Jonatani akakurukura nababa wake Sauro achirumbidza Dhavhidhi achiti kwavari, “Dai mambo marega zvenyu kukanganisira muranda wenyu Dhavhidhi nokuti iye haana kumbokutadzirai, uyewo nokuti zvaanga achikuitirai, zvakanaka kwazvo. Chandinodariro ndechokuti akaisa upenyu hwake munjonzi yorufu akauraya muFirisitia uya, Tenzi akanunura chaizvo Isiraeri yose. Inga imi makazvionawo wani mukapembera kufara. Seiko muchida kutadzira munhu asina mhosva, muchida kuuraya Dhavhidhi pasina chikonzero?” Sauro akateerera zvaitaurwa naJonatani akabva apika achiti, “NaTenzi mupenyu chaiye, haambofa akaurayiwa.”
Verenga chikamu 1 Samueri 19
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 1 Samueri 19:4-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo