigoniwo kubuda nechinhu kubva mairi. Asi kana tine zvokudya nezvokupfeka, tichagutsikana nazvo. Vanhu vanotsvaka kupfuma vanowira mukuedzwa nomumusungo uye nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza uye kunoisa vanhu mukuparadzwa nokuraswa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose. Vamwe vanhu vanoda mari zvikuru, vakatsauka kubva pakutenda uye vakazvibaya neshungu zhinji.
1 Timoti 6:6-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kunamata Mwari pamwechete nokutenda nezvatinazvo ndizvo zvinopfumisa kwazvo; nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, hatigoniwo kubuda tine chinhu; asi kana tine zvokudya nezvokufuka, tichatenda nazvo. Asi vanotsvaka kupfuma, vanowira mukuedzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokuraswa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji.
1 Timoti 6:6-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hongu kuitira Mwari kunopfumisa ndokunge munhu achigutsikana nezvaanazvo nokuti hatina kuuya nechinhu panyika uyewo hatikwanisi kubva nechinhu panyika asi kana tiine chokudya nechokupfeka; naizvozvo tinofanira kugutsikana. Asi avo vana kamwoyo kokuda kupfuma vanopinda muchiedzo nomuriva uye mukuda zvinhu zvisina maturo zvinotokuvadza zvinoisawo vazhinji mukupera basa nokuparadzwa nokuti kudisisa mari ndiwo mudzi wouipi hwose. Pamusana pokukara mari ikoko vamwe vakazosiya chitendero zvikazovarwadza mumwoyo zvikuru.
1 Timoti 6:6-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kunamata Mŋari pamŋe cete nokutenda neɀatinaɀo ndiɀo ɀinofumisa kwaɀo; nokuti hatina‐kuʋuya necinhu panyika, hatigoni ʋo kuɓuɗa tinecinhu; asi kana tineɀokudya neɀokufuka, ticatenda naɀo. Asi ʋanotȿaka kufuma, ʋanowira mukuidzwa nomumusuŋgo, nomukuciʋa kwoʋupenzi kuzhinji kunokuʋadza, ɀinonyudza ʋanhu mukuparadzwa nokurashwa. Nokuti kuɗa mari ndiwo mudzi weɀakaipa ɀose; ʋamŋe ʋakati ʋaciiɗa ɀikuru ʋakatsauswa pakutenda, ʋakaɀiɓaya neshuŋgu zhinji.
1 Timoti 6:6-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)