1 Samueri 4:1-22
1 Samueri 4:1-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye shoko raSamueri rakasvika kuIsraeri yose. Zvino vaIsraeri vakaenda kundorwa navaFiristia. VaIsraeri vakaungana paEbhenezeri, vaFiristia vakavaka misasa yavo paAfeki. VaFiristia vakagadzirira varwi vavo kuti vandosangana neIsraeri, uye hondo payakanga yava kupararira, Israeri yakakundwa navaFiristia avo vakauraya varume zviuru zvina zvavo pavairwira. Varwi pavakadzoka kumusasa, vakuru veIsraeri vakabvunza vakati, “Sei Jehovha aita kuti tikundwe nhasi pamberi pavaFiristia? Ngatitorei areka yesungano yaJehovha kubva kuShiro, kuti igoenda nesu uye igotiponesa kubva muruoko rwavavengi vedu.” Naizvozvo vanhu vakatuma varume kuShiro, uye vakadzosa areka yaJehovha Wamasimba Ose uye agere pachigaro choushe pakati pamakerubhi. Zvino vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFinehasi, vaivapo neareka yesungano yaMwari. Areka yesungano yaJehovha payakauya mumusasa, Israeri yose yakapururudza uye vakaita ruzha rukuru zvokuti pasi pakatinhira. Pavakanzwa mheremhere, vaFiristia vakabvunza vakati, “Mheremhere iri mumusasa wavaHebheru ndeyei?” Vakati vazvinzwa kuti areka yaJehovha yakanga yauya mumusasa, vaFiristia vakatya. Vakati, “Mwari asvika mumusasa. Tava munhamo! Hapana chinhu chakadai seichi chati chamboitika. Tine nhamo! Ndianiko achatirwira pamaoko avamwari ava vane simba? Ndivo vamwari vakarova vaIjipita namarudzi ose amatambudziko mugwenga. Simbai vaFiristia! Ivai varume, mukasadaro muchava varanda vavaHebheru sezvavakanga vakaita kwamuri. Ivai varume, murwe!” Saka vaFiristia vakarwa, vaIsraeri vakakundwa uye munhu wose akatiza achidzokera kutende rake. Pakava nokuurayiwa kukuru; Israeri yakarasikirwa navarwi vetsoka zviuru makumi matatu. Areka yaJehovha yakapambwa uye vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFinehasi, vakafa. Zuva rimwe chetero, mumwe murume weBhenjamini akamhanya achibva kuhondo akaenda kuShiro, nguo dzake dzakabvaruka uye ane guruva pamusoro wake. Paakasvikako, Eri akanga akagara pachigaro chake parutivi rwenzira, akangotarisa, nokuti mwoyo wake waityira areka yaJehovha. Murume uyu paakapinda muguta akataura zvakanga zvaitika, guta rose rakachema. Eri akanzwa kuchema akandobvunza achiti, “Mheremhere iyi yose ndeyeiko?” Murume uyu akachimbidza kuenda kuna Eri, akanga ava namakore makumi mapfumbamwe namasere okuberekwa uye meso ava norutara zvokuti akanga asisaoni. Akati kuna Eri, “Ndiri kubva kuhondo izvozvi; ndatotizako nhasi chaiye.” Eri akabvunza akati, “Chiiko chaitika mwanakomana wangu?” Murume akauya neshoko akapindura achiti, “Israeri yatiza vaFiristia, uye hondo yarasikirwa zvikuru. Uyewo vanakomana venyu vaviri Hofini naFinehasi vafa, uye areka yaMwari yapambwa.” Paakataura nezveareka yaMwari, Eri akawa negotsi kubva pachigaro chake parutivi rwesuo. Mutsipa wake wakatyoka akabva afa nokuti aiva murume akanga akwegura uye ari mukobvu. Akanga atungamirira Israeri kwamakore makumi mana. Muroora wake, mukadzi waFinehasi, akanga ane pamuviri ava pedyo nokuda kubatsirwa. Paakanzwa nhau idzi dzokuti areka yaJehovha yakanga yapambwa uye kuti vatezvara vake nomurume wake vakanga vafa, akarwadziwa napamuviri akabereka mwana, asi akakurirwa namarwadzo ake pakusununguka. Paakanga ava kufa madzimai aimubatsira akati, “Usaora mwoyo wabatsirwa nomwana mukomana.” Asi haana kumbopindura kana kuzviteerera. Akatumidza mukomana uyu kuti Ikabhodhi, achiti, “Kubwinya kwabva muIsraeri,” nokuda kwokutorwa kweareka yaMwari uye nokufa kwatezvara vake nomurume wake. Akati, “Kubwinya kwabva muIsraeri, nokuti areka yaMwari yapambwa.”
