Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 29:1-11

1 Samueri 29:1-11 SCLB

VaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo dzose kuAfeki. VaIsiraeri vakadzikawo matendhe pedyo nechisipiti chokuJezireeri. Madzishe evaFirisitia akati achifamba aine zvikwata zvavarwi zvezviuru zvakasiyana-siyana, vachipfuura vari zana zana, Dhavhidhi navarwi vakewo vari necheshure vaina Akishi, vatungamiri vavaFirisitia vakabvunza kuti, “Ko vaHebheru ava ndevei?” Akishi akapindura vatungamiriri vaFirisitia ava achiti, “NdiDhavhidhi wani uyu, muranda waSauro mambo weIsiraeri. Atova namazuva chaiwo wani kana kutoti makore aineni. Kubvira zuva raakapomoka kwaSauro, ini handina kuona chakaipa maari ini kusvikira nhasi uno.” Asi vatungamiriri vavaFirisitia vakamushatirirwa vakati, “Dzoserai murume uyu kwakare kuguta ramakamuti agare. Ngaarege kuenda nesu kundorwa nokuti anotipandukira uyu, kana tasvika pakurwa. Munoti angagotsvaka sei kuwirirana zvakare natenzi wake? Handiti anotozviita nemisoro yavarume vokwedu ava? Handiti ndiye Dhavhidhi here uyu wavaiimba vachidavirana vachitamba vachiti, “Sauro wakauraya zviuru Asi Dhavhidhi makumi namakumi ezviuru?” Akishi akadaidza Dhavhidhi ndokuti kwaari, “NaTenzi mupenyu, iwe wanga uri munhu akatendeka, uye sokuona kwangu unenge uchifanira chaizvo kuenda neni mutendhe nokuti mauri iwe handina kuona chakaipa kubvira musi wawakauya kwandiri kusvikira pari nhasi. Kunyange zvakadaro zvazvo madzishe aya haasi kugutsikana newe. Zvino wochidzokera zvako zvakanaka kuti urege kugumbura madzishe aya avaFirisitia.” Dhavhidhi akati kuna Akishi, “Ko chii chandakaita? Chakaipa chamakaona mandiri ini muranda wenyu chii chaizvo kubvira musi wandakatangisa kukushandirai kusvikira nhasi uno chingazonditadzisa kuendawo kundorwa navavengi venyu changamire?” Akishi akapindura Dhavhidhi achiti, “Ini ndinozviziva zvangu kuti kwandiri ini wakanaka mwoyo somutumwa waMwari. Asi vatungamiriri vavaFirisitia vati, ‘Haaende nesu kundorwa.’ Saka wofumomuka pamwechete navaranda vatenzi vako vakauya newe moenda mangwanani mambakwedza.” Saka Dhavhidhi navanhu vake vakamuka mangwanani-ngwanani vodzokera kunyika yavaFirisitia, vaFirisitia vakaenda kuJezireeri.