1 VaTesaronika 5:12-18
1 VaTesaronika 5:12-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino tinokukumbirai, hama, kuti muremekedze avo vanoshanda nesimba pakati penyu, vari pamusoro penyu muna She uye vanokurayirai. Muvakudze zvikuru murudo nokuda kwebasa ravo. Garai murunyararo nomumwe nomumwe wenyu. Uye tinokukurudzirai, hama, kuti muyambire avo vano usimbe, mukurudzire vanotya, batsirai vasina simba, muite mwoyo murefu kuvanhu vose. Muve nechokwadi kuti kurege kuva nomunhu anodzorera chakaipa nechakaipa, asi edzai kuva nomwoyo munyoro kuno mumwe nomumwe wenyu uye nokuna vose. Farai nguva dzose; rambai muchinyengetera; vongai pazvinhu zvose, nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu.
1 VaTesaronika 5:12-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino tinokumbira kwamuri, hama dzangu, kuti muzive avo vanobata pakati penyu, vanokutungamirirai muna ishe, vanokurayirai; muvakudze zvikuru norudo, nokuda kwebasa ravo. Ivai norugare pakati penyu. Tinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, kuti murayire vasingateereri murayiro, musimbise vanopera mwoyo, mutsigire vasina simba, muve nomwoyo murefu kuna vose. Chenjerai kuti mumwe arege kutsiva mumwe zvakaipa nezvakaipa; asi nguva dzose mutevere zvinhu zvakanaka, mumwe kunomumwe, nokuna vose. Farai nguva dzose. Rambai muchinyengetera. Vongai pazvinhu zvose; nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu.
1 VaTesaronika 5:12-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hama dzangu, tinokukumbirisai kuti muremekedze vanoshanda pakati penyu vanokurairai uye vari ivo vakuru vari pamusoro penyu zvichibva muna Tenzi vanokurairai. Vakudzei kwazvo muine rudo navo pamusana pebasa ravo. Imi garisanai zvakanaka. Tinokukurudziraizve, hama, kuti rayirai nyope muchimutsa mwoyo yavakaneta. Batsirai vasina simba. Itai mwoyo murefu navo vose. Onai kuti hapana anodzorera chakaipa nechakaipa, asi rambai muchingoedza kuitirana zvakanaka uye muitirewo vamwe vose zvakanaka. Farai nguva dzose. Namatai nguva dzose uye muna zvose rambai muchingotenda nokuti uku ndiko kuda kwaMwari muna Kristu Jesu.
1 VaTesaronika 5:12-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino tinokumbira kwamuri, hama dzaŋgu, kuti muziʋe aʋo ʋanoɓata pakati penyu, ʋanokutuŋgamirirai munaShe, ʋanokurairai; muʋakudze ɀikuru noruɗo, nokuɗa kweɓasa raʋo. Iʋai norugare pakati penyu. Tinokumbira ɀikuru kwamuri, hama dzaŋgu, kuti muraire ʋasiŋgatereri murairo, musimbise ʋanopera mŋoyo, mutsigire ʋasinesimba, muʋe nomŋoyo murefu kunaʋose. Cenjerai kuti mumŋe arege kutsiʋa mumŋe ɀakaipa neɀakaipa; asi ŋguʋa dzose muteʋere ɀinhu ɀakanaka, mumŋe kunomumŋe, nokunaʋose. Farai ŋguʋa dzose. Rambai mucinyeŋgetera. Ʋoŋgai paɀinhu ɀose; nokuti ndiko kuɗa kwaMŋari kwamuri munaKristu Jesu.
1 VaTesaronika 5:12-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)