1 Samueri 11:1-15
1 Samueri 11:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nahashi muAmoni akakwidza akaenda kundorwisa Jabheshi Gireadhi. Zvino varume vose veJabheshi vakati kwaari, “Ita chibvumirano nesu tigova pasi pako.” Asi Nahashi muAmoni akapindura achiti, “Ndichaita chibvumirano nemi bedzi kana ndabvisa ziso rokurudyi romumwe nomumwe wenyu mose saizvozvo ndigonyadzisa Israeri yose.” Vakuru veJabheshi vakati kwaari, “Tipe mazuva manomwe kuti tigotuma nhume muIsraeri yose; kana pashaya mumwe chete anouya kuzotinunura, tichazvipa kwamuri.” Nhume padzakauya kuGibhea yaSauro vakaudza vanhu zvisungo izvi vose vakachema zvikuru. Panguva iyoyo Sauro akanga achibva kuminda, ari shure kwehando dzake, akabvunza achiti, “Vanhu vaita sei? Vari kuchemeiko?” Ipapo vakarondedzerazve zvakanga zvataurwa navarume veJabheshi. Sauro paakanzwa mashoko aya, mweya waMwari wakauya pamusoro pake nesimba, akatsva nehasha. Akatora hando mbiri, akadzicheka-cheka, akatumidzira zvidimbu izvi nenhume muIsraeri yose, namashoko okuti, “Izvi ndizvo zvichaitwa kuhando dzaani naani asingateveri Sauro naSamueri.” Ipapo kutya kwaMwari kwakawira pamusoro pavanhu, vakauya somunhu mumwe chete. Sauro paakavaunganidza paBhezeki, varume veIsraeri vaisvika mazana matatu ezviuru uye varume veJudha zviuru makumi matatu. Vakaudza nhume dzakanga dzauya kuti, “Muti kuvarume veJabheshi Gireadhi, ‘Mangwana kana zuva ropisa muchanunurwa.’ ” Nhume padzakaenda dzikandotaura izvi kuvarume veJabheshi, vakafara kwazvo. Vakati kuvaAmoni, “Mangwana tichazvipira kwamuri, uye muchaita kwatiri zvose zvinenge zvakakunakirai.” Zuva raitevera, Sauro akaisa vanhu vake muzvikwata zvitatu; panguva yemambakwedza vakapinda mumusasa wavaAmoni vakavauraya kusvikira zuva ropisa. Vakararama vakapararira, zvokuti hapana vaviri vavo vakasara vari pamwe chete. Ipapo vanhu vakati kuna Samueri, “Ndiani akabvunza achiti, ‘Sauro achatitonga here?’ Uyai navarume ava kwatiri tivauraye.” Asi Sauro akati, “Hapana munhu achaurayiwa nhasi, nokuti nhasi Jehovha anunura Israeri.” Zvino Samueri akati kuvanhu, “Uyai tiende kuGirigari tindosimbisa umambo ikoko zvakare.” Saka vanhu vose vakaenda kuGirigari vakasimbisa Sauro samambo pamberi paJehovha. Ipapo vakabayira zvipo zvokuwadzana pamberi paJehovha, uye Sauro navaIsraeri vose vakava nokupemberera kukuru.
