1 Samueri 17:38-50
1 Samueri 17:38-50 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Sauro akashongedza Dhavhidhi nenguo dzake. Akamupfekedza jasi rokurwa uye nguwani yendarira pamusoro wake. Dhavhidhi akasungira munondo wake pamusoro penguo akaedza kufamba-famba nadzo akakundikana, nokuti akanga asina kudzizivira. Akati kuna Sauro, “Handingaendi ndakapfeka idzi, nokuti handina kudzijaira.” Saka akadzibvisa. Ipapo akabata tsvimbo yake muruoko rwake, akasarudza hurungudo shanu murukova, akadziisa munhava yake yomufudzi, uye ane chimviriri muruoko rwake, akaswedera kumuFiristia. Zvichakadaro, muFiristia, nomutakuri wenhoo yake mberi kwake, vakaramba vachiswedera pedyo naDhavhidhi. Akatarisa akaona kuti Dhavhidhi akanga ari mukomana zvake, mutsvuku, akanaka, uye akamuzvidza. Akati kuna Dhavhidhi, “Ndiri imbwa kanhi, zvaunouya kwandiri nezvimiti?” Uye navamwari vake, muFiristia akatuka Dhavhidhi. Akati, “Uya kuno ndigopa nyama yako kushiri dzedenga nokumhuka dzesango!” Dhavhidhi akati kumuFiristia, “Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo uye nepfumo guru, asi ini ndinouya kwauri muzita raJehovha Wamasimba Ose, Mwari wehondo dzavaIsraeri, uyo waunozvidza. Nhasi Jehovha achakuisa muruoko rwangu, uye ndichakuuraya ndigokugura musoro wako. Nhasi ndichapa mitumbi yehondo yavaFiristia kushiri dzedenga nokuzvikara zvenyika, uye nyika yose ichaziva kuti muIsraeri muna Mwari. Vose vakaungana pano vachaziva kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo; nokuti kurwa ndokwaJehovha, uye achaisa imi mose mumaoko edu.” MuFiristia akati achiswedera pedyo kuti amuuraye, Dhavhidhi akakurumidza kumhanyira kumutsara wokurwa kuti andosangana naye. Akapinza ruoko rwake munhava ndokutora dombo, akaripotsera nechimviriri akarova muFiristia pahuma. Dombo rakanyura muhuma yake, akawira pasi nechiso chake. Saka Dhavhidhi akakunda muFiristia nechimviriri uye nedombo; akauraya muFiristia asina munondo muruoko rwake.
1 Samueri 17:38-50 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Sauro akafukidza Dhavhidhi nguo dzake, akadzika ngoani yendarira pamusoro wake, akamufukidza nguo dzokurwa dzamabape endarira. Zvino Dhavhidhi akasungira munondo wake pamusoro penguo dzake, akaidza kufamba; nokuti wakanga asina kumboidza izvozvo. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Handigoni kufamba nadzo, nokuti handina kumbodziidza.” Dhavhidhi akadzibvisa. Akabata tsvimbo muruoko rwake, akazvitsaurira hurungudo shanu parukova, akadziisa muhombodo yake yomufudzi, yaakanga anayo, imo munhava yake; chifuramabwe chake chakanga chiri muruoko rwake; akaswedera kumuFirisitia. MuFirisitia akauya, akaswedera kuna Dhavhidhi; munhu wakanga akabata nhovo yake akamutungamirira. Zvino muFirisitia wakati achitarira, akaona Dhavhidhi, akamuzvidza; nokuti wakanga achiri mukomana hake, mutsvuku, ane chiso chakanaka. MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, “Ndiri imbwa kanhi, zvaunouya kwandiri netsvimbo?” MuFirisitia akatuka Dhavhidhi navamwari vake. MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, “Uya kuno kwandiri, ndipe shiri dzokudenga nezvikara zvebundo nyama yako.” Ipapo Dhavhidhi akati kumuFirisitia, “Iwe unouya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinouya kwauri nezita raJehovha wehondo, Mwari wehondo dzavaIsiraeri, vaunoshoora. Nhasi Jehovha uchakuisa muruoko rwangu; ndichakuuraya, ndichakugura musoro wako, ndichapa shiri dzokudenga nezvikara zvenyika zvitunha zvehondo dzavaFirisitia nhasi, kuti nyika yose izive kuti Mwari uripo pakati paIsiraeri.” Zvino kuti ungano iyo yose izive, kuti Jehovha haaponesi nomunondo kana nepfumo, nokuti kurwa ndokwaJehovha, iye uchakuisa mumaoko edu. Zvino muFirisitia wakati achisimuka, achiuya kuzosangana naDhavhidhi, Dhavhidhi akakurumidza, akamhanyira kuhondo kuzosangana nomuFirisitia. Dhavhidhi akapinza ruoko rwake muhombodo yake, akabvisamo ibwe, akariposhera, akarova muFirisitia pahuma yake; ibwe rikanyura muhuma yake, iye akawira pasi nechiso. Naizvozvo Dhavhidhi akakunda muFirisitia nechifuramabwe nebwe, akakunda muFirisitia, akamuuraya; asi kwakanga kusino munondo muruoko rwaDhavhidhi.