1 Samueri 4:1-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shoko raSamueri rakasvika kuvaIsiraeri vose. Zvino vaIsiraeri vakaenda kundorwa navaFirisitia, vakavaka misasa yavo pedyo neEbheniezeri; vaFirisitia vakavaka misasa yavo paAfeki. VaFirisitia vakazvigadzira kurwa navaIsiraeri; zvino vakati vorwa, vaIsiraeri vakakundwa navaFirisitia, vakauraya pakati pavakanga vakagadzirirwa kurwa varume vanenge zviuru zvina. Zvino vanhu vakati vasvika kumisasa, vakuru vaIsiraeri vakati, “Jehovha wakatirovereiko nhasi pamberi pavaFirisitia? Handei, titore areka yesungano yaJehovha paShiro, iuye pakati pedu itirwire pamaoko avavengi vedu.” Naizvozvo vanhu vakatuma nhume Shiro kundotorapo areka yesungano yaJehovha wehondo, ugere pamusoro pamakerubhi; vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakanga varipo paareka yesungano yaMwari. Zvino areka yesungano yaJehovha yakati yasvika pamisasa, vaIsiraeri vose vakapururudza nokupururudza kukuru, nyika ikaita mawungira. VaFirisitia vakati vachinzwa izwi rokupururudza, vakati, “Izwi iro rokupururudza, riri kumisasa yavaHebheru rinoti kudiniko?” Vakanzwa kuti areka yaJehovha yasvika kumisasa. VaFirisitia vakatya, nokuti vakati, “Mwari wasvika kumisasa.” Vakati, “Tine nhamo! Nokuti chinhu chakadai hachina kumbovapo. Tine nhamo! Ndianiko uchatirwira pamaoko avamwari ava vane simba? Ndivo vamwari vakadeya kurova vaIjipiti namadambudziko amarudzi mazhinji murenje. Simbai, muite savarume, imi vaFirisitia, kuti murege kuva varanda vavaHebheru, sezvavakanga vakaita kwamuri; itai savarume, murwe.” Zvino vaFirisitia vakarwa, vaIsiraeri vakakundwa, vakatiza, mumwe nomumwe kutende rake, kukavapo kuurawa kukuru, nokuti kuvaIsiraeri kwakafa vane zviuru zvina makumi matatu vaifamba namakumbo. Areka yaMwari ikatorwa, uye vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakaurawa. Zvino mumwe murume wavaBhenjamini akabva kuhondo, akamhanya, akasvika paShiro nomusi iwoyo, ane nguo dzakabvarurwa neguruva pamusoro wake. Pakusvika kwake, Eri wakanga agere pachigaro chake kurutivi rwenzira, akataririra, nokuti mwoyo wake wakanga uchibvunda pamusoro peareka yaMwari. Murume wakati asvika muguta, akavaudza izvozvo, vanhu vose veguta vakachema. Zvino Eri wakati achinzwa izwi rokuchema, akati, “Izwi rebopoto iri rinoti kudiniko?” Murume akakurumidza, akandoudza Eri. Zvino Eri wakanga ava namakore ana makumi mapfumbamwe namasere, meso ake akanga ava norutara, asichagoni kuona kwazvo. Murume akati kuna Eri, “Ndini ndakabva kuhondo, ndatiza nhasi kuhondo.” Akati, “Kwaitweiko, mwana wangu?” Zvino murume wakanga auya neshoko akapindura, akati, “VaIsiraeri vatiza pamberi pavaFirisitia; vanhu vazhinji vaurawa; uye vanakomana venyu