1 Samueri 28:3-25
1 Samueri 28:3-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Samueri akanga afa, uye vaIsraeri vose vakanga vamuchema, vakamuviga muguta rake reRama. Sauro akanga adzinga panyika masvikiro navavuki. VaFiristia vakaungana vakauya vakadzika musasa paShunemi, uye Sauro akaunganidza vaIsraeri vose akadzika musasa paGiribhoa. Sauro akati aona varwi vavaFiristia, akatya; kutya kwakazadza mwoyo wake. Akabvunza kuna Jehovha, asi Jehovha haana kumupindura nezviroto kana neUrimi kana navaprofita. Ipapo Sauro akati kuvaranda vake, “Nditsvakirei mukadzi anosvikirwa, kuti ndiende kundobvunza kwaari.” Ivo vakati, “Kuno mumwe ari paEndori.” Saka Sauro akazvivanza akafuka dzimwe nguo, akaenda iye navamwe varume vaviri kumukadzi uyu usiku. Akati kwaari, “Ndibvunzire mweya, ugondimutsirawo uyo wandichakuudza.” Asi mukadzi akati kwaari, “Zvirokwazvo unoziva iwe zvakaitwa naSauro. Akauraya masvikiro navavuki kubva panyika. Ko, waisirei musungo muupenyu hwangu kuti undiurayise?” Sauro akamupikira naJehovha akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, haungazorangwi pamusoro paizvozvi.” Ipapo mukadzi akabvunza akati, “Ndianiko wandichakumutsira?” Iye akati, “Ndimutsire Samueri.” Mukadzi akati achiona Samueri, akadanidzira nenzwi guru akati kuna Sauro, “Seiko mandinyengera? Ndimi Sauro!” Mambo akati kwaari, “Usatya. Uri kuoneiko?” Mukadzi akati, “Ndinoona mweya uchikwira uchibuda pasi.” Iye akati, “Akaita seiko?” Akati, “Murume mutana akafuka nguo ari kuuya.” Ipapo Sauro akaziva kuti akanga ari Samueri, akakotamira pasi nechiso chake. Samueri akati kuna Sauro, “Seiko wanditambudza nokundimutsa?” Sauro akati, “Ndiri kutambudzika zvikuru. VaFiristia vari kurwa neni, uye Mwari abva kwandiri. Haachandipinduri, navaprofita kana nokurota. Saka ndakudanai imi kuti muzondiudza zvokuita.” Samueri akati, “Unondibvunzireiko ini, sezvo zvino Jehovha akabva kwauri akava muvengi wako? Jehovha akaita zvaakataura kare kubudikidza neni. Jehovha akabvarura umambo akahubvisa mumaoko ako akahupa kuno mumwe wavavakidzani vako, kuna Dhavhidhi. Nokuti hauna kuteerera Jehovha, kana kuratidza hasha dzake dzinotyisa pamusoro peAmareki, Jehovha azviita izvi nhasi kwauri. Jehovha achaisa vaIsraeri pamwe chete newe kuvaFiristia, uye mangwana iwe navanakomana vako muchava neni. Jehovha achaisazve hondo yavaIsraeri kuvaFiristia.” Pakarepo Sauro akawira pasi akazvambarara, azara nokutya nokuda kwamashoko aSamueri. Simba rake rakapera, nokuti akanga asina chaakanga adya zuva rose nousiku hwose. Mukadzi paakaenda pana Sauro akaona kuti akanga avhundutswa kwazvo, akati kwaari, “Tarirai, murandakadzi wenyu akakuteererai. Ndakaisa upenyu hwangu mumaoko angu ndikaita zvamakandiudza kuti ndiite. Zvino, ndapota teererai muranda wenyu, regai ndikupei zvokudya kuti mudye mugowana simba rokufamba parwendo rwenyu.” Iye akaramba akati, “Handidi kudya.” Asi vanhu vake vakabatsirana nomukadzi pakumugombedzera, uye akavanzwa. Akasimuka akagara panhoo. Mukadzi akanga ane mhuru yakakodzwa pamba pake, uye akaiuraya pakarepo. Akatora upfu hwegorosi akahukanya akabika chingwa chisina mbiriso. Ipapo akazviisa pamberi paSauro navanhu vake, ivo vakadya. Usiku ihwohwo vakasimuka vakaenda.
