Ɀino Davidi wakatiza paNaioti paRama, akaenda akati kunaJonatani: Ndaɗiniko? Kutadza kwaŋgu ndokwei? Ciʋi caŋgu pamberi paɓaɓa ʋako ndecipi, ɀaʋanotȿaka kundiʋuraya? Iye akati kwaari: Haiȿa, usaɗaro, hauŋgafi; tarira ɓaɓa ʋaŋgu haʋaŋgaiti cinhu cikuru kana ciɗuku, ʋasiŋgandiziʋisi ico; ɀino ɓaɓa ʋaŋgu ʋaŋgandiʋanzirireiko cinhu ici? Haɀizi iɀo. Ipapo Davidi akapika ɀe, akati: Ƃaɓa ʋako ʋanoziʋa kwaɀo kuti ini ndakawana nyasha kwauri; naiɀoɀo ʋakati: Jonatani ŋgaarege kuɀiziʋa, ɀimŋe uŋgaɀidya mŋoyo; asi ɀirokwaɀo, naJehova mupenyu, nomŋeya wako mupenyu, kunenhambge imŋe cete pakati paŋgu norufu. Ipapo Jonatani akati kunaDavidi: Ɀose ɀinoɗikanwa nomŋoyo wako, ndicakuitira iɀoɀo. Davidi akati kunaJonatani: Tarira, maŋgwana mŋedzi wogara, ndicafanira kundogara pakudya namambo; asi nditendere, ndiende kundoʋanda mumunda kuȿikira maɗekwana ezuʋa recitatu. Kana ɓaɓa ʋako ʋakandishaiwa, uti kwaʋari: Davidi wakakumbira ɀikuru kwandiri, kuti amhanyire Beti‐rehemi, kuguta rake; nokuti ikweyo kunoitwa ciɓayiro cegore rimŋe nerimŋe caʋose ʋeimba yake. Kana ʋakati: Ɀakanaka haɀo! muranda wako ucaʋa norugare; asi kana ʋakatsamŋa, uziʋe kuti ʋagara ʋandifuŋgira ɀakaipa. Naiɀoɀo ciitira hako muranda wako ɀakanaka; nokuti wakaita suŋgano nomuranda wako pamberi paJehova; asi kana ɀakaipa ɀiri’ko kwandiri, undiʋuraye iwe, nokuti ucandiisireiko kunaɓaɓa ʋako? Jonatani akati: Usaɗaro, nokuti ɗai ndaiziʋa kuti ɓaɓa ʋaŋgu ʋagara ʋafuŋga kukuitira ɀakaipa, handizaikuʋudza here? Davidi akati kunaJonatani: Ndianiko ucandiʋudza kana ɓaɓa ʋako ʋaciŋge ʋakupindura nehasha? Jonatani akati kunaDavidi: Hendei kusaŋgo. Iʋo ʋakaenda ʋari ʋaʋiri kusaŋgo.
Ɀino Jonatani akati kunaDavidi: Jehova Mŋari waIsraeri ŋgaaʋe capupu; kana ndabvunzisisa ɓaɓa ʋaŋgu neŋguʋa ino maŋgwana, kana kuswera maŋgwana, kana ndikaʋona kuti ʋanomŋoyo wakanaka kunaDavidi, handiŋgakutumiri shoko, ndikakuziʋisa here? Jehova ŋgaaroʋe Jonatani, arambe aciɗaro, kana ɓaɓa ʋaŋgu ʋaciŋge ʋaciɗa kukuitira ɀakaipa, ini ndikasakuziʋisa iɀoɀo, ndikakuendisa norugare; Jehova ŋgaaʋe newe, seɀaaiʋa naɓaɓa ʋaŋgu. Newe ʋo undiitire tsitsi dzaJehova ndiciri mupenyu, ndirege kufa, ʋuye usabvisa tsitsi dzako kunaʋeimba yaŋgu nokusiŋgaperi, kunyaŋge kana Jehova abvisa ʋaʋeŋgi ʋaDavidi, mumŋe nomumŋe panyika yose. Naiɀoɀo Jonatani akaita suŋgano neimba yaDavidi, akati: Jehova ŋgaaɀitȿake kumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaDavidi. Jonatani akapikisa Davidi ɀe noruɗo rwake kwaari, nokuti wakaŋga acimuɗa seɀaakaɗa mŋoyo wake. Ɀino Jonatani akati kwaari: Maŋgwana mŋedzi wogara; iwe ucashaikwa, nokuti cigaro cako cicashaiwa munhu. Kana wagara mazuʋa matatu, unofanira kukurumidza kuɓurukira kunɀimbo iya pawakaʋanda musi watakataurirana pamsoro peshoko riya, ugogara pabge rinonzi Ezeri. Ɀino ini ndicaposha miseʋe mitatu kurutiʋi rwaro, ndiciita sendinoposhera cinhu cakatimikwa. Ipapo, tarira, ndicatuma mukomana, ndiciti: Enda undotȿaka miseʋe. Kana ndikati kumukomana: Tarira, miseʋe iri necoʋuno kwako, ʋuya nayo, ipapo uŋgaʋuya hako, nokuti kunorugare kwauri; hakunemhoȿa, naJehova mupenyu. Asi kana ndikati kumukomana: Tarira, miseʋe iri mberi kwako, ipapo uende hako, nokuti Jehova wakuendisa. Kana riri shoko ratakataurirana pamsoro paro iwe neni, tarira Jehova uri pakati pako neni nokusiŋgaperi.