vaviri, Hofini naPinehasi, vafawo; uye areka yaMwari yatorwa.” Zvino wakati achireva areka yaMwari, Eri akawa pachigaro negotsi kurutivi rwesuo, akavhunika mutsipa, akafa; nokuti wakanga ava mutana, ano muviri mukobvu. Wakanga atonga vaIsiraeri makore makumi mana. Zvino mukadzi womwanakomana wake Pinehasi, wakanga ava nemimba, oda kupona mwana; akati achinzwa kuti areka yaMwari yatorwa, uye kuti baba vomurume wake, nomurume wakewo, vafa vose, akapfugama, akapona mwana, nokuti wakasvikirwa nokurwadziwa kwake. Nenguva yokufa kwake vakanga vamirepo naye vakati, “Usatya hako, nokuti wapona mwana womukomana. Asi haana kupindura, kana kurangarira izvozvo.” Akatumidza mwana zita rinonzi Ikabhodhi, achiti, “Kukudzwa kwabviswa kuna Isiraeri; nokuti areka yaMwari yakanga yatorwa, uye nokuda kwababa vomurume wake, nomurume wake.” Akati, “Kukudzwa kwabviswa kuna Isiraeri; nokuti areka yaMwari yatorwa.”
1 Samueri 4:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaIsiraeri vakaenda kundorwisa vaFirisitia akanga vadzika matendhe avo kuAfeki. Ivo vakandodzika matendhe avo kuEbhenezeru. VaFirisitia vakarongana kuti vachirwisa vaIsiraeri. Pavakanga vavakurwisana vaIsiraeri vakakundwa navaFirisitia. VaFirisitia vakauraya vaIsiraeri vaikwana zviuru zvina mukurwisana kwavakaita. Pakadzokera varwi kumatendhe, vakuru vakuru vavaIsiraeri vakati, “Ko seiko Tenzi atikundisa navaFirisitia nhasi? Ngatiendei tindotora Bhokisi raTenzi reChitenderano kubva kuShiro kuti rive pakati pedu Tenzi atinunure mumaoko avavengi vedu.” Kwakatumwa vanhu kuShiro kundotora Bhokisi reChitenderano raTenzi Samasimbaose ane chigaro chake pakati pamaKerubhu. Uyewo vanakomana vaEri, Hofini naFinehasi vaiveko vaine Bhokisi reChitenderano raMwari iroro. Pakasvika Bhokisi reChitenderano raTenzi mumatendhe, vaIsiraeri vose vakadaidzira nezwi guru zvokuti pasi pakandengendeka. VaFirisitia pavakanzwa ruzha rwokuzhamba ikoko vakati, “Ruzha rukuru mumatendhe ava Hebheru ndorwei?” Pavakanzwa kuti Bhokisi raTenzi raunzwa kumatendhe, vaFirisitia vakatya, zvokuti vakati, “Kune mumwe mwari uku auya mumatendhe.” Vakati, “Pedu papera! Hatisati tamboona zvakadai. Pedu patiperera! Ndiani angatinunura mumaoko avamwari vakasimba vakadai? Ndivo vamwari vaya vakarova vaIjipiti neshamhu yenhamo dzakasiyana-siyana murenje. VaFirisitia, tsungai mwoyo. Ivai varume, mukasadaro munoswera mava varanda vavaHebheru sezvavakanga vari kwamuri. Ivai varume, murwe.” Saka vaFirisitia vakarwisa, vaIsiraeri vakakundwa. Mumwe nomumwe wavaIsiraeri akatizira kumba kwake. Pakafiwa zvokufiwa zviya. Pakafa varwi vetsoka vavaIsiraeri zviuru makumi matatu. Bhokisi raMwari rakapambwa. Vanakomana vaEri Hofini naFinehasi vakauraiwa. Musi iwoyo mumwe