1 Samueri 17:17-19
1 Samueri 17:17-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Jese akati kuna Dhavhidhi mwanakomana wake, “Chitora efa iyi yezviyo zvakakangwa nezvingwa izvi gumi ukurumidze kundopa madzikoma ako kumusasa wavo. Uendewo nezvidimbu izvi zvechizi kumukuru wechiuru. Uone kuti madzikoma ako akadini ugouya neshoko rinobva kwavari. Vari pamwe chete naSauro navarume vose veIsraeri muMupata weEra kwavari kurwa navaFiristia.”
1 Samueri 17:17-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jese akati kuna Dhavhidhi mwanakomana wake, “Chindopa vakuru vako imwe yezviyo izvi zvakakangwa, nezvingwa zvine gumi, ukurumidze kuzviisa kumisasa kuvakuru vako; asi mapundu awa omukaka wakafa ane gumi uise kumukuru wechuru chavo, ugotarira kuti vakuru vako vakadiniko, ndokutora kwavari chokuwonerapo.” Zvino Sauro, naivo navarume vose vaIsiraeri vakanga vari pamupata weEra vachirwa navaFirisitia.
1 Samueri 17:17-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jese akati kuna Dhavhidhi mwanakomana wake, “Igira vakoma vako makirogiramu gumi embesanwa dzakakangwa idzi nezvingwa izvi gumi ukurumidze kuenda nazvo kumatendhe kuvakoma vako. Endawo nezvimedu izvi gumi zvechizi undopa mutungamiriri wavo wechiuru chavarwi. Enda undoona kuti vakoma vako vakadii, utivigirewo zvimwe zvinobva kwavari. Sauro navakoma vako navaIsiraeri vose vari kurwisana navaFirisitia kubani reEra izvozvi.”
1 Samueri 17:17-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jese akati kunaDavidi mŋanakomana wake: Cindopa ʋakuru ʋako efa imŋe yeɀiyo iɀi ɀakakaŋgwa, neɀiŋgwa ɀinegumi, ukurumidze kuɀiisa kumisasa kuʋakuru ʋako; asi mapundu awa omukaka wakafa anegumi uise kumukuru wecuru caʋo, ugotarira kuti ʋakuru ʋako ʋakaɗiniko, ndokutora kwaʋari cokuʋonera’po. Ɀino Sauro, naiʋo, naʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋari pamupata weEra ʋacirwa naʋaFiristia.
1 Samueri 17:17-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)