1 Samueri 11:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Nahashi muAmoni wakakwira akavaka misasa yake paJabheshigireadi kuzorwa naro; zvino varume vose veJabheshi vakati kuna Nahashi, “Itai sungano nesu tikushumirei.” Nahashi muAmoni akati kwavari, “Ndichatenda kuita sungano nemi kana meso enyu ose orudyi achitumburwa, kuti ndinyadze vaIsiraeri vose nazvo.” Vakuru veJabheshi vakati kwaari, “Titenderei mazuva manomwe, titume nhume kunyika yose yaIsiraeri; zvino kana pasina ungatiponesa, tichabuda kwauri.” Zvino nhume dzikasvika paGibhea, kwaSauro, dzikataura mashoko iwayo kuvanhu; vanhu vose vakachema kwazvo. Zvino Sauro wakabva kumunda achitinha mombe dzake; Sauro akati, “Vanhu vanonzweiko zvavanochema kudai?” Akaudzwa mashoko avarume veJabheshi. Ipapo Mweya waMwari wakauya pamusoro paSauro nesimba, achinzwa mashoko iwayo, kutsamwa kwake kukamutswa kwazvo. Akatora nzombe mbiri, akadziguranya ndokutuma nhindi idzo kunyika yose yaIsiraeri namaoko enhume, akati, “Ani nani unoramba kubuda nokutevera Sauro naSamueri, uchaitirwa nzombe dzake saizvozvo.” Zvino kutya, kwakabva kuna Jehovha, kwakabata vanhu, vakabuda vose‐vose. Iye akavaverenga paBhezeki; vana vaIsiraeri vakasvika zviuru zvina mazana matatu, navarume vaJudha zviuru zvina makumi matatu. Vakati kunhume dzakauya, “Udzai varume veJabheshigireadi, muti, ‘Mangwana kana zuva ropisa, mucharwirwa.’ ” Nhume dzikaenda, dzikaudza varume veJabheshi, ivo vakafara. Naizvozvo varume veJabheshi vakati, “Mangwana tichabuda kwamuri, mutiitire henyu sezvamunoda.” Fume mangwana Sauro akagadzira vanhu, akavaita mapoka matatu, vakapinda pakati pemisasa nenguva yamangwanani vakauraya vaAmoni kusvikira zuva ropisa; zvino vakasara vakaparadzirwa, hakuna kusara vaviri pamwechete. Zvino vanhu vakati kuna Samueri, “Ndianiko wakati, ‘Sauro ungatibata ushe here?’ ” Hendei, tivauraye. Sauro akati, “Ngakurege kuurawa munhu mumwe nhasi, nokuti Jehovha wakarwira Isiraeri.” Zvino Samueri akati kuvanhu, “Hendei Girigari, tinovandudza ushe ipapo.” Vanhu vose vakaenda Girigari, vakagadza Sauro ave mambo wavo pamberi paJehovha paGirigari, vakabayirapo zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha; Sauro navarume vose vaIsiraeri vakafara kwazvo ipapo.
1 Samueri 11:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Nahashi muAmoni akakwira kuJabheshigireadhi akarikomba. Varume vose vomuJabheshi vakati kuna Hahashi, “Madii zvenyu kuita chitenderano nesu tigokushandirai?” Asi Nahashi muAmoni akavati, “Ndingatozoita chitenderano nemi kana ndichinge ndatotanga ndaita izvi zvokuti ndokusvukunurai mose maziso enyu okurudyi ndigonyadzisa vaIsiraeri vose nazvo.” Vakuru vakuru vomuJabheshi vakati kwaari, “Tipeiwo mazuva manomwe tiwanewo nguva yokumbotumira nhume munyika yose yeIsiraeri. Kana kwashayika wokuzotinunura ndopatichazviisa zvedu mumaoko enyu.” Nhume dzacho padzakasvika kuGibhea kwaSauro dzakasvitsa shoko iri munzeve dzavanhu, vanhu ndokuita zhwerendende kuchema. Izvozvo Sauro akanga achibva zvake kumunda achitotinha nzombe dzake. Sauro ndokuti, “Ko vanhu vari kuchema, vari kuchemei?” Vakamutaurira nyaya dzakanga dzasvika nenhume dzokuJabheshi. Sauro paakazvinzwa Mweya waMwari wakauya paari nesimba guru kwazvo akaviruka kwazvo nehasha. Akabaya nzombe mbiri ndokudzicheka-cheka, ndokutumira nhindi dzenyama nenhume munyika yose yeIsiraeri achiti, “Izvi ndizvo zvichaitwa nzombe yomunhu wose anenge asina kubuda naSauro naSamueri!” Vanhu vakatya Tenzi vakabuda vose pamwechete. Sauro akavaronganisa kuBhezeki. Paiva navarwi vokwaIsiraeri mazana matatu ezviuru vokwaJudha vari zviuru makumi matatu. Vakaudza nhume dziya dzokutumwa dziya kuti, “Munondoti kuvarume vokuJabheshigireadhi, ‘Mangwana, panguva yorudziyakamwe muchange matonunurwa.’ ” Nhume idzi padzakasvikotaurira varume vokuJabheshi izvozvi vakafara kwazvo. Varume vokuJabheshi ndokuti kuvaAmoni, “Mangwana tichazviisa zvedu mumaoko enyu mugoita zvenyu zvamunoda nesu.” Ramangwana racho, Sauro akakamuranisa varwi vake akavaisa muzvikwata zvitatu. Kwava kuda kuti ngwee kuedza vakabva vaverera vati vhu kusvika mumatendhe evaAmoni vakavakatakazha kusvikira panguva yorudziyakamwe. Vakanga vapunyuka vakaitiswa rumwe rumwe kupararana zvokushaya kana vaviri zvavo vakakwanisa kusara vari vose. Vanhu ndopavakati kuna Samueri, “Ndivanaani vaya vaitadza kutaura vachiti, ‘Tingatongwe naSauro here isu?’ Ngavaunzwe pano varume ivava tivapfuudze.” Asi Sauro akati, “Hapana anofanira kuurayiwa nhasi uno nokuti iye nhasi uno Tenzi anunura nyika yeIsiraeri.” Samueri akazoti kuvanhu, “Handei kuGirigari tindopemberera kugadzwa kwakaitwa mambo.” Saka vanhu vose vakaenda kuGirigari vakagadza Sauro pachigaro chake choumambo pana Tenzi kuGirigariko. Vakapira mipiro yokuwadzana vari ikoko pana Tenzi, Sauro navaIsiraeri vose vakaita mabiko vakapembera vachifara zvikuru.
