Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 15:17-26

1 Samueri 15:17-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Samueri akati, “Kunyange wakanga uri muduku pakufunga kwako kare, ko, hauna kuitwa mukuru wamarudzi avaIsraeri here? Jehovha akakuzodza kuti uve mambo wavaIsraeri. Uye akakutuma parwendo, achiti, ‘Enda undoparadza zvachose vanhu vose vakaipa, ivo vaAmareki; uvarwise kusvikira vapera.’ Seiko usina kuteerera Jehovha? Wakamhanyirireiko kune zvakapambwa uchiita zvakaipa pamberi paJehovha?” Sauro akati, “Asi ndakateerera Jehovha. Ndakaenda parwendo rwandakatumwa naJehovha. Ndakaparadza vaAmareki zvachose ndikauya naAgagi mambo wavo. Varwi vakatora makwai nemombe zvakabva pane zvakapambwa, izvo zvakanakisisa zvavakatsaurira Mwari, kuitira kuti vagozvibayira kuna Jehovha Mwari wenyu paGirigari.” Asi Samueri akapindura akati, “Ko, Jehovha angafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro sezvaanofarira kuteererwa kwenzwi raJehovha here? Kuteerera kunokunda chibayiro, uye kuteerera kunokunda mafuta amakondobwe. Nokuti kumukira kwakafanana nechivi chokuvuka, uye kusindimara kwakafanana nechivi chokunamata zvifananidzo. Nemhaka yokuti wakaramba shoko raJehovha, naiye akuramba kuti usaramba uri mambo.” Ipapo Sauro akati kuna Samueri, “Ndatadza, ndamukira murayiro waJehovha nezvamakandirayira. Ndakanga ndichitya vanhu nokudaro ndakateerera mashoko avo. Zvino ndinokukumbirisai, ndikanganwirei chivi changu mugodzoka neni, kuti ndigononamata Jehovha.” Asi Samueri akati kwaari, “Handingadzoki newe. Wakaramba shoko raJehovha, saka Jehovha akuramba kuti uve mambo wavaIsraeri!”

1 Samueri 15:17-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Samueri akati, ‘Kunyange wakanga uri muduku pakufunga kwako, hauna kuitwa mukuru wamarudzi avaIsiraeri here? Jehovha wakakuzodza, kuti uve mambo waIsiraeri; Jehovha akakutuma parwendo,’ akati, ‘Enda, uparadze chose vatadzi, ivo vaAmareki, urwe navo kusvikira vapera.’ “Zvino wakaregereiko kuteerera izwi raJehovha, asi wakamhanyira zvakapambwa, ukaita zvakaipa pamberi paJehovha?” Sauro akati kuna Samueri, “Zvirokwazvo ndakateerera izwi raJehovha, ndikaenda nenzira yandakanga ndatumwa naJehovha, ndikauya naAgagi mambo wavaAmareki, ndikaparadza vaAmareki chose. “Asi vanhu, ndivo vakatora zvakapambwa, iwo makwai nenzombe, nezvakanaka pazvinhu zvakanga zvatsaurwa, kuti vabayire Jehovha Mwari wenyu paGirigari.” Samueri akati, “Ko Jehovha ungafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro, sezvaanofarira kuteerera izwi raJehovha here? Tarira, kuteerera kunokunda zvibayiro, nokunzwa kunokunda mafuta amakondohwe. Nokuti kumukira Jehovha kwakafanana nechivi chokuuka, uye kusindimara kwakafanana nokunamata kuzvifananidzo neterafimi. Zvawakaramba shoko raJehovha, naiye wakakurambawo kuti urege kuva mambo.” Ipapo Sauro akati kuna Samueri “Ndakatadza, nokuti ndakadarika murayiro waJehovha, uye namashoko enyu, nokuti ndakatya vanhu, ndikateerera mazwi avo. Zvino ndinokumbira kuti mundikanganwirewo zvivi zvangu, mudzoke neni, ndinamate kuna Jehovha.” Samueri akati kuna Sauro, “Handingadzoki newe, nokuti wakaramba shoko raJehovha, naJehovha wakuramba newewo kuti urege kuva mambo waIsiraeri.”

