Samueri akati: Kunyaŋge wakaŋga uri muɗuku pakufuŋga kwako, hauna‐kuitwa mukuru wamarudzi aʋaIsraeri here? Jehova wakakuzodza, kuti uʋe mambo waIsraeri; Jehova akakutuma parwendo, akati: Enda, uparadze cose ʋatadzi, iʋo ʋaAmareki, urwe naʋo kuȿikira ʋapera. Ɀino wakaregereiko kuterera inzwi raJehova, asi wakamhanyira ɀakapambga, ukaita ɀakaipa pamberi paJehova? Sauro akati kunaSamueri: Ɀirokwaɀo ndakaterera inzwi raJehova, ndikaenda nenzira yandakaŋga ndatumŋa naJehova, ndikaʋuya naAgagi mambo waʋaAmareki, ndikaparadza ʋaAmareki cose. Asi ʋanhu, ndiʋo ʋakatora ɀakapambga, iwo makwai nenzombe, neɀakanaka paɀinhu ɀakaŋga ɀatsaurwa, kuti ʋaɓayire Jehova Mŋari wenyu paGirgari. Samueri akati: Ko Jehova uŋgafarira ɀipiriso ɀinopiswa neɀiɓayiro, seɀaanofarira kuterera inzwi raJehova here? Tarira, kuterera kunokunda ɀiɓayiro, nokunzwa kunokunda mafuta amakondobge. Nokuti kumukira Jehova kwakafanana neciʋi cokuʋuka, ʋuye kusindimara kwakafanana nokunamata kuɀifananidzo neterafimi. Ɀawakaramba shoko raJehova, naiye wakakuramba ʋo, kuti urege kuʋa mambo. Ipapo Sauro akati kunaSamueri: Ndakatadza, nokuti ndakaɗarika murairo waJehova, ʋuye namashoko enyu, nokuti ndakatya ʋanhu, ndikaterera manzwi aʋo. Ɀino ndinokumbira kuti mundikaŋganwire ʋo ɀiʋi ɀaŋgu, mudzoke neni, ndinamate kunaJehova. Samueri akati kunaSauro: Handiŋgadzoki newe, nokuti wakaramba shoko raJehova, naJehova wakuramba newe ʋo, kuti urege kuʋa mambo waIsraeri.