1 Samueri 18:10-11
1 Samueri 18:10-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Fume mangwana, mweya wakaipa wakabva kuna Mwari wakauya nesimba pamusoro paSauro. Akanga achiprofita ari mumba make, Dhavhidhi achiridza mbira, sezvaaisiita nguva dzose. Sauro akanga ane pfumo muruoko rwake, uye akaripotsera, achiti mumwoyo make, “Ndichabayira Dhavhidhi kumadziro.” Asi Dhavhidhi akamunzvenga kaviri kose.
1 Samueri 18:10-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino fume mangwana mweya wakaipa, wakanga watumwa naMwari, ukauya pamusoro paSauro nesimba, iye akataura nokupenga mukati meimba yake; Dhavhidhi akaridza noruoko rwake sezvaaita zuva rimwe nerimwe; Sauro wakanga akabata pfumo muruoko rwake. Sauro akaposha pfumo, nokuti wakati, “Ndichabayira Dhavhidhi pamadziro.” Dhavhidhi akanzvenga kaviri pamberi pake.
1 Samueri 18:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ramangwana racho mweya wakaipa wakabva kuna Mwari ukawira Sauro ukamupengesa mumba make imomo. Dhavhidhi akanga achiridza dimbwa samazuva ose, izvozvo Sauro pfumo riri mumaoko. Sauro akakanda Dhavhidhi pfumo achiti regai ndimubayirire naro kumadziro, Dhavhidhi akaita zvokurinzvenga ruviri rwose.
1 Samueri 18:10-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino fume maŋgwana mŋeya wakaipa, wakaŋga watumŋa naMŋari, ukaʋuya pamsoro paSauro nesimba, iye akataura nokupeŋga mukati meimba yake; Davidi akaridza noruʋoko rwake seɀaaiita zuʋa rimŋe nerimŋe; Sauro wakaŋga akaɓata pfumo muruʋoko rwake. Sauro akaposha pfumo, nokuti wakati: Ndicaɓayira Davidi pamadziro. Davidi akanɀeŋga kaʋiri pamberi pake.
1 Samueri 18:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)