1 Samueri 17:33-38
1 Samueri 17:33-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Sauro akamupindura akati, “Haungagoni kuenda kundorwa nomuFiristia uyu; iwe uchingori mukomana zvako, uye iye akagara ari munhu wokurwa kubva paujaya hwake.” Asi Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Muranda wenyu akanga achifudza makwai ababa vake. Shumba kana bere zvaiti zvikauya, zvikatakura gwai kubva paboka ramakwai, ndaitevera, ndigoiuraya ndigoponesa gwai kubva pamuromo wayo. Yakati ichitendeukira kwandiri, ndakaibata nemvere dzayo, ndikaibaya ndikaiuraya. Muranda wenyu akauraya zvose shumba nebere; muFiristia uyu asina kudzingiswa achafanana nechimwe chazvo, nokuti ashora hondo dzaMwari mupenyu. Jehovha akandirwira pagumbo reshumba nerebere, ndiye achandirwira muruoko rwomuFiristia uyu.” Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda, uye Jehovha ave newe.” Ipapo Sauro akashongedza Dhavhidhi nenguo dzake. Akamupfekedza jasi rokurwa uye nguwani yendarira pamusoro wake.
1 Samueri 17:33-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Haungagoni kundorwa nomuFirisitia uyo, nokuti uchiri mukomana, asi iye murume murwi kubva pauduku hwake.” Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Muranda wenyu waifudza makwai ababa vake; zvino kana shumba ikasvika, kana bere, kuzotora gwayana paboka, ndaibuda, ndikaitevera, ndikaiuraya, ndikaiwira pamuromo wayo; kana ichinge ikandimukira, ndaibata ndebvu dzayo, ndokuibaya nokuiuraya.” Muranda wenyu akazviuraya zvose, kunyangwe shumba kunyangwe bere; muFirisitia uyu usinokudzingiswa uchafanana nechimwe chazvo, nokuti wakashora hondo dzaMwari mupenyu. Dhavhidhi akati, “Jehovha wakandirwira pagumbo reshumba negumbo rebere, iye uchandirwirawo paruoko rwomuFirisitia uyu.” Ipapo Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda hako, Jehovha uchava newe.” Sauro akafukidza Dhavhidhi nguo dzake, akadzika ngoani yendarira pamusoro wake, akamufukidza nguo dzokurwa dzamabape endarira.
1 Samueri 17:33-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Haungakwanisi kundorwisana nomuFirisitia uyu. Uri mwana muduku iwe. Iye murume wezvokurwa chikuriro chake chose.” Dhavhidhi akati kuna Sauro, “Ini muranda wenyu ndaimbova mufudzi wehwai dzababa vangu. Kwaiti kana kukauya bere kana shumba ikabata hwayana mudanga, ndaiironda ndigoiuraya ndichinunura hwayana yacho mukanwa mayo. Yaiti ikange yandimukira ndoiti hetu nendebvu dzayo ndoirova ndoiuraya. Ini muranda wenyu ndaiuraya zvose shumba kana bere, kana naiyeyuwo muFirisitia uyu asina kudzingiswa achavawo sezvikara izvozvo zvaari kutovirimira zvake hondo yaMwari mupenyu.” Dhavhidhi akati, “Tenzi nyakumbondinunura mukanwa meshumba nebere achandinunurawo mumaoko omuFirisitia iyeyu.”. Sauro akati kuna Dhavhidhi, “Enda zvako Tenzi ngaave newe.” Sauro akapfekedza Dhavhidhi hanzu dzokurwisa nadzo dzake iye pachake. Akamupfekedza nguwani yendarira mumusoro akamupfekedzawo chidemautare chokuzvidzivirira nacho.
1 Samueri 17:33-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Sauro akati kunaDavidi: Hauŋgagoni kundorwa nomuFiristia uyo, nokuti uciri mukomana, asi iye murume murwi kubva paʋuɗuku bgake. Davidi akati kunaSauro: Muranda wenyu waifudza makwai aɓaɓa ʋake; ɀino kana shumba ikaȿika, kana ɓere, kuzotora gwaiana paɓoka, ndaiɓuɗa, ndikaiteʋera, ndikaiʋuraya, ndikarirwira pamuromo wayo; kana iciŋge ikandimukira, ndaiiɓata ndebvu dzayo, ndokuiɓaya nokuiʋuraya. Muranda wenyu akaɀiʋuraya ɀose, kunyaŋge shumba kunyaŋge ɓere; muFiristia uyu usino‐kudziŋgiswa ucafanana necimŋe caɀo, nokuti wakashoʋora hondo dzaMŋari mupenyu. Davidi akati: Jehova wakandirwira pagumbo reshumba negumbo reɓere, iye ucandirwira ʋo paruʋoko rwomuFiristia uyu. Ipapo Sauro akati kunaDavidi: Enda hako, Jehova ucaʋa newe. Sauro akafukidza Davidi ŋguʋo dzake, akadzika ŋgoani yendarira pamusoro wake, akamufukidza ŋguʋo dzokurwa dzamaɓape endarira.
1 Samueri 17:33-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)