1 VaTesaronika 2:3-4
1 VaTesaronika 2:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti chikumbiro chatinoita hachibvi pakukanganisa kana pamufungo usina kunaka, uye hatisi kuedza kukunyengerai. Asi, tinotaura savanhu vakatenderwa naMwari kuti tipiwe vhangeri. Hatisi kuedza kufadza vanhu asi Mwari, iye anoedza mwoyo yedu.
1 VaTesaronika 2:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti kurayira kwedu hakuna kubva pakurashika, kana pakufunga kwakaipa, kana pakunyengera; asi sezvatakatendiwa naMwari, kuti tipiwe Vhangeri, ndizvo zvatinotaura; tisingaiti kuti tifadze vanhu, asi Mwari anoedza mwoyo yedu.
1 VaTesaronika 2:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kukukurudzirai kwedu hakubvi mune zvemanomano kana mune zvisina kuchena kana kuda kunyengedza. Asi sokuonekwa kwatakaitwa naMwari kuti takakodzera kuti Shoko Rakanaka riiswe mumaoko medu, naizvozvo tinotaura kwete kuti tifadze vanhu, asi kuti tifadze Mwari anoongorora zvatiri.
1 VaTesaronika 2:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti kuraira kweɗu hakuna‐kubva pakurashika, kana pakufuŋga kwakaipa, kana pakunyeŋgera; asi seɀatakatendiwa naMŋari, kuti tipiwe Evaŋgeri, ndiɀo ɀatinotaura; tisiŋgaiti kuti tifadze ʋanhu, asi Mŋari unoidza mŋoyo yeɗu.
1 VaTesaronika 2:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)