1 Samueri 20:1-42
1 Samueri 20:1-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Dhavhidhi akatiza kubva kuNayoti paRama akaenda kuna Jonatani akamubvunza akati, “Ndaita seiko hangu? Mhosva yangu ndeyei? Baba vako ndavatadzirei, zvavanotsvaka kundiuraya?” Jonatani akati, “Kwete! Haungatongofi! Tarira, baba vangu havamboiti chimwe chinhu, chikuru kana chiduku, vasingandizivisi. Vangazondivanzira izvi seiko? Hazvisi izvo!” Asi Dhavhidhi akapa mhiko akati, “Baba vako vanonyatsoziva kuti ndakawana nyasha pamberi pako, uye vakati mumwoyo mavo, ‘Jonatani haafaniri kuziva izvi nokuti angazvidya mwoyo.’ Asi zvirokwazvo naJehovha mupenyu uye noupenyu hwako, panongova nenhambwe imwe chete pakati pangu norufu.” Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Zvose zvaunoda kuti ndikuitire, ndichakuitira.” Saka Dhavhidhi akati, “Tarira, mangwana izuva romutambo woKugara kwoMwedzi, uye ndinofanira kudya namambo; asi rega ndiende ndinovanda mumunda kusvikira madekwana okuswera mangwana. Kana baba vako vandishayiwa uvaudze kuti Dhavhidhi akakumbira zvikuru kwauri mvumo kuti ambomhanyira kuBheterehema, iro guta rokwake, nokuti chibayiro chegore rimwe nerimwe chiri kugadzirirwa mhuri yose ikoko. Kana vakati, ‘Zvakanaka,’ ipapo woziva kuti muranda wako ane rugare. Asi kana vakashatirwa, uchaziva chokwadi kuti vari kufunga zvokundiuraya. Asi kana uriwe, itira muranda wako zvakanaka, nokuti akaita sungano newe pamberi paJehovha. Kana ndine mhosva, ndiuraye iwe pachako! Ungandiendesereiko kuna baba vako?” Jonatani akati, “Kwete! Dai ndaiziva kuti baba vangu vakafunga kukuuraya, handaikuudza here?” Dhavhidhi akabvunza akati, “Ndianiko achazondiudza kana baba vako vakakupindura nehasha?” Jonatani akati, “Uya, tiende kumunda.” Saka vakaenda ikoko pamwe chete. Ipapo Jonatani akati kuna Dhavhidhi “NaJehovha, iye Mwari weIsraeri, zvirokwazvo ndichabvunzisisa baba vangu nenguva ino kuswera mangwana! Kana ndikaona kuti vanokufarira, ko, handingakutumiri shoko ndikazokuzivisa here? Asi kana baba vangu vachida kukuuraya, Jehovha ngaandirove, zvinorwadza kwazvo, kana ndikasakuzivisa uye ndikasakuendesa norugare. Jehovha ngaave newe sezvaakanga akaita kuna baba vangu. Asi iwe undiitire tsitsi dzisingaperi dzakafanana nedzaJehovha ndichiri mupenyu kudai kuti ndirege kuurayiwa, uye usambobvisa tsitsi dzako kumhuri yangu, kunyange Jehovha achinge auraya vavengi vaDhavhidhi vose pamusoro penyika.” Saka Jonatani akaita sungano neimba yaDhavhidhi, achiti, “Jehovha ngaaite kuti vavengi vaDhavhidhi vapiwe mhosva.” Jonatani akaita kuti Dhavhidhi apikezve mhiko yorudo rwake kwaari, nokuti aimuda sokuzvida kwaaizviita iye. Ipapo Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Mangwana izuva romutambo woKugara kwoMwedzi. Iwe uchashayikwa, nokuti chigaro chako chichange chisina munhu. Kuswera mangwana, kwavira, uende kunzvimbo yawakanga wakavanda pakatanga dambudziko iri, ugomira padombo reEzeri. Ndichapfura miseve mitatu kurutivi rwayo, sokunge ndine pandakananga kupfura. Ipapo ndichatuma mukomana ndigoti, ‘Enda undotsvaka miseve,’ Kana ndikati kwaari, ‘Tarira, miseve iri kurutivi rwako urwu; uya nayo kuno,’ ipapo uuye, nokuti zvirokwazvo naJehovha mupenyu, rugare rwuri kwauri; hapana njodzi. Asi kana ndikati kumukomana, ‘Tarira, miseve iri mberi kwako,’ ipapo unofanira kuenda hako, nokuti Jehovha akuendesa kure. Uye pamusoro penyaya yatakurukura iwe neni, rangarira, Jehovha ndiye chapupu pakati pako neni nokusingaperi.” Saka Dhavhidhi akavanda mumunda, uye mutambo woKugara kwoMwedzi wakati wasvika, mambo akagara pasi kuti adye. Akagara panzvimbo yake yamazuva ose pamadziro, pakatarisana naJonatani, uye Abhineri akagara parutivi paSauro, asi nzvimbo yaDhavhidhi yakanga isina munhu. Sauro haana kutaura chinhu pazuva iroro, nokuti akati mumwoyo make, “Panofanira kuva nezvaitika kuna Dhavhidhi zvaita kuti ave asina kuchena, zvirokwazvo haana kuchena.” Asi pazuva rakatevera, iro zuva rechipiri romwedzi, nzvimbo yaDhavhidhi yakanga isina munhu zvakare. Ipapo Sauro akati kuna Jonatani mwanakomana wake, “Seiko mwanakomana waJese asina kuuya kuzodya zuro nanhasi?” Jonatani akapindura achiti, “Dhavhidhi akandikumbirisa kwazvo kuti aende kuBheterehema. Akati, ‘Nditenderewo hangu ndiende nokuti mhuri yokwangu iri kucherechedza chibayiro muguta uye madzikoma angu akarayira kuti ndivepo. Kana ndawana nyasha kwauri, rega ndiende hangu ndinoonana namadzikoma angu.’ Ndokusaka asina kuuya patafura yamambo.” Kutsamwa kwaSauro kwakanganduma nokuda kwaJonatani, akati kwaari, “Iwe mwanakomana womukadzi akatsauka uye anomukira! Unoti handizivi kanhi kuti unowirirana nomwanakomana waJese kuti uzvinyadzise, iwe uyewo kuti mai vako vakakubereka vanyadziswe. Kana mwanakomana waJese achirarama panyika ino chete, iwe kana umambo hwako haungasimbiswi. Iye zvino tuma munhu auye naye kwandiri, nokuti anofanira kufa!” Jonatani akabvunza baba vake akati, “Sei achifanira kuurayiwa? Chiiko chaakaita?” Asi Sauro akapotsera pfumo rake kwaari kuti amuuraye. Ipapo Jonatani akaziva kuti baba vake vakanga vachida kuuraya Dhavhidhi. Jonatani akakwakuka patafura nokutsamwa kukuru; pazuva rechipiri iroro romwedzi haana kudya, nokuti akanga akatsamwira baba vake nokuda kwamabatiro anonyadza avakanga vaita Dhavhidhi. Fume mangwana, Jonatani akaenda kumunda kuti andosangana naDhavhidhi. Akanga ano mukomana muduku pamwe chete naye, akati kumukomana, “Mhanya undotsvaka miseve yandichapfura.” Mukomana achiri kumhanya, iye akapotsera museve mberi kwake. Mukomana akati asvika panzvimbo yakawira museve waJonatani, Jonatani akadanidzira kwaari akati, “Ko, museve hauzi mberi kwako here?” Ipapo akadanidzira kwaari akati, “Kurumidza! Enda nokukasika! Usamira!” Mukomana akanonga museve akadzokera kuna tenzi wake. (Mukomana haana chaakaziva pane zvose izvi; Jonatani naDhavhidhi chete, ndivo vaiziva.) Ipapo Jonatani akapa zvombo zvake kumukomana akati, “Chienda, takura udzokere nazvo kuguta.” Mushure mokuenda kwomukomana, Dhavhidhi akasimuka nechokurutivi rwezasi rwedombo akakotamira Jonatani katatu, chiso chake chakatsikitsira. Ipapo vakasvetana vakachema pamwe chete asi Dhavhidhi akanyanyisa kuchema. Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Chienda hako norugare, nokuti takapikirana ushamwari pakati pedu muzita raJehovha, tichiti, ‘Jehovha ndiye chapupu pakati pako neni, uye pakati pezvizvarwa zvako nezvizvarwa zvangu nokusingaperi.’ ” Ipapo Dhavhidhi akabva, Jonatani akadzokerawo muguta.