1 Samueri 28:3-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Samueri zvino wakanga afa; vaIsiraeri vakanga vamuchema, vamuviga paRama, imo muguta rake; Sauro akanga abvisa panyika masvikiro navauki. Zvino vaFirisitia vakaungana, vakavaka misasa yavo paShunemi; Sauro akaunganidza vaIsiraeri vose, ivo vakavaka misasa yavo paGiribhoa. Zvino Sauro wakati achiona hondo dzavaFirisitia, akatya, mwoyo wake ukadedera kwazvo. Sauro akabvunza Jehovha, asi Jehovha haana kumupindura, kunyange pakurota, kana neUrimi, kana navaporofita. Ipapo Sauro akati kuvaranda vake, “Nditsvakirei mukadzi unosvikirwa, ndiende kwaari ndindomubvunza iye.” Varanda vake vakati kwaari, “Tarirai, kuno mukadzi unosvikirwa paEndori.” Sauro akazvishandura, akafuka dzimwe nguo, akaenda, iye navamwe varume vaviri, vakasvika kumukadzi usiku; akati, “Ndiukirewo nomweya unokusvikira, undikwidzire wandichakuudza.” Mukadzi akati kwaari, “Tarira, unoziva zvakaitwa naSauro, kuti wakaparadza masvikiro navauki panyika, unoteyireiko upenyu hwangu, ndiurawe?” Sauro akapika kwaari naJehovha, akati, “NaJehovha mupenyu, iwe haungavi nemhosva pachinhu ichi.” Zvino mukadzi akati, “Ndokukwidzira aniko?” Akati, “Ndikwidzire Samueri.” Mukadzi wakati achiona Samueri, akadanidzira nezwi guru. Mukadzi akataura naSauro, akati, “Mandinyengerereiko? Nokuti ndimi Sauro?” Mambo akati kwaari, “Usatya hako, asi unowoneiko?” Mukadzi akati kuna Sauro, “Ndinoona mudzimu unokwira achibuda panyika.” Akati kwaari, “Wakadiniko?” Akati, “Kunomutana unokwira, akafuka nguo.” Sauro akaziva kuti ndiye Samueri, akakotamira pasi nechiso chake, akanamata kwaari. Samueri akati kuna Sauro, “Wanditambudzireiko uchindikwidza?” Sauro akapindura akati, “Ndinotambudzika kwazvo; nokuti vaFirisitia vanorwa neni, naMwari wabva kwandiri, haachatongondipinduri, kunyange navaporofita, kana nokurota; naizvozvo ndakudanai imi, kuti mundizivise zvandinofanira kuita.” Samueri akati, “Unondibvunzireiko ini, Jehovha zvaakabva kwauri, akava muvengi wako? Jehovha wakazviitira izvo zvaakataura neni; Jehovha akabvarura ushe pamaoko ako, akahupa mumwe wokwako, iye Dhavhidhi. Nokuti hauna kuteerera izwi raJehovha, hauna kuitira vaAmareki nokutsamwa kwake kukuru; naizvozvo Jehovha wakakuitira chinhu ichi nhasi. Zvino Jehovha uchaisa vaIsiraeri pamwechete newe mumaoko avaFirisitia; mangwana iwe navanakomana vako muchava neni; Jehovha uchaisa hondo yavaIsiraeri mumaoko avaFirisitia.” Ipapo Sauro akawira pasi pakarepo, akatsivama, akatya kwazvo pamusoro pamashoko aSamueri; kwakanga kusina simba maari, nokuti wakanga asina kudya zvokudya zuva iro rose, kunyange nousiku hwose. Zvino mukadzi akauya kuna Sauro, akaona kuti unotambudzika kwazvo, akati kwaari, “Tarirai, murandakadzi wenyu wakateerera izwi renyu, ndikasarangarira upenyu hwangu, asi ndakateerera mashoko enyu amakandiudza. Naizvozvo zvino, chiteereraiwo izwi romurandakadzi wenyu, ndiise chimedu chechingwa pamberi penyu, mudye, muve nesimba kana moenda henyu.” Asi iye wakaramba, akati, “Handidi hangu kudya.” Asi varanda vake vakamukurudzira pamwechete nomukadzi, akazoteerera mazwi avo. Naizvozvo akasimuka pasi, akagara panhoo. Zvino mukadzi wakanga ane mhuru yakakodzwa mumba; akakurumidza akaibaya, akatora upfu, akahukanya, akabika nahwo chingwa chisina kuviriswa; akazviisa pamberi paSauro napamberi pavaranda vake; vakadya. Ipapo vakasimuka, vakaenda usiku ihwohwo.
