1 Samueri 13:7-14
1 Samueri 13:7-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vamwe vaHebheru vakatoyambuka Jorodhani vakaenda kunyika yeGadhi neGireadhi. Sauro akasara paGireadhi uye varwi vose vaaiva navo vakadedera nokutya. Akamira kwamazuva manomwe, nguva yakanga yatarwa naSamueri; asi Samueri haana kuuya kuGirigari, uye varwi vaSauro vakatanga kupararira. Saka akati, “Ndiunzirei chipiriso chinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa.” Ipapo Sauro akapa chipiriso chinopiswa. Achingopedza kupa chipiriso, Samueri akasvika, Sauro akaenda kundomukwazisa. Samueri akati, “Waiteiko?” Sauro akapindura achiti, “Pandaona kuti varume vava kupararira, uye kuti hamuna kusvika nenguva yakataurwa, uye kuti vaFiristia vava kuungana paMikimashi, ndafunga kuti, ‘Zvino vaFiristia vachauya kuzondirwisa paGirigari, uye handisati ndatsvaka nyasha dzaJehovha.’ Naizvozvo ndazvimanikidza kuti ndipe chipiriso chinopiswa.” Samueri akati, “Waita zvoupenzi. Hauna kuchengeta murayiro wawakapiwa naJehovha Mwari wako; dai wanga wadaro, Jehovha angadai asimbisa umambo hwako pamusoro peIsraeri kwenguva yose. Asi iye zvino umambo hwako hahuchagari; Jehovha azvitsvakira munhu anofadza mwoyo wake, akamugadza kuti ave mutungamiri wavanhu vake, nokuti hauna kuchengeta murayiro waJehovha.”
1 Samueri 13:7-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Uye vamwe vavaHebheru vakanga vayambuka Jorodhani kunyika yaGadi neyaGireadi; asi Sauro wakanga achiri Girigari, vanhu vose vakamutevera vachibvunda. Akamira mazuva manomwe akanga atarwa naSamueri; asi Samueri haana kusvika paGirigari, vanhu vakatanga kupararira vachimusiya. Zvino Sauro akati, “Uyai kwandiri nechipiriso chinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa.” Akapisa chipiriso chinopiswa. Zvino wakati achangopedza kupisa chipiriso chinopiswa, Samueri akasvika; Sauro akabuda kundosangana naye, kuti amukwazise. Samueri akati, “Waiteiko?” Sauro akati, “Ndakaona kuti vanhu vopararira, vachindisiya, uye kuti imi hamuna kusvika namazuva akanga atarwa, uye kuti vaFirisitia vakanga vaungana paMikimashi, saka ndikati, ‘Zvino vaFirisitia vachaburuka kuzondivamba paGirigari ini ndichigere kukumbira Jehovha kundibatsira;’ naizvozvo ndakazvigombedzera ndikapisira chipiriso chinopiswa, ndisingadi hangu.” Samueri akati kuna Sauro, “Waita sebenzi; hauna kuchengeta murayiro waJehovha Mwari wako, waakanga akuraira; nokuti zvino Jehovha wakanga achida kusimbisa ushe hwako pakati pavaIsiraeri nokusingaperi. “Asi zvino ushe hwako hahungagari; Jehovha wakazvitsvakira munhu unofadza mwoyo wake, Jehovha akamugadza ave mutungamiriri wavanhu vake, nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakanga warairwa naJehovha.”
1 Samueri 13:7-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vamwe vaHebheru vakayambuka Jorodhani vakapinda munyika yokwaGadhi neGireadhi. Sauro akanga achiri kuGirigari vose vaaiva navo vakanga vachidedera nokutya. Akamirira Samueri mazuva manomwe, nokuti ndiyo nguva yakanga yatarwa naSamueri. Asi Samueri haana kunge asvika kuGirigari. Vanhuwo vakanga voita rumwe rumwe kusiya Sauro. Sauro ndokuti, “Uyai nechibayiro chomupiro wokupisa pano pandiri pamwechete nechibayiro chemipiro yokuwadzana.” Sauro akabva apira mupiro wokupisa. Achangoti pedzei kupira mupiro wokupisa iwoyo, Samueri ndiye vhu. Sauro akaenda kundomuchingura nokumukwazisa. Samueri akati, “Ko ndochii ichochi chawaita?” Sauro akati, “Pandakaona varwi vangu vava kuita rumwe rumwe kundisiya, imiwo usina kuuya mumazuva atakanga tatarirana kuuya uye hondo yavaFirisitia yaungana kuMikimashi, ndakati, ‘Zvino vaFirisitia vachadzamara vondivinga kuGirigari kuno ndisati ndakumbira rubatsiro kuna Tenzi,’ ndozvakandisvitsa pakupira mupiro wokupisa.” Samueri ndokuti kuna Sauro, “Waita zvoupenzi, hauna kuchengeta mutemo waTenzi, Mwari wako waakakupa. Dai wanga wauchengeta Tenzi angadai azotsigisa umambo hwako hweIsiraeri kuti huvepo narini wose. Asi zvino umambo hwako hauchaenderera mberi. Tenzi atotsvaka mumwe murume wepamwoyo pake. Saka Tenzi atomusarudza kuti ave mutungamiriri wavanhu vake nokuti iwe hauna kuchengeta zvawakanzi naTenzi uite.”
1 Samueri 13:7-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋuye ʋamŋe ʋaʋaHeberu ʋakaŋga ʋayambuka Joridani kunyika yaGadi neyaGireadi; asi Sauro wakaŋga aciri Girgari, ʋanhu ʋose ʋakamuteʋera ʋacibvunda. Akamira mazuʋa manomŋe akaŋga atarwa naSamueri; asi Samueri haanakuȿika paGirgari, ʋanhu ʋakataŋga kupararira ʋacimusiya. Ɀino Sauro akati: Ʋuyai kwandiri necipiriso cinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa. Akapisa cipiriso cinopiswa. Ɀino wakati acaŋgopedza kupisa cipiriso cinopiswa, Samueri akaȿika; Sauro akaɓuɗa kundosoŋgana naye, kuti amukwazise. Samueri akati: Waiteiko? Sauro akati: Ndakaʋona kuti ʋanhu ʋopararira, ʋacindisiya, ʋuye kuti imi hamunakuȿika namazuʋa akaŋga atarwa, ʋuye kuti ʋaFiristia ʋakaŋga ʋaʋuŋgana paMikmashi, saka ndikati: Ɀino ʋaFiristia ʋacaɓuruka kuzondiʋamba paGirgari ini ndicigere kukumbira Jehova kundiɓatsira; naiɀoɀo ndakaɀigombedzera ndikapisira cipiriso cinopiswa, ndisiŋgaɗi haŋgu. Samueri akati kunaSauro: Waita seɓenzi; hauna‐kuceŋgeta murairo waJehova Mŋari wako, waakaŋga akuraira; nokuti ɀino Jehova wakaŋga aciɗa kusimbisa ʋushe bgako pakati paʋaIsraeri nokusiŋgaperi. Asi ɀino ʋushe bgako habguŋgagari; Jehova wakaɀitȿakira munhu unofadza mŋoyo wake, Jehova akamugadza aʋe mutuŋgamiriri waʋanhu ʋake, nokuti iwe hauna‐kuceŋgeta ɀawakaŋga warairwa naJehova.
1 Samueri 13:7-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)