Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 17:1-11

1 Samueri 17:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino vaFiristia vakakoka varwi vavo kuti vazorwa hondo ndokubva vaungana paSoko muJudha. Vakadzika musasa paEfesi Dhamimi, pakati peSoko neAzeka. Sauro navaIsraeri vakaungana vakadzika musasa mumupata weEra, vakatara mutaro wokurwa pavaizosangana navaFiristia. VaFiristia vakatora chimwe chikomo, vaIsraeri vakatora chimwe, pakati pavo paine mupata. Shasha yainzi Goriati yaibva kuGati, yakabuda pakati pomusasa wavaFiristia. Akanga akareba makubhiti matanhatu. Akanga ane nguwani yendarira pamusoro wake uye akanga akafuka nguo dzokurwa dzamakwati endarira dzairema mashekeri zviuru zvishanu; pamakumbo ake akanga akapfeka zvidzitiro zvendarira, uye pfumo rendarira rakanga rakarembedzwa kumusana kwake. Rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakaita setsvimbo yomuruki, uye muromo waro wesimbi wakanga uchirema mashekeri mazana matanhatu. Mutakuri wenhoo yake aifamba ari mberi kwake. Goriati akamira akadanidzira kuhondo dzavaIsraeri achiti, “Seiko mabuda kuti muzogadzirira kurwa? Ko, ini handisi muFiristia, uye imi hamusi varanda vaSauro here? Sarudzai murume mugoita kuti aburuke kuno kwandiri. Kana achigona kurwa uye akandiuraya, isu tichava varanda venyu; asi kana ndikamukunda ndikamuuraya, imi muchava varanda vedu uye muchatishandira.” Ipapo muFiristia akati, “Nhasi ndiri kudenha hondo dzavaIsraeri! Ndipei murume kuti tirwe.” Sauro navaIsraeri vose vakati vachinzwa mashoko omuFiristia vakavhunduka uye vakatya.

1 Samueri 17:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino vaFirisitia vakakoka hondo dzavo kuzorwa, vakaungana paSoko raiva raJudha, vakavaka misasa yavo pakati peSoko naAzeka paEfesidamimi. Sauro navarume vaIsiraeri vakaunganawo, vakavaka misasa yavo pamupata weEra, vakagadzira hondo kuzorwa navaFirisitia. VaFirisitia vakanga vamire pagomo kuno rumwe rutivi, navaIsiraeri vakanga vamire pagomo kuno rumwe rutivi; mupata wakanga uri pakati pavo. Zvino kumisasa yavaFirisitia kwakabuda mhare, yainzi Goriati weGati; kureba kwake kwakanga kuna makubhiti matanhatu uye sapanosvika minwe. Wakanga ane ngoani yendarira pamusoro wake, uye wakanga akafuka nguo dzokurwa dzamabape endarira, nguo dzokurwa dzamabape endarira dzakasvika mashekeri ane zviuru zvishanu zvendarira pakurema kwadzo. Wakanga ane zvidzitiro zvamakumbo zvendarira, nemharu yendarira pakati pamafudzi ake. Rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakafanana nedanda romuruki; nechese yepfumo rake yakasvika mashekeri ana mazana matanhatu amatare pakurema kwayo; uye mubati wenhowo yake waifamba mberi kwake. Akamira, akadanidzira kuhondo dzavaIsiraeri, akati kwavari, “Mabudireiko muchigadzira hondo yenyu? Ini handizi muFirisitia, nemi varanda vaSauro here? Imi muzvitsaurire murume, aburukire kuno kwandiri. Kana akagona kurwa neni, akandiuraya, isu tichava varanda venyu; asi kana ini ndikamukunda, ndikamuuraya, imi muchava varanda vedu, muchatibatira.” MuFirisitia akati, “Nhasi ndinoshoora hondo dzavaIsiraeri; ndipei munhu, tirwe.” Zvino Sauro navaIsiraeri vose vakati vachinzwa mashoko awa omuFirisitia, vakavhunduka, vakatya kwazvo.

