Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 29:1-11

1 Samueri 29:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

VaFiristia vakaunganidza varwi vavo paAfeki, uye vaIsraeri vakadzika musasa patsime raiva paJezireeri. Vatongi vavaFiristia pavaifamba namapoka avo amazana mazana uye ezviuru zviuru, Dhavhidhi navanhu vake vaifamba vari mushure maAkishi. Vakuru vehondo yavaFiristia vakabvunza vakati, “Ko, vaHebheru ava vanodei?” Akishi akapindura akati, “Ko, uyu haazi Dhavhidhi, akanga ari muchinda waSauro mambo weIsraeri here? Anga agere neni kwenguva inopfuura gore, uye kubva pazuva raakabva kuna Sauro kusvikira zvino, handina kuwana chakaipa maari.” Asi vakuru vehondo yavaFiristia vakamutsamwira vakati, “Dzosai munhu uyu kwakare, kuti adzokere kunzvimbo yamakamurayira kuti agare. Haafaniri kuenda nesu kuhondo kuitira kuti arege kutipindukira tiri pakurwa. Zvingava nani kwaari kuti awane nyasha kuna tenzi wake ndezvipiko, hakusi kuti agure misoro yavanhu vedu here? Ko, uyu handiye Dhavhidhi wavakaimba pamusoro pake vachitamba vachiti: “ ‘Sauro akauraya zviuru zvake, uye Dhavhidhi makumi ezviuru zvake’?” Saka Akishi akadana Dhavhidhi akati kwaari, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, iwe wanga wakavimbika, uye ini ndaifara kuti iwe ushande neni muhondo. Kubva pazuva rawakasvika kwandiri kusvikira iye zvino, handina kuwana chakaipa mauri, asi madzishe haabvumirani newe. Chidzoka hako kwakare norugare; urege kuita chinhu chisingafadzi madzishe avaFiristia.” Dhavhidhi akamubvunza akati, “Asi ndaiteiko hangu? Makawaneiko chakaipa kumuranda wenyu kubva pazuva randakasvika kwamuri kusvikira zvino? Ndinoregereiko kundorwa navavengi vashe wangu mambo?” Akishi akati, “Ndinoziva kuti wanga uchifadza pamberi pangu somutumwa waMwari; asi zvazvo, vakuru vehondo yavaFiristia vati, ‘Iye haafaniri kuenda nesu kuhondo.’ Zvino muka mangwanani-ngwanani, pamwe chete navaranda vatenzi wako avo vakauya newe, ugobva achiri mangwanani pakunotanga kuchena.” Saka Dhavhidhi navanhu vake vakamuka mangwanani-ngwanani kuti vadzokere kunyika yavaFiristia, uye vaFiristia vakakwidza kuJezireeri.

1 Samueri 29:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino vaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo dzose paAfeki, asi vaIsiraeri vakavaka misasa yavo patsime raiva paJezereeri. Madzishe avaFirisitia akapfuura akaita mazana‐nemazana zviuru‐nezviuru, naDhavhidhi navanhu vake vakapfuurawo vachitevera Akishi. Ipapo machinda avaFirisitia akati, “Ko vaHebheru ava vanoiteiko pano?” Akishi akati kumachinda avaFirisitia, “Ko uyu haazi Dhavhidhi, muranda waSauro, mambo waIsiraeri, ugere neni mazuva ano kana makore ano here? Handina kuwana mhosva kwaari, chinguva chaakatizira kwandiri kusvikira nhasi.” Asi machinda avaFirisitia akamutsamwira, machinda avaFirisitia vakati kwaari, “Dzosa munhu uyu, adzokere uko kwake kwawakamuisa iwe, asi ngaarege kuburuka kundorwa nesu, kuti arege kutipandukira akava muvengi wedu pakurwa. Nokuti munhu uyu ungandoyananisa ishe wake neiko? Hatiti nemisoro yavanhu ava here? “Ko uyu haazi Dhavhidhi uya wavakaimbira vachibvumirana pakutamba kwavo, vachiti, ‘Sauro wakauraya zviuru zvamazana, Asi Dhavhidhi makumi ezviuru zvamazana?’ ” Ipapo Akishi akadana Dhavhidhi, akati kwaari, “NaJehovha mupenyu, iwe wakanga uri munhu wakarurama, nokubuda kwako nokupinda kwako pahondo kwakanga kuchindifadza ini, nokuti handina kuwana zvakaipa kwauri kubva pazuva rawakasvika kwandiri kusvikira zuva ranhasi; asi madzishe haakufariri. Naizvozvo zvino chidzoka hako, uende norugare, kuti urege kuzoita chisingafadzi madzishe avaFirisitia.” Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Ndadiniko? Makawaneiko kumuranda wenyu chinguva chandakagara nemi kusvikira nhasi, kuti ndirege kundorwa navavengi vashe wangu mambo?” Akishi akapindura, akati kuna Dhavhidhi, “Ndinoziva kuti unondifadza ini, somutumwa waMwari; asi machinda avaFirisitia akati, ‘Ngaarege kukwira nesu kundorwa.’ Naizvozvo zvino chimuka hako achiri mangwanani pamwechete navaranda vashe wako vakauya newe; zvino kana mamuka mangwanani, mogona kuona, muende henyu.” Naizvozvo Dhavhidhi akamuka mangwanani, iye navanhu vake, vakaenda mangwanani, vakadzokera kunyika yavaFirisitia. VaFirisitia vakakwira vakaenda Jezereeri.