1 Samueri 20:1-42 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Dhavhidhi wakatiza paNaioti paRama, akaenda akati kuna Jonatani, “Ndadiniko? Kutadza kwangu ndokwei? Chivi changu pamberi pababa vako ndechipi, zvavanotsvaka kundiuraya?” Iye akati kwaari, “Haisva, usadaro, haungafi; tarira baba vangu havangaiti chinhu chikuru kana chiduku, vasingandizivisi icho; zvino baba vangu vangandivanzirireiko chinhu ichi? Hazvizi izvo.” Ipapo Dhavhidhi akapikazve akati, “Baba vako vanoziva kwazvo kuti ini ndakawana nyasha kwauri; naizvozvo vakati, ‘Jonatani ngaarege kuzviziva, zvimwe ungazvidya mwoyo;’ asi zvirokwazvo, naJehovha mupenyu, nomweya wako mupenyu, kune nhambwe imwechete pakati pangu norufu.” Ipapo Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Zvose zvinodikanwa nomwoyo wako, ndichakuitira izvozvo.” Dhavhidhi akati kuna Jonatani, “Tarira, mangwana mwedzi wogara, ndichafanira kundogara pakudya namambo; asi nditendere, ndiende kundovanda mumunda kusvikira madekwana ezuva rechitatu. Kana baba vako vakandishaiwa, uti kwavari, ‘Dhavhidhi wakakumbira zvikuru kwandiri, kuti amhanyire Bheterehemu, kuguta rake; nokuti ikoko kunoitwa chibayiro chegore rimwe nerimwe chavose veimba yake.’ “Kana vakati, ‘Zvakanaka hazvo!’ Muranda wako uchava norugare; asi kana vakatsamwa, uzive kuti vagara vandifungira zvakaipa. Naizvozvo chiitira hako muranda wako zvakanaka; nokuti wakaita sungano nomuranda wako pamberi paJehovha, asi kana zvakaipa zviriko kwandiri, undiuraye iwe, nokuti uchandiisireiko kuna baba vako?” Jonatani akati, “Usadaro, nokuti dai ndaiziva kuti baba vangu vagara vafunga kukuitira zvakaipa, handizaikuudza here?” Dhavhidhi akati kuna Jonatani, “Ndianiko uchandiudza kana baba vako vachinge vakupindura nehasha?” Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Hendei kusango.” Ivo vakaenda vari vaviri kusango. Zvino Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Jehovha Mwari waIsiraeri ngaave chapupu; kana ndabvunzisisa baba vangu nenguva ino mangwana, kana kuswera mangwana, kana ndikaona kuti vanomwoyo wakanaka kuna Dhavhidhi, handingakutumiri shoko, ndikakuzivisa here? “Jehovha ngaarove Jonatani, arambe achidaro, kana baba vangu vachinge vachida kukuitira zvakaipa, ini ndikasakuzivisa izvozvo, ndikakuendisa norugare; Jehovha ngaave newe, sezvaaiva nababa vangu. Newewo undiitire tsitsi dzaJehovha ndichiri mupenyu, ndirege kufa, uye usabvisa tsitsi dzako kuna veimba yangu nokusingaperi, kunyange kana Jehovha abvisa vavengi vaDhavhidhi, mumwe nomumwe panyika yose.” Naizvozvo Jonatani akaita sungano neimba yaDhavhidhi, akati, “Jehovha ngaazvitsvake kumaoko avavengi vaDhavhidhi.” Naizvozvo akapikisa Dhavhidhizve norudo rwake kwaari, nokuti wakanga achimuda sezvaakada mwoyo wake. Zvino Jonatani akati kwaari, “Mangwana mwedzi wogara; iwe uchashaikwa, nokuti chigaro chako chichashaiwa munhu. Kana wagara mazuva matatu, unofanira kukurumidza kuburukira kunzvimbo iya pawakavanda musi watakataurirana pamusoro peshoko riya, ugogara pabwe rinonzi Ezeri. Zvino ini ndichaposha miseve mitatu kurutivi rwaro, ndichiita sendinoposhera chinhu chakatimikwa. Ipapo, tarira, ndichatuma mukomana, ndichiti, ‘Enda undotsvaka miseve.’ Kana ndikati kumukomana, ‘Tarira miseve iri nechokuno kwako, uya nayo,’ ipapo ungauya hako, nokuti kunorugare kwauri, hakuna mhosva, naJehovha mupenyu. Asi kana ndikati kumukomana, ‘Tarira, miseve iri mberi kwako,’ ipapo uende hako, nokuti Jehovha wakuendisa. Kana riri shoko ratakataurirana pamusoro paro iwe neni, tarira Jehovha uri pakati pako neni nokusingaperi.” Naizvozvo Dhavhidhi akandovanda musango; zvino mwedzi wakati wagara, mambo akagara pakudya kuti adye. Mambo akagara pachigaro chake, sapanguva dzose, pachigaro chaiva pamadziro; Jonatani akasimuka, Abhineri akagara parutivi rwaSauro; asi chigaro chaDhavhidhi chakashaiwa munhu. Asi Sauro haana kutaura chinhu musi iwoyo; nokuti wakati, zvimwe wawirwa nechinhu, zvimwe haana kunaka, zvirokwazvo haana kunaka. Zvino pazuva rakatevera kugara kwomwedzi, pazuva rechipiri, chigaro chaDhavhidhi chakashaiwazve munhu; ipapo Sauro akati kuna Jonatani mwanakomana wake, “Mwanakomana waJese wakeregereiko kuuya kuzodya zuro kana nhasi?” Jonatani akapindura Sauro akati, “Dhavhidhi wakakumbira zvikuru kwandiri kuti aende Bheterehemu, akati, ‘Nditenderewo ndiende, nokuti veimba yedu vanobayira muguta; mukuru wangu wakandiraira kuti ndivepo; zvino kana uchifara nazvo, nditendere hako ndiende kundoshanyira hama dzangu.’ Naizvozvo haana kuuya patafura yamambo.” Ipapo Sauro akatsamwira Jonatani, akati kwaari, “Iwe mwanakomana womukadzi usinganzwi, wakapanduka, handizivi kanhi kuti wakatsaura mwanakomana waJese unyadzwe iwe, namai vako vanyadzwewo? “Nokuti iwe haungasimbiswi noushe hwako, kana mwanakomana waJese achiri mupenyu panyika. Naizvozvo zvino chituma munhu auye naye kwandiri, nokuti zvirokwazvo unofanira kufa.” Jonatani akapindura Sauro baba vake, akati kwavari, “Ko unofanira kuurayirwei? Waiteiko?” Ipapo Sauro akaposha pfumo rake kwaari, achida kumubaya. Naizvozvo Jonatani wakaziva kuti baba vake vakagara vafunga kuuraya Dhavhidhi. Naizvozvo Jonatani akasimuka patafura, atsamwa kwazvo, akasadya zvokudya nomusi wechipiri womwedzi; nokuti wakanga ane shungu pamwoyo pamusoro paDhavhidhi, nokuti wakanga anyadzwa nababa vake. Zvino fume mangwana Jonatani akaenda kusango nenguva yakanga yatarwa naDhavhidhi, anomukomana muduku. Akati kumukomana wake, “Mhanya utsvake miseve yandinoposha.” Ipapo mukomana wakati achimhanya, iye akaposha museve mberi kwake. Zvino mukomana wakati achisvika pakanga paposhwa museve naJonatani. Jonatani akadanidzira kumukomana, akati, “Ko museve hauzi mberi kwako here?” Jonatani akadanidzirazve kumukomana akati, “Kasira, kurumidza, usamira.” Mukomana waJonatani akanonga miseve, akauya nayo kuna tenzi wake. Asi mukomana haana kuziva chinhu; asi Jonatani naDhavhidhi voga ndivo vakaziva shoko iro. Zvino Jonatani akapa mukomana nhumbi dzake dzokurwa nadzo, akati kwaari, “Enda nadzo undodziisa kuguta.” Mukomana wakati aenda, Dhavhidhi akasimuka kurutivi rwezasi, akawira pasi nechiso chake, akakotama katatu, vakatsvodana, vakachema vose, kusvikira Dhavhidhi anyanya kwazvo. Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Enda hako norugare, nokuti takapika tose nezita raJehovha tichiti, ‘Jehovha uchava pakati pangu newe, napakati pavana vangu navako nokusingaperi.’ ” Akasimuka, akaenda, naJonatani akapinda muguta.
1 Samueri 20:1-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dhavhidhi akatiza kuNaioti kuRama akaenda kuna Jonatani akandoti, “Chandakaita chaizvo chii? Chandakakanganisa chii? Mhosva yandakapara nababa vako ndeyei zvavanototsvaka kundiuraya kudai?” Iye akamupindura achiti, “Hazvimboitika! Haumbofa. Inzwa unzwe, baba vangu hapana chinhu chavanondivanzira kana kai zvako. Vangazondivanzira izvozvi kuti kwauyei? Hazviitike izvo.” Asi akasimbisisa zvakare achiti, “Baba vako vakanyatsozviona kuti iwe unondida. Saka ivo vanototi, ‘Dai Jonatani akarega kuzviziva nokuti zvingamushungurudze kwazvo. Chaizvo naTenzi mupenyu kana newe uri kutozvionawo kuti upenyu hwangu huri parumano.’ ” Jonatani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Chose chaunenge wandikumbira ndichakuitira.” Dhavhidhi akati kuna Jonatani, “Unoona, mangwana kugara kwomwedzi, izuva guru randinofanira kunge ndigere pakudya namambo. Zvino chirega ini ndiende kundohwanda zvangu mumunda kusvikira zuva retatu mauro. Kana baba vako vakazviona chaizvo kuti handipo, wovataurira kuti, ‘Dhavhidhi andikumbirisa chaizvo kuti ambomhanyira kuBheterehemu kuguta rokwake nokuti kuri kuitwa chibayiro chavo chomusha wose chepagore,’ kana vakati, zvakanaka, zvinenge zvatondinakirawo ini, muranda wenyu. Asi kana zvikavavirutsa nehasha, wobva watoziva zvako kuti rokuda kundiparadza riya vanaro mumwoyo. Ndiitirewo mwoyochena ini muranda wenyu nokuti wakandisvitsa pakuitirana newe chitsidzirano pana Tenzi. Asi kana ini ndiine mhosva chisva wandiuraya iyewe, nokuti chii chaungandiisira mumaoko ababa vako?” Jonatani akati, “Hazvimboitika kwauri izvo! Dai ndichinyatsoziva chaizvo kuti baba vangu vari kuda kukuparadza, ndairega here ini kukutaurira.” Dhavhidhi akati kuna Jonatani, “Kana baba vako vakakujinyura, ndiani achazondiudzawo izvozvo?” Jonatani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Handei zvedu mumunda.” Vose vari vaviri vakaenda zvavo musango. Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “NaTenzi chaiye Mwari wavaIsiraeri, kana baba vangu ndichinge ndavanzwa iyo nguva ino iyi, mangwana kana kuti pazuva retatu handimborega kukutaurira. Kana baba vangu vachinge vachida kukuparadza, ini ndikarega kukutaurira kuitira kuti iwe uende zvako usina chinokuwana, Tenzi ngaandione iyeni Jonatani ndiwirwe zvangu nezvimwe zvikuru kwazvo. Tenzi ngaave newe sezvaaiva nababa vangu. Ndiitire mwoyochena waTenzi ndichiri mupenyu uye ndafa usasudurukane nemhuri yangu narini wose, kunyangewo panenge Tenzi oparadza vavengi vose vako iwe Dhavhidhi pasi pano zita raJonatani ngarirege kupfudzwa kumba yaDhavhidhi uye kuti Tenzi ngaatsividze vavengi vaDhavhidhi.” Jonatani akaita kuti Dhavhidhi amutsurudze chitsidzirano chake naye pamusana pokuti iye Jonatani aimuda sokuda kwaaizviita iye pachake. Jonatani akati kwaari, “Mangwana kugara kwemwedzi izuva guru asi zvichaoneka kuti iwe haupo nokuti chigaro chako chinenge chisina munhu. Ko kutozoti pazuva retatu racho, wotoita zvokukurumidza zvako kundohwanda kwacho uende panzvimbo paya pawakambohwanda pakambomuka nyaya iyoyi urambe uri kuseri kwedombo reEzeri. Ndichapfura nouta miseve mitatu ndakananga kune rumwe rutivi rwaro ndichinge ndine chandakananga. Chinzwaka, ndichatuma mumwe mukomana ndichiti, ‘Enda kundotsvaka miseve yacho.’ Ndikamutaurira chaizvo kuti, ‘Iwe, miseve iri kurutivi uku, itore,’ iwewo wouya zvako nokuti naTenzi mupenyu chaizvo, hakuna chichange chichakuwana, unenge uri muchete. Asi kana ndikati kumukomana wacho, ‘Iwe, miseve iri mberi uko,’ iwewo pakadaro apo, ibva waenda zvako, nokuti Tenzi anenge achikuti uende zvako. Kana zviri zvenyaya yatakurukurirana iyi, chinzwaka, Tenzi anesu narini wose.” Nokudaro Dhavhidhi akandohwanda mumunda. Zuva riya rokugara kwomwedzi rakasvika, mambo ndokugara zvake pakudya. Mambo akagara pachigaro chake sezvaaisiita, pachigaro chake chokumadziro. Jonatani akagara pakatarisana naye, Abhuneru akagara parutivi rwaSauro, asi nzvimbo yaDhavhidhi yakanga isina munhu. Kunyange zvakanga zvakadaro Sauro haana chaakataura zuva iroro, nokuti akangotiwo, “Hamheno zvaitika kwaari, akan'ora, kun'ora chete uku.” Asi zuva rechipiri rokunge mwedzi wagara, nzvimbo yaDhavhidhi yakanga isina munhu. Sauro akati kuna Jonatani mwana wake, “Seiko uyu mwanakomana waJese asina kuuya kuzodya nezuro kana nhasi?” Jonatani akapindura Sauro achiti, “Dhavhidhi akandikumbirisa kwazvo kuti ndimurege aendewo kuBheterehemu. Akati ‘Ndapota ndiregei ndiendeko nokuti vomumusha medu vari kuita chibayiro muguta imomo. Uyewo mukoma wangu pachake ndiye anditi ndinofanira kuendawoko. Kana muchida zvenyu, ndapota ndiregei zvangu ndiende kundoona vakoma vangu.’ Ndokusakawo asina kuuya kuzodya namambo.” Sauro akavirukira Jonatani nehasha akati kwaari “Tsvuuramuromo, mhandupandu yomwana. Unoti handizvizive nhai kuti wapfekwa chaizvo nomwana waJese iwe zvinonyadzisa kwazvo zvinotofumurisa amai vako chaivo vokukubereka? Hauone here kuti kana mwana waJese uyu ari mupenyu pasi pano, iwe noumambo hwako haumbofa hwakadzika midzi, kana iwe pakopo haumbofa wakahunhuhwa. Chitobva watomutumira vanhu vauye naye kwandiri chake chete rufu.” Jonatani akapindura baba wake Sauro achiti, “Chaanourayirwa chaicho chii? Chii chaakapara?” Asi Sauro akamuregedzera pfumo zvokutoda kumupfuudza zviya. Iyewo Jonatani ndokubva aziva kuti baba wake vatsunga mwoyo kuponda Dhavhidhi. Jonatani akabva apomoka pakudya, apaka chaizvo kushatirwa, ndokubva aramwa zvokudya zuva rechipiri iroro rokugara kwemwedzi nokuti akanga arwadziwa mwoyo nezvaDhavhidhi, uyewo nokuti baba wake akanga amunyadzisa. Mangwana acho mangwanani, Jonatani akaenda mumunda muya kwavakanga varangana kusangana naDhavhidhi aine kamwe kakomana. Akataurira kakomana kake kaya kuti, “Mhanyira kundononga miseve yandichakanda.” Kakomana aka pakakanga kakumhanya akakanda museve mberi kwako. Kakomana pakakasvika kwakanga kwawira museve wakanga wakandwa naJonatani, Jonatani akadaidzira kukakomana aka achiti, “Inga wani museve wacho uri mberi kwako uko?” Jonatani akadaidzira kukakomana kaya achiti, “Ita zvokukurumidza, kasika! Rega kuramba wakangoti tumbi ipapo.” Kakomana kaJonatani kaya kakabvawo kanonga miseve iya ndokudzokera kuna vatenzi vako. Asi kakomana ikaka hakana zvakakanga kachiziva, Jonatani naDhavhidhi chete ndovakanga vaine zvavaiziva. Jonatani akapa kakomana aka zvombo zvake, akati kwakari, “Takura izvi uende nazvo kuguta.” Pakangoti kakomana aka endei, Dhavhidhi ndokubva akwanyanukawo kuchamhembe kwedombo riya ndokusvikoti pasi gwadagwa, akatsikitsira uso ndokumukotamira katatu. Vakatsvodana vakahwihwidza kuchema. Dhavhidhi akachema zvakanyanya kwazvo. Jonatani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Ufambe zvakanaka, maererano nokutsidzirana kwatakaita muzita raTenzi tichiti, ‘Tenzi ngaave nesu pauviri hwedu, avewo nezvizvarwa zvedu narini narini.’ ” Dhavhidhi akasimuka ndokuenda, Jonatani ndokudzokera zvake kuguta.