1 Samueri 17:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

VaFirisitia vakaunganidza hondo dzavo kuSoko guta rokwaJudha kuti varwe hondo vakadzika matendhe pakati peSoko neAzeka muEfesidhamimu. Izvozvo Sauro akanga aunganawo navarwi veIsiraeri vadzikawo matendhe avo mubani reEra vatoronganirana kuchirwisa vaFirisitia. VaFirisitia vakanga vamire mugomo kune rumwe rutivi, vaIsiraeri vamirewo mugomo kune rumwewo rutivi bani riri pakati pavo. Zvino kumatendhe evaFirisitia, kwakabuda imwe shasha yokuGati yainzi Goriati yakanga yakareba mamita anenge oda kusvika matatu. Akanga akadzika nguwani yendarira mumusoro akapfeka chidemautare chendarira chokuzvidzivirira nacho chairema makirogiramu ainge oda kusvika makumi mashanu ana manomwe. Uyezve akanga ana mapatisi endarira pamipimbiri, akatanhika pfumo rendarira pamapfudzi. Rwiriko rwepfumo rake rwakanga rwakaita somutandariko wechinoshandiswa nomuruki. Chese yesimbi yepfumo rake yairema makirogiramu manome. Mutakuri wenhoo yake aiva mberi kwake. Akamira akadaidzira kuhondo dzavaIsiraeri achiti, “Mavingei kutoronganirana hondo kudai? Hezvinoka ini ndiri muFirisitia, imi muri varanda vaSauro. Chizvisarudzirai munhu murege auye kuno kwandiri. Kana akagona kurwa neni akandiuraya, isu tichava varanda venyu. Asi ndikange ndamukurira, ndikamuuraya imi ndimi muchava varanda vedu vokutishandira.” MuFirisitia uyu ndokuti, “Nhasi ndiri kushora hondo dzavaIsiraeri. Ndipei munhu, ndirwe naye.” Sauro navaIsiraeri vose vakati vachinzwa izvi zvaitaurwa nomuFirisitia uyu vakakangaidzwa nazvo vakatya zvikuru.

1 Samueri 17:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋaFiristia ʋakakoka hondo dzaʋo kuzorwa, ʋakaʋuŋgana paSoko raiʋa raJuda, ʋakaʋaka misasa yaʋo pakati peSoko naAzeka paEfesi‐damimi. Sauro naʋarume ʋaIsraeri ʋakaʋuŋgana ʋo, ʋakaʋaka misasa yaʋo pamupata weEra, ʋakagadzira hondo kuzorwa naʋaFiristia. ƲaFiristia ʋakaŋga ʋamire pagomo kunorumŋe rutiʋi, naʋaIsraeri ʋakaŋga ʋamire pagomo kunorumŋe rutiʋi; mupata wakaŋga uri pakati paʋo. Ɀino kumisasa yaʋaFiristia kwakaɓuɗa mhare, yainzi Goriati weGati; kureɓa kwake kwakaŋga kunamakubiti matanhatu ʋuye sapanoȿika minwe. Wakaŋga aneŋgoani yendarira pamusoro wake, ʋuye wakaŋga akafuka ŋguʋo dzokurwa dzamaɓape endarira; ŋguʋo dzokurwa dzamaɓape endarira dzakasika mashekeri aneɀuru ɀishanu ɀendarira pakurema kwadzo. Wakaŋga aneɀidzitiro ɀamakumbo ɀendarira, nemharu yendarira pakati pamafudzi ake. Rwiriko rwepfumo rake rwakaŋga rwakafanana neɗanda romuruki, necese yepfumo rake yakaȿika mashekeri anamazana matanhatu amatare pakurema kwayo; ʋuye muɓati wenhoʋo yake waifamba mberi kwake. Akamira, akaɗanidzira kuhondo dzaʋaIsraeri, akati kwaʋari: Maɓuɗireiko mucigadzira hondo yenyu? Ini handizi muFiristia, nemi ʋaranda ʋaSauro here? Imi muɀitsaurire murume, aɓurukire ʋuno kwandiri. Kana akagona kurwa neni, akandiʋuraya, isu ticaʋa ʋaranda ʋenyu; asi kana ini ndikamukunda, ndikamuʋuraya, imi mucaʋa ʋaranda ʋeɗu, mucatiɓatira. MuFiristia akati: Nhasi ndinoshoʋora hondo dzaʋaIsraeri; ndipei munhu, tirwe. Ɀino Sauro naʋaIsraeri ʋose ʋakati ʋacinzwa mashoko awa omuFiristia, ʋakavunduka, ʋakatya kwaɀo.

1 Samueri 17:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)