1 Timoti 1:15-18
1 Timoti 1:15-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Herino shoko rezvokwadi rinofanira kutendwa kwazvo: Kristu Jesu akauya munyika kuti aponese vatadzi, ini ndiri mukuru wavo. Asi nokuda kwechikonzero ichochi ndakaitirwa ngoni kuitira kuti mandiri ini mutadzi mukuru, Kristu Jesu aratidze mwoyo murefu wake usingaperi kuti ndive muenzaniso kuna avo vachatenda kwaari uye vagowana upenyu husingaperi. Zvino iye Ishe asingaperi, asingafi, asingaonekwi, iye Mwari oga, ngaave nokukudzwa nokubwinya nokusingaperi-peri. Timoti, mwanakomana wangu, ndinokupa murayiro uyu maererano nezvakaprofitwa kare pamusoro pako, kuti kana ukautevera ucharwa kurwa kwakanaka
1 Timoti 1:15-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ishoko rechokwadi, rinofanira kutendwa kwazvo, kuti Kristu Jesu akauya panyika kuzoponesa vatadzi; avo ini ndiri mukuru wavo; asi naizvozvo ndakaitirwa ngoni, kuti Jesu Kristu aratidze mwoyo wake wose murefu mandiri, ini mukuru wavatadzi, kuti ndive chiratidzo kuna vanozotenda kwaari, zvinovaisa kuupenyu husingaperi. Zvino iye Ishe asingaperi, asingafi, asingaonekwi, Mwari woga, ngaave nokukudzwa nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni. Basa iri, rakarayirwa, ndinokupa iro, iwe Timoti, mwana wangu, kuti sezvazvakaporofitwa kare pamusoro pako, urwe pfumo rakanaka mazviri
1 Timoti 1:15-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ishoko rinotendeseka uye rinokodzera kunyatsogamuchirwa rokuti Kristu Jesu akauya panyika kuzoponesa vatadzi. Ini ndini mutadzi mukuru wacho. Asi ndakaitirwa tsitsi kuti mandiri somukuru mukuru wacho, Jesu Kristu aonese mwoyo murefu wake wakazara somuenzaniso kuna vakanga vachizodavira maari kuitira upenyu husingaperi. Kukudzwa uye mbiri ngazvipiwe kuna Mambo wapasichigare narini narini kuna iye asingafi asingaoneki, anongova ndiye Mwari oga. Ameni. Zvakatemwa izvi ndinozviturira mumaoko mako itwe Timoti, mwanangu, maererano nezvakaporofitwa zvakanga zvakananga iwe, kuti unyatsorwisa uchifemerwa naizvozvo
1 Timoti 1:15-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ishoko raɀokwaɗi, rinofanira kutendwa kwaɀo, kuti Kristu Jesu wakaʋuya panyika kuzoponesa ʋatadzi; aʋo, ini ndiri mukuru waʋo; asi naiɀoɀo ndakaitirwa ŋgoni, kuti Jesu Kristu aratidze mŋoyo wake wose murefu mandiri, ini mukuru waʋatadzi, kuti ndiʋe ciratidzo kunaʋanozotenda kwaari, ɀinoʋaisa kuʋupenyu bgusiŋgaperi. Ɀino iye Ishe usiŋgaperi, usiŋgafi, usiŋgaʋonekwi, Mŋari woga, ŋgaaʋe nokukudzwa nokubginya nokusiŋgaperi‐peri. Ameni. Ƃasa iri, rakarairwa, ndinokupa iro, iwe Timotio, mŋana waŋgu, kuti seɀaɀakaprofitwa kare pamsoro pako, urwe pfumo rakanaka maɀiri
1 Timoti 1:15-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)