1 Samueri 17:38-50 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sauro akapfekedza Dhavhidhi hanzu dzokurwisa nadzo dzake iye pachake. Akamupfekedza nguwani yendarira mumusoro akamupfekedzawo chidemautare chokuzvidzivirira nacho. Dhavhidhi akakwaikira bakatwa rake pahanzu dzake dzokurwisa nadzo. Dhavhidhi zvaakanga asina kujairirana nadzo akatadza kufamba nadzo. Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Handikwanise kuenda nadzo nokuti handina kudzijaira.” Dhavhidhi akabva adzipfekenura. Akatora tsvimbo yake mumaoko ndokusarudza tunhombo twakaurungana tushanu mukakova ndokutuisa muhomwe yomunhava yake ndokunanairira muFirisitia uya aine chimviriri chake mumaoko. MuFirisitia uya akabva auya chaizvo kuna Dhavhidhi ikoko, wokumutakurira nhoo uya ari mberi kwake. MuFirisitia akatarisa akaona Dhavhidhi akamushora nokuti aingovawo zvake jaya rakatsvukuruka rine chimirowo zvacho chakanaka. MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, “Ndiri mbwa here yaunouya wakabatira shamhu? MuFirisitia akarengerera achishurikidzira Dhavhidhi rushambwa runobva kuna vamwari vake.” MuFirisitia akati kuna Dhavhidhi, “Uya kwandiri! Nyama yako ndichaipa kushiri dzedenga nokumhuka dzesango.” Dhavhidhi ndokuti kumuFirisitia, “Iwe uri kundivinga nebakatwa nepfumo nemharu, asi ini ndiri kukuvinga muzita raTenzi Samasimbaose, Mwari wehondo dzavaIsiraeri waunoshora. Nhasi uno Tenzi achakuisa mumaoko angu, ndichakuuraya ndokudimura musoro. Iye nhasi uno wakare ndichapa zvitunha zvehondo yavaFirisitia kushiri dzedenga nokuzvikara zvapasi pano zvigozivikanwa pasi pose kuti muIsiraeri muna Mwari. Uyewo kuti gungano iri rose rizive kuti Tenzi haanunure vanhu nebakatwa kana nepfumo nokuti hondo iri mumaoko aTenzi. Atokuisai mumaoko medu.” MuFirisitia uyu akabva amuka wokanyaira kuvinga Dhavhidhi. Dhavhidhi akakasika akadididzawo kundosangana nomuFirisitia uya munhandare yokurwa. Dhavhidhi akapinza ruoko munhava yake akatora kanhombo akakavheyesa nechimviriri ndokukobora muFirisitia pahuma. Dombo ndokubva rati vido kunyura muhuma yake. MuFirisitia uya ndokubva awira pasi nouso. Dhavhidhi akakurira muFirisitia nechimviriri nekabwe; akakobora muFirisitia akamuuraya asi Dhavhidhi akanga asina bakatwa mumaoko.
1 Samueri 17:38-50 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Sauro akafukidza Davidi ŋguʋo dzake, akadzika ŋgoani yendarira pamusoro wake, akamufukidza ŋguʋo dzokurwa dzamaɓape endarira. Ɀino Davidi akasuŋgira munondo wake pamsoro peŋguʋo dzake, akaidza kufamba; nokuti wakaŋga asino‐kumboidza iɀoɀo. Davidi akati kunaSauro: Handigoni kufamba nadzo, nokuti handina‐kumbodziidza. Davidi akadzibvisa. Akaɓata tȿimbo muruʋoko rwake, akaɀitsaurira huruŋguɗo shanu parukoʋa, akadziisa muhomboɗo yake yomufudzi, yaakaŋga anayo, imo munhaʋa yake; cifura‐mabge cake cakaŋga ciri muruʋoko rwake; akasweɗera kumuFiristia. MuFiristia akaʋuya, akasweɗera kunaDavidi; munhu wakaŋga akaɓata nhoʋo yake akamutuŋgamirira. Ɀino muFiristia wakati acitarira, akaʋona Davidi, akamuɀidza; nokuti wakaŋga aciri mukomana hake, mutȿuku, aneciso cakanaka. MuFiristia akati kunaDavidi: Ndiri imbga kanhi, ɀaunoʋuya kwandiri netȿimbo? MuFiristia akatuka Davidi naʋamŋari ʋake. MuFiristia akati kunaDavidi: Ʋuya ʋuno kwandiri, ndipe shiri dzokuɗeŋga neɀikara ɀeɓundo nyama yako. Ipapo Davidi akati kumuFiristia: Iwe unoʋuya kwandiri nomunondo, nepfumo, nemharu; asi ini ndinoʋuya kwauri nezita raJehova wehondo, Mŋari wehondo dzaʋaIsraeri, ʋaunoshoʋora. Nhasi Jehova ucakuisa muruʋoko rwaŋgu; ndicakuʋuraya, ndicakugura musoro wako, ndicapa shiri dzokuɗeŋga neɀikara ɀenyika ɀitunha ɀehondo dzaʋaFiristia nhasi, kuti nyika yose iziʋe kuti Mŋari uri’po pakati paIsraeri. Ɀino kuti ʋuŋgano iyo yose iziʋe, kuti Jehova haaponesi nomunondo kana nepfumo, nokuti kurwa ndokwaJehova, iye ucakuisa mumaʋoko eɗu. Ɀino muFiristia wakati acisimuka, aciʋuya kuzosoŋgana naDavidi, Davidi akakurumidza, akamhanyira kuhondo kuzosoŋgana nomuFiristia. Davidi akapinza ruʋoko rwake muhomboɗo yake, akabvisa’mo ibge, akariposhera, akaroʋa muFiristia pahuma yake; ibge rikanyura muhuma yake, iye akawira pasi neciso. Naiɀoɀo Davidi akakunda muFiristia necifura‐mabge nebge, akakunda muFiristia, akamuʋuraya; asi kwakaŋga kusinomunondo muruʋoko rwaDavidi.
1 Samueri 17:38-50 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)