1 Samueri 28:3-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izvozvo Samueri akatenge afa, vaIsiraeri vamuchema vatomuviga kuRama, guta rokwake. Saurowo akanga adzinga munyikamo n'anga navanosvikirwa. VaFirisitia vakakokorodzana vakasvikodzika matendhe avo kuShunemu. Sauro akaunganidzawo vaIsiraeri vose vakadzika matendhe avo kuGiribhoa. Sauro paakaona hondo yavaFirisitia akadedera kwazvo nokutya. Akada kunzwa kuti Tenzi anoti kudii nazvo, asi Tenzi haana kumupindura kana muzviroto kana neurimu kunyange nokuvaporofita. Sauro akati kuvaranda vake, “Nditsvakirei mukadzi anosvikirwa ndiende kundobvunzira kwaari.” Ivo vakati, “Kuno mumwe anosvikirwa ari kuEndori.” Naizvozvo akapfeka dzimwe hanzu kuti asaziikanwe ndokuenda nousiku kumukadzi iyeyo aine vamwe varume vaviri. Akati, “Ndibvunzireiwo vari kumhepo mundidaidzirewo wandinenge ndadoma nezita.” Mukadzi uyu akamuti, “Inga kana nemi munonyatsozviziva wani zvakaitwa naSauro. Handiti akaparadza n'anga navanosvikirwa munyika ino. Ko seiko muchida kuteya upenyu hwangu kuda kundiurayisa zvenyu?” Sauro, akapika kwaari naTenzi achiti, “NaTenzi chaiye mupenyu hamumbofa makarangirwa izvozvi izvi.” Mukadzi ndokuti, “Zvino ndokudaidzirai ani?” Iye akati, “Ndidaidzireiwo Samueri.” Mukadzi uyu paakaona Samueri, akachema, akati kuna Sauro, “Ko mandinyengedzereiko kudai! Inga ndiwe Sauro wani.” Mambo akamuti, “Rega zvako kutya, chete chauri kumboona chii?” Mukadzi akati kuna Sauro, “Ndiri kuona mumwe mudzimu uri kunyuka pasi.” Akati kwaari, “Chimiro chawo chakadii?” Mukadzi uyu ndokuti, “Murume, harahwa iri kunyuka yakafukidzwa gemenzi.” Sauro akabva aziva kuti ndiSamueri, akakotamisa uso ndokumugwadamira. Samueri akati kuna Sauro, “Ko wandinetsereiko nokundidaidza?” Sauro akati, “Ndapinda pfumvu chaiyo ini nokuti vaFirisitia vari kundirwisa, ukuwo Mwari andifuratira. Haachambondipa mhinduro kunyange navaporofita kana muzviroto. Ndokusaka ini ndakudaidzai kuti mundiudze zvokuita.” Samueri ndokuti, “Kana Tenzi akakufuratira kudaro akava mhandu yako, ko ini unogondibvunzireiwo? Tenzi pachake ari kuita kwauri sokutaura kwaakaita nomuromo wangu nokuti Tenzi akabvarura umambo kwauri akahupa mumwe wako, Dhavhidhi. Chiripo ndechokuti hauna kuteerera Tenzi. Wakarega iwe kutsividza vaAmereki kuvaratidza hasha dzake dzinotyisa, ndokusaka Tenzi aita izvozvi kwauri nhasi uno. Chimwezve ndechokuti Tenzi achaisa vaIsiraeriwo pamwechete newe mumaoko avaFirisitia. Mangwana chaiwo iyewe navana vako vakomana muchange muineni. Tenzi achaisawo hondo yeIsiraeri mumaoko evaFirisitia.” Pakarepo Sauro akati pasi rabada nokutya zvakataurwa naSamueri. Simba rake rakanga rapera nokuti akanga apedza muswere wose iwoyo nousiku ihwohwo hwose asina chaadya. Mukadzi uyu akaenda pana Sauro, paakaona kuti zvakanga zvamutyisa kwazvo akamuti, “Chinzwai, ini ndambokuteererai. Ndamboita zvokutobatira ura mumaoko ini muranda wenyu, ndikateerera zvamandiudza. Zvino chimbonditeereraiwo ini muranda wenyu, ndimbokuunzirai kachingwa mudye mukoke simba mugoenda zvenyu.” Sauro akaramba achiti, “Zvokudya, aiwa. Asi varanda vake nomukadzi uyu vakamunyengetedza ndokubva azovateerera zvake. Ipapo akamuka pasi, akagara pamubhedha. Mukadzi uyu aiva nemhuru yaingunokodzwa mumba. Pakarepo akabva angoiuraya akatora upfu kwekoroni akahukanya ndokubva abika chingwa chisina mbiriso.” Akazvipa kuna Sauro navaranda vake vakadya. Vakazosimuka ndokuenda zvavo usiku ihwohwo.