Naiɀoɀo Davidi akandoʋanda musaŋgo; ɀino mŋedzi wakati wagara, mambo akagara pakudya kuti adye. Mambo akagara pacigaro cake, sapaŋguʋa dzose, pacigaro caiʋa pamadziro; Jonatani akasimuka, Abineri akagara parutiʋi rwaSauro; asi cigaro caDavidi cakashaiwa munhu. Asi Sauro haana‐kutaura cinhu musi iwoyo; nokuti wakati, ɀimŋe wawirwa necinhu, ɀimŋe haana‐kunaka, ɀirokwaɀo haana‐kunaka. Ɀino pazuʋa rakateʋera kugara kwomŋedzi, pazuʋa recipiri, cigaro caDavidi cakashaiwa ɀe munhu; ipapo Sauro akati kunaJonatani mŋanakomana wake: Mŋanakomana waJese wakaregereiko kuʋuya kuzodya zuro kana nhasi? Jonatani akapindura Sauro, akati: Davidi wakakumbira ɀikuru kwandiri kuti aende Beti‐rehemi, akati: Nditendere ʋo ndiende, nokuti ʋeimba yeɗu ʋanoɓayira muguta; mukuru waŋgu wakandiraira kuti ndiʋe’po; ɀino kana ucifara naɀo, nditendere hako ndiende kundoshanyira hama dzaŋgu. Naiɀoɀo haana‐kuʋuya patafura yamambo. Ipapo Sauro akatsamŋira Jonatani, akati kwaari: Iwe mŋanakomana womukadzi usiŋganzwi, wakapanduka, handiziʋi kanhi kuti wakatsaura mŋanakomana waJese unyadzwe iwe, namai ʋako ʋanyadzwe ʋo? Nokuti iwe hauŋgasimbiswi noʋushe bgako, kana mŋanakomana waJese aciri mupenyu panyika. Naiɀoɀo ɀino cituma munhu aʋuye naye kwandiri, nokuti ɀirokwaɀo unofanira kufa. Jonatani akapindura Sauro ɓaɓa ʋake, akati kwaʋari: Ko unofanira kuʋurayirwei? Waiteiko? Ipapo Sauro akaposha pfumo rake kwaari, aciɗa kumuɓaya. Naiɀoɀo Jonatani wakaziʋa kuti ɓaɓa ʋake ʋakagara ʋafuŋga kuʋuraya Davidi. Naiɀoɀo Jonatani akasimuka patafura, atsamŋa kwaɀo, akasadya ɀokudya nomusi wecipiri womŋedzi; nokuti wakaŋga aneshuŋgu pamŋoyo pamsoro paDavidi, nokuti wakaŋga anyadzwa naɓaɓa ʋake.
Ɀino fume maŋgwana Jonatani akaenda kusaŋgo neŋguʋa yakaŋga yatarwa naDavidi, anomukomana muɗuku. Akati kumukomana wake: Mhanya utȿake miseʋe yandinoposha. Ipapo mukomana wakati acimhanya, iye akaposha museʋe mberi kwake. Ɀino mukomana wakati aciȿika pakaŋga paposhwa museʋe naJonatani, Jonatani akaɗanidzira kumukomana, akati: Ko museʋe hauzi mberi kwako here? Jonatani akaɗanidzira ɀe kumukomana akati: Kasira, kurumidza, usamira. Mukomana waJonatani akanoŋga miseʋe, akaʋuya nayo kunatenzi wake. Asi mukomana haana‐kuziʋa cinhu; asi Jonatani naDavidi ʋoga ndiʋo ʋakaziʋa shoko iro. Ɀino Jonatani akapa mukomana nhumbi dzake dzokurwa nadzo, akati kwaari: Enda nadzo undodziisa kuguta. Mukomana wakati aenda, Davidi akasimuka kurutiʋi rwezasi, akawira pasi neciso cake, akakotama katatu, ʋakaȿetana, ʋakacema ʋose, kuȿikira Davidi anyanya kwaɀo. Jonatani akati kunaDavidi: Enda hako norugare, nokuti takapika tose nezita raJehova, ticiti: Jehova ucaʋa pakati paŋgu newe, napakati paʋana ʋaŋgu naʋako nokusiŋgaperi. Akasimuka, akaenda, naJonatani akapinda muguta.