1 Samueri 20:1-42 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Davidi wakatiza paNaioti paRama, akaenda akati kunaJonatani: Ndaɗiniko? Kutadza kwaŋgu ndokwei? Ciʋi caŋgu pamberi paɓaɓa ʋako ndecipi, ɀaʋanotȿaka kundiʋuraya? Iye akati kwaari: Haiȿa, usaɗaro, hauŋgafi; tarira ɓaɓa ʋaŋgu haʋaŋgaiti cinhu cikuru kana ciɗuku, ʋasiŋgandiziʋisi ico; ɀino ɓaɓa ʋaŋgu ʋaŋgandiʋanzirireiko cinhu ici? Haɀizi iɀo. Ipapo Davidi akapika ɀe, akati: Ƃaɓa ʋako ʋanoziʋa kwaɀo kuti ini ndakawana nyasha kwauri; naiɀoɀo ʋakati: Jonatani ŋgaarege kuɀiziʋa, ɀimŋe uŋgaɀidya mŋoyo; asi ɀirokwaɀo, naJehova mupenyu, nomŋeya wako mupenyu, kunenhambge imŋe cete pakati paŋgu norufu. Ipapo Jonatani akati kunaDavidi: Ɀose ɀinoɗikanwa nomŋoyo wako, ndicakuitira iɀoɀo. Davidi akati kunaJonatani: Tarira, maŋgwana mŋedzi wogara, ndicafanira kundogara pakudya namambo; asi nditendere, ndiende kundoʋanda mumunda kuȿikira maɗekwana ezuʋa recitatu. Kana ɓaɓa ʋako ʋakandishaiwa, uti kwaʋari: Davidi wakakumbira ɀikuru kwandiri, kuti amhanyire Beti‐rehemi, kuguta rake; nokuti ikweyo kunoitwa ciɓayiro cegore rimŋe nerimŋe caʋose ʋeimba yake. Kana ʋakati: Ɀakanaka haɀo! muranda wako ucaʋa norugare; asi kana ʋakatsamŋa, uziʋe kuti ʋagara ʋandifuŋgira ɀakaipa. Naiɀoɀo ciitira hako muranda wako ɀakanaka; nokuti wakaita suŋgano nomuranda wako pamberi paJehova; asi kana ɀakaipa ɀiri’ko kwandiri, undiʋuraye iwe, nokuti ucandiisireiko kunaɓaɓa ʋako? Jonatani akati: Usaɗaro, nokuti ɗai ndaiziʋa kuti ɓaɓa ʋaŋgu ʋagara ʋafuŋga kukuitira ɀakaipa, handizaikuʋudza here? Davidi akati kunaJonatani: Ndianiko ucandiʋudza kana ɓaɓa ʋako ʋaciŋge ʋakupindura nehasha? Jonatani akati kunaDavidi: Hendei kusaŋgo. Iʋo ʋakaenda ʋari ʋaʋiri kusaŋgo. Ɀino Jonatani akati kunaDavidi: Jehova Mŋari waIsraeri ŋgaaʋe capupu; kana ndabvunzisisa ɓaɓa ʋaŋgu neŋguʋa ino maŋgwana, kana kuswera maŋgwana, kana ndikaʋona kuti ʋanomŋoyo wakanaka kunaDavidi, handiŋgakutumiri shoko, ndikakuziʋisa here? Jehova ŋgaaroʋe Jonatani, arambe aciɗaro, kana ɓaɓa ʋaŋgu ʋaciŋge ʋaciɗa kukuitira ɀakaipa, ini ndikasakuziʋisa iɀoɀo, ndikakuendisa norugare; Jehova ŋgaaʋe newe, seɀaaiʋa naɓaɓa ʋaŋgu. Newe ʋo undiitire tsitsi dzaJehova ndiciri mupenyu, ndirege kufa, ʋuye usabvisa tsitsi dzako kunaʋeimba yaŋgu nokusiŋgaperi, kunyaŋge kana Jehova abvisa ʋaʋeŋgi ʋaDavidi, mumŋe nomumŋe panyika yose. Naiɀoɀo Jonatani akaita suŋgano neimba yaDavidi, akati: Jehova ŋgaaɀitȿake kumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaDavidi. Jonatani akapikisa Davidi ɀe noruɗo rwake kwaari, nokuti wakaŋga acimuɗa seɀaakaɗa mŋoyo wake. Ɀino Jonatani akati kwaari: Maŋgwana mŋedzi wogara; iwe ucashaikwa, nokuti cigaro cako cicashaiwa munhu. Kana wagara mazuʋa matatu, unofanira kukurumidza kuɓurukira kunɀimbo iya pawakaʋanda musi watakataurirana pamsoro peshoko riya, ugogara pabge rinonzi Ezeri. Ɀino ini ndicaposha miseʋe mitatu kurutiʋi rwaro, ndiciita sendinoposhera cinhu