1 Samueri 29:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

VaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo dzose kuAfeki. VaIsiraeri vakadzikawo matendhe pedyo nechisipiti chokuJezireeri. Madzishe evaFirisitia akati achifamba aine zvikwata zvavarwi zvezviuru zvakasiyana-siyana, vachipfuura vari zana zana, Dhavhidhi navarwi vakewo vari necheshure vaina Akishi, vatungamiri vavaFirisitia vakabvunza kuti, “Ko vaHebheru ava ndevei?” Akishi akapindura vatungamiriri vaFirisitia ava achiti, “NdiDhavhidhi wani uyu, muranda waSauro mambo weIsiraeri. Atova namazuva chaiwo wani kana kutoti makore aineni. Kubvira zuva raakapomoka kwaSauro, ini handina kuona chakaipa maari ini kusvikira nhasi uno.” Asi vatungamiriri vavaFirisitia vakamushatirirwa vakati, “Dzoserai murume uyu kwakare kuguta ramakamuti agare. Ngaarege kuenda nesu kundorwa nokuti anotipandukira uyu, kana tasvika pakurwa. Munoti angagotsvaka sei kuwirirana zvakare natenzi wake? Handiti anotozviita nemisoro yavarume vokwedu ava? Handiti ndiye Dhavhidhi here uyu wavaiimba vachidavirana vachitamba vachiti, “Sauro wakauraya zviuru Asi Dhavhidhi makumi namakumi ezviuru?” Akishi akadaidza Dhavhidhi ndokuti kwaari, “NaTenzi mupenyu, iwe wanga uri munhu akatendeka, uye sokuona kwangu unenge uchifanira chaizvo kuenda neni mutendhe nokuti mauri iwe handina kuona chakaipa kubvira musi wawakauya kwandiri kusvikira pari nhasi. Kunyange zvakadaro zvazvo madzishe aya haasi kugutsikana newe. Zvino wochidzokera zvako zvakanaka kuti urege kugumbura madzishe aya avaFirisitia.” Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Ko chii chandakaita? Chakaipa chamakaona mandiri ini muranda wenyu chii chaizvo kubvira musi wandakatangisa kukushandirai kusvikira nhasi uno chingazonditadzisa kuendawo kundorwa navavengi venyu changamire?” Akishi akapindura Dhavhidhi achiti, “Ini ndinozviziva zvangu kuti kwandiri ini wakanaka mwoyo somutumwa waMwari. Asi vatungamiriri vavaFirisitia vati, ‘Haaende nesu kundorwa.’ Saka wofumomuka pamwechete navaranda vatenzi vako vakauya newe moenda mangwanani mambakwedza.” Saka Dhavhidhi navanhu vake vakamuka mangwanani-ngwanani vodzokera kunyika yavaFirisitia, vaFirisitia vakaenda kuJezireeri.

1 Samueri 29:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋaFiristia ʋakaʋuŋganidza hondo dzaʋo dzose paAfeki, asi ʋaIsraeri ʋakaʋaka misasa yaʋo patsime raiʋa paJezreeri. Madzishe aʋaFiristia akapfuʋura akaita mazana‐mazana neɀuru‐ɀuru, naDavidi naʋanhu ʋake ʋakapfuʋura ʋo ʋaciteʋera Akishi. Ipapo macinda aʋaFiristia akati: Ko ʋaHeberu aʋa ʋanoiteiko pano? Akishi akati kumacinda aʋaFiristia: Ko uyu haazi Davidi, muranda waSauro, mambo waIsraeri, ugere neni mazuʋa ano kana makore ano here? Handina‐kuwana mhoȿa kwaari, ciŋguʋa caakatizira kwandiri kuȿikira nhasi. Asi macinda aʋaFiristia akamutsamŋira, macinda aʋaFiristia akati kwaari: Dzosa munhu uyu, adzokere uko kwake kwawakamuisa iwe, asi ŋgaarege kuɓuruka kundorwa nesu, kuti arege kutipandukira akaʋa muʋeŋgi weɗu pakurwa. Nokuti munhu uyu uŋgandoyananisa ishe wake neiko? Hatiti nemisoro yaʋanhu aʋa here? Ko uyu haazi Davidi uya waʋakaimbira ʋacibvumirana pakutamba kwaʋo, ʋaciti: Sauro wakaʋuraya ɀuru ɀamazana ake, Asi Davidi makumi eɀuru ɀamazana ake? Ipapo Akishi akaɗana Davidi, akati kwaari: NaJehova mupenyu, iwe wakaŋga uri munhu wakarurama, nokuɓuɗa kwako nokupinda kwako pahondo kwakaŋga kucindifadza ini, nokuti handina‐kuwana ɀakaipa kwauri kubva pazuʋa rawakaȿika kwandiri kuȿikira zuʋa ranhasi; asi madzishe haakufariri. Naiɀoɀo ɀino cidzoka hako, uende norugare, kuti urege kuzoita cisiŋgafadzi madzishe aʋaFiristia. Davidi akati kunaAkishi: Ndaɗiniko? Makawaneiko kumuranda wenyu ciŋguʋa candakagara nemi kuȿikira nhasi, kuti ndirege kundorwa naʋaʋeŋgi ʋashe waŋgu mambo? Akishi akapindura, akati kunaDavidi: Ndinoziʋa kuti unondifadza ini, somutumŋa waMŋari; asi macinda aʋaFiristia akati: Ŋgaarege kukwira nesu kundorwa. Naiɀoɀo ɀino cimuka hako acirimaŋgwanani pamŋe cete naʋaranda ʋashe wako ʋakaʋuya newe; ɀino kana mamuka maŋgwanani, mogona kuʋona, muende henyu. Naiɀoɀo Davidi akamuka maŋgwanani, iye naʋanhu ʋake, ʋakaenda maŋgwanani, ʋakadzokera kunyika yaʋaFiristia. ƲaFiristia ʋakakwira ʋakaenda Jezreeri.

1 Samueri 29:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)