murume muBhenjamini akatiza achibva kuhondo, akamhanyira kuShiro. Akanga abvarura-bvarura hanzu dzake aine ivhu mumusoro. Paakasvika Eri akanga agere pachigaro chake parutivi penzira akatarisa nzira nokuti mwoyo wake waityira Bhokisi raMwari. Murume uya paakapinda muguta, akataurira vanhu zvakanga zvaitika, guta rose ndokubva rati mhere kwetsu. Eri paakanzwa mhere iya akati, “Ko mhere iyoyi ndeyei?” Murume iyeyu akamhanyira kundoudza Eri. Eri akanga ava namakumi mapfumbamwe amakore namakore masere okuberekwa. Maziso ake akanga apera, asisaoni. Murume uya akati kuna Eri, “Ndini ndabva kuhondo uko. Ndatiza hondo nhasi uno.” Eri akabvunza achiti, “Ko zvafamba seiko ikoko mwanangu?” Nyakuuya neshoko uya akapindura achiti, “VaIsiraeri vaita rumwe rumwe kutiza vaFirisitia. Hondo yedu yakatakazhwa. Uyewo vanakomana venyu Hofini naFinehasi vafa, uyezve Bhokisi raMwari rapambwa.” Paakangodoma Bhokisi raMwari, Eri akanga agere pachigaro munyasi mesuo guru akabva ati namanhede re-ezu pasi gwajara, mutsipa ndokubva wati pipfu, ndiye sarai. Zviripo ndezvokuti vakanga akwegurawo, uye akanga akafuta. Akanga atonga vaIsiraeri kwamakumi mana amakore. Muroora wavo mudzimai waFinehasi akanga akazvitakura ava padyo nokusununguka, paakanzwa shoko rokuti Bhokisi raMwari rapambwa, uye kuti vatezvara vake nomurume wake vafa, mimba yakarwadza akati bvucha akasungukuka nokuti mimba yakarwadza. Paakanga ava kufa, vakadzi, vananyamukuta vaimubatsira pakusununguka vakamuti, “Tsunga mwoyo, wapiwa mwana mukomana.” Asi iye haana chaakapindura kana kuratidza kuita mwoyo nazvo. Akatumidza mwana iyeyo zita rokuti Ikabhodhi, achiti “Mbiri yeIsiraeri yaenda,” pamusana peBhokisi raMwari rakapambwa, uyewo napamusana pavatezvara vake nomurume wake. Akati, “Mbiri yabva muIsiraeri nokuti Bhokisi raMwari ratorwa.”
1 Samueri 4:1-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shoko raSamueri rakaȿika kuʋaIsraeri ʋose. Ɀino ʋaIsraeri ʋakaenda kundorwa naʋaFiristia, ʋakaʋaka misasa yaʋo pedyo neEbeni‐ezeri; ʋaFiristia ʋakaʋaka misasa yaʋo paAfeki. ƲaFiristia ʋakaɀigadzira kurwa naʋaIsraeri; ɀino ʋakati ʋorwa, ʋaIsraeri ʋakakundwa naʋaFiristia, ʋakaʋuraya pakati paʋakaŋga ʋakagadzirirwa kurwa ʋarume ʋaneŋge ɀuru ɀinna. Ɀino ʋanhu ʋakati ʋaȿika kumisasa, ʋakuru ʋaIsraeri ʋakati: Jehova wakatiroʋereiko nhasi pamberi paʋaFiristia? Hendei, titore areka yesuŋgano yaJehova paShiro, iʋuye pakati peɗu itirwire pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋeɗu. Naiɀoɀo ʋanhu ʋakatuma nhume Shiro kundotora’po areka yesuŋgano yaJehova wehondo, ugere pamsoro pamakerubi; ʋanakomana ʋaʋiri ʋaEri, Hofni naPinehasi, ʋakaŋga ʋari’po paareka yesuŋgano yaMŋari. Ɀino areka yesuŋgano yaJehova yakati yaȿika