Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 19:4-6

1 Samueri 19:4-6 SCLBD

Jonatani akakurukura nababa wake Sauro achirumbidza Dhavhidhi achiti kwavari, “Dai mambo marega zvenyu kukanganisira muranda wenyu Dhavhidhi nokuti iye haana kumbokutadzirai, uyewo nokuti zvaanga achikuitirai, zvakanaka kwazvo. Chandinodariro ndechokuti akaisa upenyu hwake munjonzi yorufu akauraya muFirisitia uya, Tenzi akanunura chaizvo Isiraeri yose. Inga imi makazvionawo wani mukapembera kufara. Seiko muchida kutadzira munhu asina mhosva, muchida kuuraya Dhavhidhi pasina chikonzero?” Sauro akateerera zvaitaurwa naJonatani akabva apika achiti, “NaTenzi mupenyu chaiye, haambofa akaurayiwa.”