1 Samueri 17:45-49
1 Samueri 17:45-49 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Dhavhidhi akati kumuFiristia, “Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo uye nepfumo guru, asi ini ndinouya kwauri muzita raJehovha Wamasimba Ose, Mwari wehondo dzavaIsraeri, uyo waunozvidza. Nhasi Jehovha achakuisa muruoko rwangu, uye ndichakuuraya ndigokugura musoro wako. Nhasi ndichapa mitumbi yehondo yavaFiristia kushiri dzedenga nokuzvikara zvenyika, uye nyika yose ichaziva kuti muIsraeri muna Mwari. Vose vakaungana pano vachaziva kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo; nokuti kurwa ndokwaJehovha, uye achaisa imi mose mumaoko edu.” MuFiristia akati achiswedera pedyo kuti amuuraye, Dhavhidhi akakurumidza kumhanyira kumutsara wokurwa kuti andosangana naye. Akapinza ruoko rwake munhava ndokutora dombo, akaripotsera nechimviriri akarova muFiristia pahuma. Dombo rakanyura muhuma yake, akawira pasi nechiso chake.
1 Samueri 17:45-49 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Dhavhidhi akati kumuFirisitia, “Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo, Mwari wehondo dzavaIsiraeri, vaunoshoora. Nhasi Jehovha uchakuisa muruoko rwangu; ndichakuuraya, ndichakugura musoro wako, ndichapa shiri dzokudenga nezvikara zvenyika zvitunha zvehondo dzavaFirisitia nhasi, kuti nyika yose izive kuti Mwari uripo pakati paIsiraeri.” Zvino kuti ungano iyo yose izive, kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo, nokuti kurwa ndokwaJehovha, iye uchakuisa mumaoko edu. Zvino muFirisitia wakati achisimuka, achiuya kuzosangana naDhavhidhi, Dhavhidhi akakurumidza, akamhanyira kuhondo kuzosangana nomuFirisitia. Dhavhidhi akapinza ruoko rwake muhombodo yake, akabvisamo ibwe, akariposhera, akarova muFirisitia pahuma yake; ibwe rikanyura muhuma yake, iye akawira pasi nechiso.
1 Samueri 17:45-49 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dhavhidhi ndokuti kumuFirisitia, “Iwe uri kundivinga nebakatwa nepfumo nemharu, asi ini ndiri kukuvinga muzita raTenzi Samasimbaose, Mwari wehondo dzavaIsiraeri waunoshora. Nhasi uno Tenzi achakuisa mumaoko angu, ndichakuuraya ndokudimura musoro. Iye nhasi uno wakare ndichapa zvitunha zvehondo yavaFirisitia kushiri dzedenga nokuzvikara zvapasi pano zvigozivikanwa pasi pose kuti muIsiraeri muna Mwari. Uyewo kuti gungano iri rose rizive kuti Tenzi haanunure vanhu nebakatwa kana nepfumo nokuti hondo iri mumaoko aTenzi. Atokuisai mumaoko medu.” MuFirisitia uyu akabva amuka wokanyaira kuvinga Dhavhidhi. Dhavhidhi akakasika akadididzawo kundosangana nomuFirisitia uya munhandare yokurwa. Dhavhidhi akapinza ruoko munhava yake akatora kanhombo akakavheyesa nechimviriri ndokukobora muFirisitia pahuma. Dombo ndokubva rati vido kunyura muhuma yake. MuFirisitia uya ndokubva awira pasi nouso.
1 Samueri 17:45-49 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Davidi akati kumuFiristia: Iwe unoʋuya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinoʋuya kwauri nezita raJehova wehondo, Mŋari wehondo dzaʋaIsraeri, ʋaunoshoʋora. Nhasi Jehova ucakuisa muruʋoko rwaŋgu; ndicakuʋuraya, ndicakugura musoro wako, ndicapa shiri dzokuɗeŋga neɀikara ɀenyika ɀitunha ɀehondo dzaʋaFiristia nhasi, kuti nyika yose iziʋe kuti Mŋari uri’po pakati paIsraeri. Ɀino kuti ʋuŋgano iyo yose iziʋe, kuti Jehova haaponesi nomunondo kana nepfumo, nokuti kurwa ndokwaJehova, iye ucakuisa mumaʋoko eɗu. Ɀino muFiristia wakati acisimuka, aciʋuya kuzosoŋgana naDavidi, Davidi akakurumidza, akamhanyira kuhondo kuzosoŋgana nomuFiristia. Davidi akapinza ruʋoko rwake muhomboɗo yake, akabvisa’mo ibge, akariposhera, akaroʋa muFiristia pahuma yake; ibge rikanyura muhuma yake, iye akawira pasi neciso.
1 Samueri 17:45-49 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)