Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 28:3-25

1 Samueri 28:3-25 SCLB

Izvozvo Samueri akatenge afa, vaIsiraeri vamuchema vatomuviga kuRama, guta rokwake. Saurowo akanga adzinga munyikamo n'anga navanosvikirwa. VaFirisitia vakakokorodzana vakasvikodzika matendhe avo kuShunemu. Sauro akaunganidzawo vaIsiraeri vose vakadzika matendhe avo kuGiribhoa. Sauro paakaona hondo yavaFirisitia akadedera kwazvo nokutya. Akada kunzwa kuti Tenzi anoti kudii nazvo, asi Tenzi haana kumupindura kana muzviroto kana neurimu kunyange nokuvaporofita. Sauro akati kuvaranda vake, “Nditsvakirei mukadzi anosvikirwa ndiende kundobvunzira kwaari.” Ivo vakati, “Kuno mumwe anosvikirwa ari kuEndori.” Naizvozvo akapfeka dzimwe hanzu kuti asaziikanwe ndokuenda nousiku kumukadzi iyeyo aine vamwe varume vaviri. Akati, “Ndibvunzireiwo vari kumhepo mundidaidzirewo wandinenge ndadoma nezita.” Mukadzi uyu akamuti, “Inga kana nemi munonyatsozviziva wani zvakaitwa naSauro. Handiti akaparadza n'anga navanosvikirwa munyika ino. Ko seiko muchida kuteya upenyu hwangu kuda kundiurayisa zvenyu?” Sauro, akapika kwaari naTenzi achiti, “NaTenzi chaiye mupenyu hamumbofa makarangirwa izvozvi izvi.” Mukadzi ndokuti, “Zvino ndokudaidzirai ani?” Iye akati, “Ndidaidzireiwo Samueri.” Mukadzi uyu paakaona Samueri, akachema, akati kuna Sauro, “Ko mandinyengedzereiko kudai! Inga ndiwe Sauro wani.” Mambo akamuti, “Rega zvako kutya, chete chauri kumboona chii?” Mukadzi akati kuna Sauro, “Ndiri kuona mumwe mudzimu uri kunyuka pasi.” Akati kwaari, “Chimiro chawo chakadii?” Mukadzi uyu ndokuti, “Murume, harahwa iri kunyuka yakafukidzwa gemenzi.” Sauro akabva aziva kuti ndiSamueri, akakotamisa uso ndokumugwadamira. Samueri akati kuna Sauro, “Ko wandinetsereiko nokundidaidza?” Sauro akati, “Ndapinda pfumvu chaiyo ini nokuti vaFirisitia vari kundirwisa, ukuwo Mwari andifuratira. Haachambondipa mhinduro kunyange navaporofita kana muzviroto. Ndokusaka ini ndakudaidzai kuti mundiudze zvokuita.” Samueri ndokuti, “Kana Tenzi akakufuratira kudaro akava mhandu yako, ko ini unogondibvunzireiwo? Tenzi pachake ari kuita kwauri sokutaura kwaakaita nomuromo wangu nokuti Tenzi akabvarura umambo kwauri akahupa mumwe wako, Dhavhidhi. Chiripo ndechokuti hauna kuteerera Tenzi. Wakarega iwe kutsividza vaAmereki kuvaratidza hasha dzake dzinotyisa, ndokusaka Tenzi aita izvozvi kwauri nhasi uno. Chimwezve ndechokuti Tenzi achaisa vaIsiraeriwo pamwechete newe mumaoko avaFirisitia. Mangwana chaiwo iyewe navana vako vakomana muchange muineni. Tenzi achaisawo hondo yeIsiraeri mumaoko evaFirisitia.” Pakarepo Sauro akati pasi rabada nokutya zvakataurwa naSamueri. Simba rake rakanga rapera nokuti akanga apedza muswere wose iwoyo nousiku ihwohwo hwose asina chaadya. Mukadzi uyu akaenda pana Sauro, paakaona kuti zvakanga zvamutyisa kwazvo akamuti, “Chinzwai, ini ndambokuteererai. Ndamboita zvokutobatira ura mumaoko ini muranda wenyu, ndikateerera zvamandiudza. Zvino chimbonditeereraiwo ini muranda wenyu, ndimbokuunzirai kachingwa mudye mukoke simba mugoenda zvenyu.” Sauro akaramba achiti, “Zvokudya, aiwa. Asi varanda vake nomukadzi uyu vakamunyengetedza ndokubva azovateerera zvake. Ipapo akamuka pasi, akagara pamubhedha. Mukadzi uyu aiva nemhuru yaingunokodzwa mumba. Pakarepo akabva angoiuraya akatora upfu kwekoroni akahukanya ndokubva abika chingwa chisina mbiriso.” Akazvipa kuna Sauro navaranda vake vakadya. Vakazosimuka ndokuenda zvavo usiku ihwohwo.