1 VaTesaronika 1:2-10
1 VaTesaronika 1:2-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tinogara tichivonga Mwari nokuda kwenyu mose, tichikutaurai muminyengetero yedu. Tinoramba tichirangarira pamberi paMwari wedu naBaba vedu, basa renyu rinobva pakutenda, nokushanda kwenyu kunobva parudo, uye nokutsungirira kwenyu kunobva patariro iri muna Ishe Jesu Kristu. Nokuti tinoziva, hama dzinodikanwa naMwari, kuti akakusarudzai, nokuti vhangeri redu harina kuuya kwamuri namashoko bedzi, asi nesimbawo, noMweya Mutsvene uye nokuziva kwakadzama. Munoziva kuti takagara sei pakati penyu nokuda kwenyu. Makava vateveri vedu uye nevaIshe; pakati pokutambudzika kukuru, makagamuchira shoko nomufaro unopiwa naMweya Mutsvene. Nokudaro makava muenzaniso kuvatendi vose vari muMasedhonia neAkaya. Shoko raShe rakanzwika kubva kwamuri kwete muMasedhonia neAkaya bedzi, kutenda kwenyu muna Mwari kwakazivikanwa kwose kwose. Naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu pamusoro pazvo, nokuti ivo pachavo vanozivisa kuti takagamuchirwa sei navo. Vanotaura kuti makadzokera sei kuna Mwari muchibva kuzvifananidzo kuti mushumire Mwari mupenyu uye wechokwadi, uye kuti mumirire Mwanakomana wake anobva kudenga, uyo waakamutsa kubva kuvakafa, Jesu, anotinunura kubva pakutsamwa kuchauya.
1 VaTesaronika 1:2-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tinovonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu mose, tichikurangarirai pakunyengetera kwedu; tichiramba tichirangarira basa renyu rinobva pakutenda, nokutamburira vamwe kunobva parudo, nokutsungirira kunobva patariro muna Ishe wedu, Jesu Kristu, pamberi paMwari, Baba vedu; tinoziva, hama dzinodikanwa naMwari, kusanangurwa kwenyu. Nokuti Vhangeri yedu haina kuuya kwamuri neshoko bedzi, asi nesimbawo, nomuMweya Mutsvene, nokuziva kwazvo; sezvamunoziva kuti takanga takadini pakati penyu nokuda kwenyu. Nemi makava vateveri vedu navaIshe, zvamakagamuchira Shoko mumadambudziko mazhinji, nomufaro woMweya Mutsvene; naizvozvo makatungamirira vose vanotenda muMakedhonia neAkaya. Nokuti shoko raIshe, rakabva kwamuri, rakanzwika, kusati kuri kuMakedhonia neAkaya bedzi, asi kutenda kwenyu kuna Mwari kwakasvika kwose; naizvozvo hatifaniri kutaura chinhu. Nokuti ivo vamene vanoparidza kupinda kwedu kwamuri, kuti kwakanga kwakadini; uye, kuti makatendeukira kuna Mwari, muchibva pazvifananidzo, kuti mubatire Mwari mupenyu wachokwadi, nokumirira Mwanakomana wake pakubva kwake kudenga, iye waakamutsa kuvakafa, ndiye Jesu anotisunungura pakutsamwa kunouya.
1 VaTesaronika 1:2-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tinotenda Mwari nguva dzose pamusana penyu mose. Tinogara takakudomai muminamato yedu tichiyeuka pana Mwari naBaba vedu basa renyu rechitenderano, nebasa renyu rorudo uye kutirira kwenyu muchitarisiro chamuinacho muna Tenzi wedu Jesu Kristu. Tinoziva, hama dzangu, imi vadiwa vaMwari kuti Mwari akakusarudzai nokuti Shoko redu Rakanaka rakauya kwamuri, kwete zvepamuromo chete asi nesimba naMweya Mutsvene uye nechivimbo chizere. Imi munoziva kuti takaratidza kuti tiri vanhuyi zvataiva pakati penyu tichizviitira imimi. Imi makatitevedzera mukatevedzerawo Tenzi nokuti makagamuchira shoko irori muri munhamo huru asi makarigamuchira norufaro muchifemerwa naMweya Mutsvene, zvokuti makava muenzaniso kuvatendi vose vokuMasedhonia nokuAkaya. Shoko raTenzi richibva kwamuri harina kungonzwika kuMasedhonia nokuAkaya koga asi chitendero chenyu muna Mwari chakasvika kose kose zvokuti hapana chatingataure. Chiripo ndechokuti ivowo pachavo vanotaura kuti makatigamuchira zvakadii pakati penyu uye kuti makasiya zvokunamata mifananidzo muchipindukira kuna Mwari kuti munamate Mwari mupenyu wechokwadi, uye kumirira kwamunoita Mwanakomana wake kubva kudenga iye waakamutsa kuvakafa, Jesu anotinunura kuhasha dzaMwari dziri kuuya.
1 VaTesaronika 1:2-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tinoʋoŋga Mŋari ŋguʋa dzose nokuɗa kwenyu mose, ticikuraŋgarirai pakunyeŋgetera kweɗu; ticiramba ticiraŋgarira ɓasa renyu rinobva pakutenda, nokutamburira ʋamŋe kunobva paruɗo, nokutsuŋgirira kunobva patariro munaShe weɗu, Jesu Kristu, pamberi paMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu; tinoziʋa, hama dzinoɗikanwa naMŋari, kusanaŋgurwa kwenyu. Nokuti Evaŋgeri yeɗu haina‐kuʋuya kwamuri neshoko ɓedzi, asi nesimba ʋo, nomumŋeya Mutȿene, nokuziʋa kwaɀo; seɀamunoziʋa kuti takaŋga takaɗini pakati penyu nokuɗa kwenyu. Nemi makaʋa ʋateʋeri ʋeɗu naʋaShe, ɀamakagamucira Shoko mumaɗambudziko mazhinji, nomufaro woMŋeya Mutȿene; naiɀoɀo makatuŋgamirira ʋose ʋanotenda muMakedonia neAkaya. Nokuti shoko raShe, rakabva kwamuri, rakanzwika, kusati kuri kuMakedonia neAkaya ɓedzi, asi kutenda kwenyu kunaMŋari kwakaȿika kwose; naiɀoɀo hatifaniri kutaura cinhu. Nokuti iʋo ʋamene ʋanoparidza kupinda kweɗu kwamuri, kuti kwakaŋga kwakaɗini; ʋuye, kuti makatendeʋukira kunaMŋari, mucibva paɀifananidzo, kuti muɓatire Mŋari mupenyu waɀokwaɗi, nokumirira Mŋanakomana wake pakubva kwake kuɗeŋga, iye waakamutsa kuʋakafa, ndiye Jesu unotisunuŋgura pakutsamŋa kunoʋuya.
1 VaTesaronika 1:2-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)