cakatimikwa. Ipapo, tarira, ndicatuma mukomana, ndiciti: Enda undotȿaka miseʋe. Kana ndikati kumukomana: Tarira, miseʋe iri necoʋuno kwako, ʋuya nayo, ipapo uŋgaʋuya hako, nokuti kunorugare kwauri; hakunemhoȿa, naJehova mupenyu. Asi kana ndikati kumukomana: Tarira, miseʋe iri mberi kwako, ipapo uende hako, nokuti Jehova wakuendisa. Kana riri shoko ratakataurirana pamsoro paro iwe neni, tarira Jehova uri pakati pako neni nokusiŋgaperi. Naiɀoɀo Davidi akandoʋanda musaŋgo; ɀino mŋedzi wakati wagara, mambo akagara pakudya kuti adye. Mambo akagara pacigaro cake, sapaŋguʋa dzose, pacigaro caiʋa pamadziro; Jonatani akasimuka, Abineri akagara parutiʋi rwaSauro; asi cigaro caDavidi cakashaiwa munhu. Asi Sauro haana‐kutaura cinhu musi iwoyo; nokuti wakati, ɀimŋe wawirwa necinhu, ɀimŋe haana‐kunaka, ɀirokwaɀo haana‐kunaka. Ɀino pazuʋa rakateʋera kugara kwomŋedzi, pazuʋa recipiri, cigaro caDavidi cakashaiwa ɀe munhu; ipapo Sauro akati kunaJonatani mŋanakomana wake: Mŋanakomana waJese wakaregereiko kuʋuya kuzodya zuro kana nhasi? Jonatani akapindura Sauro, akati: Davidi wakakumbira ɀikuru kwandiri kuti aende Beti‐rehemi, akati: Nditendere ʋo ndiende, nokuti ʋeimba yeɗu ʋanoɓayira muguta; mukuru waŋgu wakandiraira kuti ndiʋe’po; ɀino kana ucifara naɀo, nditendere hako ndiende kundoshanyira hama dzaŋgu. Naiɀoɀo haana‐kuʋuya patafura yamambo. Ipapo Sauro akatsamŋira Jonatani, akati kwaari: Iwe mŋanakomana womukadzi usiŋganzwi, wakapanduka, handiziʋi kanhi kuti wakatsaura mŋanakomana waJese unyadzwe iwe, namai ʋako ʋanyadzwe ʋo? Nokuti iwe hauŋgasimbiswi noʋushe bgako, kana mŋanakomana waJese aciri mupenyu panyika. Naiɀoɀo ɀino cituma munhu aʋuye naye kwandiri, nokuti ɀirokwaɀo unofanira kufa. Jonatani akapindura Sauro ɓaɓa ʋake, akati kwaʋari: Ko unofanira kuʋurayirwei? Waiteiko? Ipapo Sauro akaposha pfumo rake kwaari, aciɗa kumuɓaya. Naiɀoɀo Jonatani wakaziʋa kuti ɓaɓa ʋake ʋakagara ʋafuŋga kuʋuraya Davidi. Naiɀoɀo Jonatani akasimuka patafura, atsamŋa kwaɀo, akasadya ɀokudya nomusi wecipiri womŋedzi; nokuti wakaŋga aneshuŋgu pamŋoyo pamsoro paDavidi, nokuti wakaŋga anyadzwa naɓaɓa ʋake. Ɀino fume maŋgwana Jonatani akaenda kusaŋgo neŋguʋa yakaŋga yatarwa naDavidi, anomukomana muɗuku. Akati kumukomana wake: Mhanya utȿake miseʋe yandinoposha. Ipapo mukomana wakati acimhanya, iye akaposha museʋe mberi kwake. Ɀino mukomana wakati aciȿika pakaŋga paposhwa museʋe naJonatani, Jonatani akaɗanidzira kumukomana, akati: Ko museʋe hauzi mberi kwako here? Jonatani akaɗanidzira ɀe kumukomana akati: Kasira, kurumidza, usamira. Mukomana waJonatani akanoŋga miseʋe, akaʋuya nayo kunatenzi wake. Asi mukomana haana‐kuziʋa cinhu; asi Jonatani naDavidi ʋoga ndiʋo ʋakaziʋa shoko iro. Ɀino Jonatani akapa mukomana nhumbi dzake dzokurwa nadzo, akati kwaari: Enda nadzo undodziisa kuguta. Mukomana wakati aenda, Davidi akasimuka kurutiʋi rwezasi, akawira pasi neciso cake, akakotama katatu, ʋakaȿetana, ʋakacema ʋose, kuȿikira Davidi anyanya kwaɀo. Jonatani akati kunaDavidi: Enda hako norugare, nokuti takapika tose nezita raJehova, ticiti: Jehova ucaʋa pakati paŋgu newe, napakati paʋana ʋaŋgu naʋako nokusiŋgaperi. Akasimuka, akaenda, naJonatani akapinda muguta.
1 Samueri 20:1-42 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)