1 Samueri 18:1-4
1 Samueri 18:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Dhavhidhi akati apedza kutaura naSauro, Jonatani akanamatirana naDhavhidhi mumweya, uye akamuda sezvaaizvida iye. Kubva pazuva iroro, Sauro akachengeta Dhavhidhi uye haana kuzomutendera kuti adzokere kumba kwababa vake. Uye Jonatani akaita sungano naDhavhidhi nokuti aimuda sezvaaizvida iye. Jonatani akakurura nguo yaakanga akapfeka akaipa kuna Dhavhidhi, pamwe chete nechunika yake, uye kunyange munondo wake, uta hwake nebhanhire rake.
1 Samueri 18:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino wakati apedza kutaura naSauro, mwoyo waJonatani ukanamatira mwoyo waDhavhidhi, Jonatani akamuda sezvaakanga achida mwoyo wake. Sauro akamutora zuva iro, akasada kumutendera kudzokera kumusha kwake, kumba kwababa vake. Zvino Jonatani akaita sungano naDhavhidhi, nokuti wakanga achimuda sezvaakanga achida mwoyo wake. Jonatani akabvisa nguo yaakanga akafuka, akaipa Dhavhidhi, nezvisimiro zvake, kunyange nomunondo wake, nouta hwake, nebanhire rake.
1 Samueri 18:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakapedza Dhavhidhi kutaura naSauro, pakabva pamuka ushamwari chaihwoihwo hwapamwoyo pakati paJonatani naDhavhidhi. Jonatani akamuda sokuda kwaaizviita iye pachake. Sauro akamutora zuva iroro akamurambidza kudzokera kumusha kwababa vake. Jonatani akaita chitsidzirano naDhavhidhi pamusana pokuti aimuda sokuda kwaaizviita iye pachake. Jonatani akabvisa gemenzi rake raaiva akapfeka, akapa Dhavhidhi nechidemataure chokuzvidzivirira nacho muhondo kunyangewo nebakatwa rake nouta hwake nebhande rake.
1 Samueri 18:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakati apedza kutaura naSauro, mŋoyo waJonatani ukanamatira mŋoyo waDavidi, Jonatani akamuɗa seɀaakaŋga aciɗa mŋoyo wake. Sauro akamutora zuʋa iro, akasaɗa kumutendera kudzokera kumusha kwake, kumba kwaɓaɓa ʋake. Ɀino Jonatani akaita suŋgano naDavidi, nokuti wakaŋga acimuɗa seɀaakaŋga aciɗa mŋoyo wake. Jonatani akabvisa ŋguʋo yaakaŋga akafuka, akaipa Davidi, neɀisimiro ɀake, kunyaŋge nomunondo wake, noʋuta bgake, nebanhire rake.
1 Samueri 18:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)