1 Samueri 15:17-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Samueri akati, “Kunyange zvazvo waizviona sokunge munhu pasina asika ndiwe mutungamiriri wamadzinza evaIsiraeri. Tenzi akakuzodza achikugadza umambo hwomuIsiraeri. Tenzi ane basa raakakutuma. Akati, ‘Enda undotsakatisa vatadzi ava vaAmareki uvarwise kusvikira vapera kuti nho.’ Wakagoregererei kuteerera zvakanzi naTenzi uite? Ko wakabhururukira zvinhu zvokupamba sei, uchitadzira Tenzi nechakaipa chakadaro?” Sauro akapindurawo Samueri achiti, “Ko inga ndakaita wani zvakanzi naTenzi zviitwe. Ndakaitaka ini basa randakatumwa naTenzi. Ndakangouya naAgagi mambo weAmareki asi ndakatsakatisa vamwe vaAmareki vose. Asi vanhu vakatoraka mombe nehwai idzi pazvinhu zvaiva zvapambwa. Vakatora zvaiva zvakanakisisa kwazvo pazvinhu zvakanga zvakaturirwa kuna Mwari kuti zviparadzwe kuti vazopira izvozvo kuna Tenzi, Mwari wenyu kuGirigari.” Samueri ndokutiwo, “Tenzi anofarira here mipiro yokupisa kana kuti zvibayiro? Handiti Tenzi anotofarira kuti izwi rake riteererwe? Chinzwa! Kuteerera kuri nani pane kupira chibayiro, kuva unonzwa kuri nani pane kupira mafuta ehondohwe; nokuti kupanduka chitadzo chimwechetecho nokushopera, kuzvitutumadzawo chiri chimwecho nouipi nokunamata zvifananidzo. Zvawaramba kuteerera Tenzi, naiyewo akurambawo paumambo.” Sauro akati, “Inga ndakatopara chitadzo nokuti ndakatyora mutemo waTenzi, ndakatadzawo kuchengeta mashoko enyu pamusana pokuti ndakatya vanhu, nokuteerera kwandakaita zvavaireva. Saka zvino ndinokumbirisawo ndiregerereiwo chitadzo changu, tidzokere tose kwakare ndindonamata Tenzi pakare.” Samueri akati kuna Sauro, “Handiende newe ini nokuti wakaramba shoko raTenzi, naiyewo Tenzi akurambawo paumambo hwomuIsiraeri.”

1 Samueri 15:17-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Samueri akati: Kunyaŋge wakaŋga uri muɗuku pakufuŋga kwako, hauna‐kuitwa mukuru wamarudzi aʋaIsraeri here? Jehova wakakuzodza, kuti uʋe mambo waIsraeri; Jehova akakutuma parwendo, akati: Enda, uparadze cose ʋatadzi, iʋo ʋaAmareki, urwe naʋo kuȿikira ʋapera. Ɀino wakaregereiko kuterera inzwi raJehova, asi wakamhanyira ɀakapambga, ukaita ɀakaipa pamberi paJehova? Sauro akati kunaSamueri: Ɀirokwaɀo ndakaterera inzwi raJehova, ndikaenda nenzira yandakaŋga ndatumŋa naJehova, ndikaʋuya naAgagi mambo waʋaAmareki, ndikaparadza ʋaAmareki cose. Asi ʋanhu, ndiʋo ʋakatora ɀakapambga, iwo makwai nenzombe, neɀakanaka paɀinhu ɀakaŋga ɀatsaurwa, kuti ʋaɓayire Jehova Mŋari wenyu paGirgari. Samueri akati: Ko Jehova uŋgafarira ɀipiriso ɀinopiswa neɀiɓayiro, seɀaanofarira kuterera inzwi raJehova here? Tarira, kuterera kunokunda ɀiɓayiro, nokunzwa kunokunda mafuta amakondobge. Nokuti kumukira Jehova kwakafanana neciʋi cokuʋuka, ʋuye kusindimara kwakafanana nokunamata kuɀifananidzo neterafimi. Ɀawakaramba shoko raJehova, naiye wakakuramba ʋo, kuti urege kuʋa mambo. Ipapo Sauro akati kunaSamueri: Ndakatadza, nokuti ndakaɗarika murairo waJehova, ʋuye namashoko enyu, nokuti ndakatya ʋanhu, ndikaterera manzwi aʋo. Ɀino ndinokumbira kuti mundikaŋganwire ʋo ɀiʋi ɀaŋgu, mudzoke neni, ndinamate kunaJehova. Samueri akati kunaSauro: Handiŋgadzoki newe, nokuti wakaramba shoko raJehova, naJehova wakuramba newe ʋo, kuti urege kuʋa mambo waIsraeri.

1 Samueri 15:17-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)