1 Timoti 6:3-10
1 Timoti 6:3-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kana munhu achidzidzisa dzidziso dzenhema uye asingabvumi dzidziso yakanaka yaIshe wedu Jesu Kristu uye nedzidziso youmwari, anongozvikudza uye haazivi chinhu. Anongofarira nharo nokukakavara pamusoro pamashoko asingabatsiri, anongomutsa godo, gakava, kutukana nokufungirana zvakaipa, uye nokupesana kusingaperi pakati pavanhu vane murangariro wakaora, vakabirwa zvokwadi uye vanofunga kuti umwari inzira yokuwana nayo mari. Asi umwari nokugutsikana nezvatinazvo zvinopfumisa kwazvo. Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, uye hatigoniwo kubuda nechinhu kubva mairi. Asi kana tine zvokudya nezvokupfeka, tichagutsikana nazvo. Vanhu vanotsvaka kupfuma vanowira mukuedzwa nomumusungo uye nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza uye kunoisa vanhu mukuparadzwa nokuraswa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose. Vamwe vanhu vanoda mari zvikuru, vakatsauka kubva pakutenda uye vakazvibaya neshungu zhinji.
1 Timoti 6:3-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kana kune munhu anodzidzisa imwe dzidziso, asingabvumiri mashoko akarurama, mashoko aIshe wedu, Jesu Kristu, nedzidziso inonzwana nokunamata Mwari, anongozvikudza, asingazivi chinhu, asi anongokarira mibvunzo nenharo dzinomutsa godo, negakava, nokutuka, nokufungidzira kwakaipa, nokukakavadzana kusingaperi kwavanhu vanomurangariro wakaodzwa, vakatorerwa chokwadi, vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinopfumisa. Zvino kunamata Mwari pamwechete nokutenda nezvatinazvo ndizvo zvinopfumisa kwazvo; nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, hatigoniwo kubuda tine chinhu; asi kana tine zvokudya nezvokufuka, tichatenda nazvo. Asi vanotsvaka kupfuma, vanowira mukuedzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokuraswa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji.
1 Timoti 6:3-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kana munhu akadzidzisa zvimwewo asingawirirani namashoko ezvirokwazvo aTenzi wedu Jesu Kristu nechidzidziso chinowirirana nezvaMwari anozvitutumadza nokuzvikudza, munhu asina zvaanoziva. Munhu ana kamwoyo kokuda gakava nenharo dzezvamazwi anokonzera shanje nokusawirirana namakuhwa nokufungirana kusina kana namaturo ose nokukakavadzana pakati pavanhu vasina musoro vasina chokwadi vanofunga kuti kuitira Mwari basa chinhu chokuzvipfumisa nacho. Hongu kuitira Mwari kunopfumisa ndokunge munhu achigutsikana nezvaanazvo nokuti hatina kuuya nechinhu panyika uyewo hatikwanisi kubva nechinhu panyika asi kana tiine chokudya nechokupfeka; naizvozvo tinofanira kugutsikana. Asi avo vana kamwoyo kokuda kupfuma vanopinda muchiedzo nomuriva uye mukuda zvinhu zvisina maturo zvinotokuvadza zvinoisawo vazhinji mukupera basa nokuparadzwa nokuti kudisisa mari ndiwo mudzi wouipi hwose. Pamusana pokukara mari ikoko vamwe vakazosiya chitendero zvikazovarwadza mumwoyo zvikuru.
1 Timoti 6:3-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana kunomunhu unodzidzisa imŋe dzidziso, asiŋgabvumiri mashoko akarurama, mashoko aShe weɗu, Jesu Kristu, nedzidziso inonzwana nokunamata Mŋari, unoŋgoɀikudza, asiŋgaziʋi cinhu, asi unoŋgokarira mibvunzo nenharo dzinomutsa goɗo, negakaʋa, nokutuka, nokufuŋgidzira kwakaipa, nokukakaʋadzana kusiŋgaperi kwaʋanhu ʋanomuraŋgariro wakaʋodzwa, ʋakatorerwa ɀokwaɗi, ʋaciti kunamata Mŋari ndiɀo ɀinofumisa. Ɀino kunamata Mŋari pamŋe cete nokutenda neɀatinaɀo ndiɀo ɀinofumisa kwaɀo; nokuti hatina‐kuʋuya necinhu panyika, hatigoni ʋo kuɓuɗa tinecinhu; asi kana tineɀokudya neɀokufuka, ticatenda naɀo. Asi ʋanotȿaka kufuma, ʋanowira mukuidzwa nomumusuŋgo, nomukuciʋa kwoʋupenzi kuzhinji kunokuʋadza, ɀinonyudza ʋanhu mukuparadzwa nokurashwa. Nokuti kuɗa mari ndiwo mudzi weɀakaipa ɀose; ʋamŋe ʋakati ʋaciiɗa ɀikuru ʋakatsauswa pakutenda, ʋakaɀiɓaya neshuŋgu zhinji.
1 Timoti 6:3-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)