pamisasa, ʋaIsraeri ʋose ʋakapururudza nokupururudza kukuru, nyika ikaita mawuŋgira. ƲaFiristia ʋakati ʋacinzwa inzwi rokupururudza, ʋakati: Inzwi iro rokupururudza riri kumisasa yaʋaHeberu rinoti kuɗiniko? Ʋakanzwa kuti areka yaJehova yaȿika kumisasa. ƲaFiristia ʋakatya, nokuti ʋakati: Mŋari waȿika kumisasa. Ʋakati: Tinenhamo! nokuti cinhu cakaɗai hacina‐kumboʋa’po. Tinenhamo! Ndianiko ucatirwira pamaʋoko aʋamŋari aʋa ʋane‐simba? Ndiʋo ʋamŋari ʋakaɗeya kuroʋa ʋaEgipita namaɗambudziko amarudzi mazhinji murenje. Simbai, muite saʋarume, imi ʋaFiristia, kuti murege kuʋa ʋaranda ʋaʋaHeberu, seɀaʋaŋga ʋakaita kwamuri; itai saʋarume, murwe. Ɀino ʋaFiristia ʋakarwa, ʋaIsraeri ʋakakundwa, ʋakatiza, mumŋe nomumŋe kutente rake, kukaʋa’po kuʋurawa kukuru; nokuti kuʋaIsraeri kwakafa ʋanhu ʋaneɀuru ɀinamakumi matatu ʋaifamba namakumbo. Areka yaMŋari ikatorwa, ʋuye ʋanakomana ʋaʋiri ʋaEri, Hofni naPinehasi, ʋakaʋurawa. Ɀino mumŋe murume waʋaBenjamini akabva kuhondo, akamhanya, akaȿika paShiro nomusi iwoyo, aneŋguʋo dzakabvarurwa neguruʋa pamusoro wake. Pakuȿika kwake, Eri wakaŋga agere pacigaro cake kurutiʋi rwenzira, akataririra, nokuti mŋoyo wake wakaŋga ucibvunda pamsoro peareka yaMŋari. Murume wakati aȿika muguta, akaʋaʋudza iɀoɀo, ʋanhu ʋose ʋeguta ʋakacema. Ɀino Eri wakati acinzwa inzwi rokucema, akati: Inzwi reɓopoto iri rinoti kuɗiniko? Murume akakurumidza, akandoʋudza Eri. Ɀino Eri wakaŋga aʋa namakore anamakumi mapfumbamŋe namasere, meso ake akaŋga aʋa norutara, asicagoni kuʋona kwaɀo. Murume akati kunaEri: Ndini ndakabva kuhondo, ndatiza nhasi kuhondo. Akati: Kwaitweiko, mŋana waŋgu? Ɀino murume wakaŋga aʋuya neshoko akapindura, akati: ƲaIsraeri ʋatiza pamberi paʋaFiristia; ʋanhu ʋazhinji ʋaʋurawa; ʋuye ʋanakomana ʋenyu ʋaʋiri, Hofni naPinehasi, ʋafa ʋo; ʋuye areka yaMŋari yatorwa. Ɀino wakati acireʋa areka yaMŋari, Eri akawa pacigaro negotsi kurutiʋi rwesuʋo, akavunika mutsipa, akafa; nokuti wakaŋga aʋa mutana, anomuʋiri mukobvu. Wakaŋga atoŋga ʋaIsraeri makore makumi manna. Ɀino mukadzi womŋanakomana wake Pinehasi, wakaŋga aʋa nemimba, oɗa‐kupona mŋana; akati acinzwa kuti areka yaMŋari yatorwa, ʋuye kuti ɓaɓa ʋomurume wake, nomurume wake ʋo, ʋafa ʋose, akafugama, akapona mŋana, nokuti wakaȿikirwa nokurwadziwa kwake. Neŋguʋa yokufa kwake ʋakaŋga ʋamire’po naye ʋakati: Usatya hako, nokuti wapona mŋana womukomana. Asi haana‐kupindura, kana kuraŋgarira iɀoɀo. Akatumidza mŋana zita rinonzi Ikabodi, aciti: Kukudzwa kwabviswa kunaIsraeri; nokuti areka yaMŋari yakaŋga yatorwa, ʋuye nokuɗa kwaɓaɓa ʋomurume wake, nomurume wake. Akati: Kukudzwa kwabviswa kunaIsraeri; nokuti areka yaMŋari yatorwa.
1 Samueri 4:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)