1 Samueri 28:3-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Samueri ɀino wakaŋga afa; ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋamucema, ʋamuʋiga paRama, imo muguta rake; Sauro akaŋga abvisa panyika maȿikiro naʋaʋuki. Ɀino ʋaFiristia ʋakaʋuŋgana, ʋakaʋaka misasa yaʋo paShunemi; Sauro akaʋuŋganidza ʋaIsraeri ʋose, iʋo ʋakaʋaka misasa yaʋo paGirboa. Ɀino Sauro wakati aciʋona hondo dzaʋaFiristia, akatya, mŋoyo wake ukaɗeɗera kwaɀo. Sauro akabvunza Jehova, asi Jehova haana‐kumupindura, kunyaŋge pakurota, kana neUrimi, kana naʋaprofita. Ipapo Sauro akati kuʋaranda ʋake: Nditȿakirei mukadzi unoȿikirwa, ndiende kwaari ndindomubvunza iye. Ʋaranda ʋake ʋakati kwaari: Tarirai, kunomukadzi unoȿikirwa paEndori. Sauro akaɀishandura, akafuka dzimŋe ŋguʋo, akaenda, iye naʋamŋe ʋarume ʋaʋiri, ʋakaȿika kumukadzi ʋusiku; akati: Ndiʋukire ʋo nomŋeya unokuȿikira, undikwidzire wandicakuʋudza. Mukadzi akati kwaari: Tarira, unoziʋa ɀakaitwa naSauro, kuti wakaparadza maȿikiro naʋaʋuki panyika, unoteyireiko ʋupenyu bgaŋgu, ndiʋurawe? Sauro akapika kwaari naJehova, akati: NaJehova mupenyu, iwe hauŋgaʋi nemhoȿa pacinhu ici. Ɀino mukadzi akati: Ndokukwidzira aniko? Akati: Ndikwidzire Samueri. Mukadzi wakati aciʋona Samueri, akaɗanidzira nenzwi guru. Mukadzi akataura naSauro, akati: Mandinyeŋgerereiko? Nokuti ndimi Sauro. Mambo akati kwaari: Usatya hako, asi unoʋoneiko? Mukadzi akati kunaSauro: Ndinoʋona mudzimu unokwira aciɓuɗa panyika. Akati kwaari: Wakaɗiniko? Akati: Kunomutana unokwira, akafuka ŋguʋo. Sauro akaziʋa kuti ndiye Samueri, akakotamira pasi neciso cake, akanamata kwaari. Samueri akati kunaSauro: Wanditambudzireiko ucindikwidza? Sauro akapindura, akati: Ndinotambudzika kwaɀo; nokuti ʋaFiristia ʋanorwa neni, naMŋari wabva kwandiri, haacatoŋgondipinduri, kunyaŋge naʋaprofita, kana nokurota; naiɀoɀo ndakuɗanai imi, kuti mundiziʋise ɀandinofanira kuita. Samueri akati: Unondibvunzireiko ini, Jehova ɀaakabva kwauri, akaʋa muʋeŋgi wako? Jehova wakaɀiitira iɀo ɀaakataura neni; Jehova akabvarura ʋushe pamaʋoko ako, akabgupa mumŋe wokwako, iye Davidi. Nokuti hauna‐kuterera inzwi raJehova, hauna‐kuitira ʋaAmareki nokutsamŋa kwake kukuru; naiɀoɀo Jehova wakakuitira cinhu ici nhasi. Ɀino Jehova ucaisa ʋaIsraeri pamŋe cete newe mumaʋoko aʋaFiristia; maŋgwana iwe naʋanakomana ʋako mucaʋa neni; Jehova ucaisa hondo yaʋaIsraeri mumaʋoko aʋaFiristia. Ipapo Sauro akawira pasi pakarepo, akatsiʋama, akatya kwaɀo pamsoro pamashoko aSamueri; kwakaŋga kusinesimba maari, nokuti wakaŋga asina‐kudya ɀokudya zuʋa iro rose, kunyaŋge noʋusiku bgose. Ɀino mukadzi akaʋuya kunaSauro, akaʋona kuti unotambudzika kwaɀo, akati kwaari: Tarirai, murandakadzi wenyu wakaterera inzwi renyu, ndikasaraŋgarira ʋupenyu bgaŋgu, asi ndakaterera mashoko enyu amakandiʋudza. Naiɀoɀo ɀino, citererai ʋo inzwi romurandakadzi wenyu, ndiise cimeɗu ceciŋgwa pamberi penyu, mudye, muʋe nesimba kana moenda henyu. Asi iye wakaramba, akati: Handiɗi haŋgu kudya. Asi ʋaranda ʋake ʋakamukurudzira pamŋe cete nomukadzi, akazoterera manzwi aʋo. Naiɀoɀo akasimuka pasi, akagara panhoʋo. Ɀino mukadzi wakaŋga anemhuru yakakodzwa mumba; akakurumidza akaiɓaya, akatora ʋupfu, akabgukanya, akaɓika nabgo ciŋgwa cisino‐kuʋiriswa; akaɀiisa pamberi paSauro napamberi paʋaranda ʋake; ʋakadya. Ipapo ʋakasimuka, ʋakaenda ʋusiku ibgobgo.
1 Samueri 28:3-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)