1 Samueri 19:4-6
1 Samueri 19:4-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jonatani akataura zvakanaka pamusoro paDhavhidhi kuna Sauro baba vake akati kwavari, “Mambo ngaarege kuita zvakaipa kumuranda wake Dhavhidhi; haana kukutadzirai, uye zvaakaita zvakakubatsirai zvikuru kwazvo. Akabata upenyu hwake mumaoko ake paakauraya muFiristia. Jehovha akakundira vaIsraeri vose nokukunda kukuru, uye imi makazviona mukafara. Zvino munoitireiko zvakaipa kumunhu asina mhosva saDhavhidhi nokumuuraya pasina chikonzero?” Sauro akateerera kuna Jonatani akaita mhiko iyi achiti, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, Dhavhidhi haangaurayiwi.”

1 Samueri 19:4-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Jonatani akareverera Dhavhidhi zvakanaka kuna Sauro baba vake, akati kwavari, “Mambo ngaarege kutadzira Dhavhidhi muranda wake, nokuti iye haana kukutadzirai imi, asi wakakuitirai zvakanaka kwazvo; nokuti wakabata upenyu hwake mumaoko ake, akauraya muFirisitia; Jehovha akakundisa vaIsiraeri nokukunda kukuru; imi makazviona, mukafara; naizvozvo muchatadzireiko ropa risine mhosva, mukauraya Dhavhidhi asine mhaka hake?” Sauro akaterera izwi raJonatani, Sauro akapika akati, “NaJehovha mupenyu, haangaurawi!”
1 Samueri 19:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jonatani akakurukura nababa wake Sauro achirumbidza Dhavhidhi achiti kwavari, “Dai mambo marega zvenyu kukanganisira muranda wenyu Dhavhidhi nokuti iye haana kumbokutadzirai, uyewo nokuti zvaanga achikuitirai, zvakanaka kwazvo. Chandinodariro ndechokuti akaisa upenyu hwake munjonzi yorufu akauraya muFirisitia uya, Tenzi akanunura chaizvo Isiraeri yose. Inga imi makazvionawo wani mukapembera kufara. Seiko muchida kutadzira munhu asina mhosva, muchida kuuraya Dhavhidhi pasina chikonzero?” Sauro akateerera zvaitaurwa naJonatani akabva apika achiti, “NaTenzi mupenyu chaiye, haambofa akaurayiwa.”
1 Samueri 19:4-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Jonatani akareʋerera Davidi ɀakanaka kunaSauro ɓaɓa ʋake, akati kwaʋari: Mambo ŋgaarege kutadzira Davidi muranda wake, nokuti iye haana‐kukutadzirai imi, asi wakakuitirai ɀakanaka kwaɀo; nokuti wakaɓata ʋupenyu bgake mumaʋoko ake, akaʋuraya muFiristia; Jehova akakundisa ʋaIsraeri nokukunda kukuru; imi makaɀiʋona, mukafara; naiɀoɀo mucatadzireiko ropa risinemhoȿa, mukaʋuraya Davidi asinemhaka hake? Sauro akaterera inzwi raJonatani, Sauro akapika, akati: NaJehova mupenyu, haaŋgaʋurawi!
1 Samueri 19:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)