1 Samueri 11:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

1 Samueri 11:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Nahashi muAmoni wakakwira akaʋaka misasa yake paJabeshi‐gireadi kuzorwa naro; ɀino ʋarume ʋose ʋeJabeshi ʋakati kunaNahashi: Itai suŋgano nesu, tikushumirei. Nahashi muAmoni akati kwaʋari: Ndicatenda kuita suŋgano nemi kana meso enyu ose orudyi acitumburwa, kuti ndinyadze ʋaIsraeri ʋose naɀo. Ʋakuru ʋeJabeshi ʋakati kwaari: Titenderei mazuʋa manomŋe, titume nhume kunyika yose yaIsraeri; ɀino kana pasina‐uŋgatiponesa, ticaɓuɗa kwauri. Ɀino nhume dzikaȿika paGibea, kwaSauro, dzikataura mashoko iwayo kuʋanhu; ʋanhu ʋose ʋakacema kwaɀo. Ɀino Sauro wakabva kumunda acitinha ŋombe dzake; Sauro akati: Ʋanhu ʋanonzweiko ɀaʋanocema kuɗai? Akaʋudzwa mashoko aʋarume ʋeJabeshi. Ipapo Mŋeya waMŋari wakaʋuya pamsoro paSauro nesimba, acinzwa mashoko iwayo, kutsamŋa kwake kukamutswa kwaɀo. Akatora nzombe mbiri, akadziguranya, ndokutuma nhindi idzo kunyika yose yaIsraeri namaʋoko enhume, akati: Aninani unoramba kuɓuɗa nokuteʋera Sauro naSamueri, ucaitirwa nzombe dzake saiɀoɀo. Ɀino kutya, kwakabva kunaJehova, kwakaɓata ʋanhu, ʋakaɓuɗa ʋose‐ʋose. Iye akaʋaʋereŋga paBezeki; ʋana ʋaIsraeri ʋakaȿika ɀuru ɀinamazana matatu, naʋarume ʋaJuda ɀuru ɀinamakumi matatu. Ʋakati kunhume dzakaʋuya: Ʋudzai ʋarume ʋeJabeshi‐gireadi, muti: Maŋgwana kana zuʋa ropisa, mucarwirwa. Nhume dzikaenda, dzikaʋudza ʋarume ʋeJabeshi, iʋo ʋakafara. Naiɀoɀo ʋarume ʋeJabeshi ʋakati: Maŋgwana ticaɓuɗa kwamuri, mutiitire henyu seɀamunoɗa. Fume maŋgwana Sauro akagadzira ʋanhu, akaʋaita mapoka matatu, ʋakapinda pakati pemisasa neŋguʋa yamaŋgwanani, ʋakaʋuraya ʋaAmoni kuȿikira zuʋa ropisa; ɀino ʋakasara ʋakaparadzirwa, hakuna‐kusara ʋaʋiri pamŋe cete. Ɀino ʋanhu ʋakati kunaSamueri: Ndianiko wakati: Sauro uŋgatiɓata ʋushe here? Hendei, tiʋaʋuraye. Sauro akati: Ŋgakurege kuʋurawa munhu mumŋe nhasi, nokuti Jehova wakarwira Israeri. Ɀino Samueri akati kuʋanhu: Hendei Girgari, tindoʋandudza ʋushe ipapo. Ʋanhu ʋose ʋakaenda Girgari, ʋakagadza Sauro aʋe mambo waʋo pamberi paJehova paGirgari, ʋakaɓayira’po ɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀokuyananisa pamberi paJehova; Sauro naʋarume ʋose ʋaIsraeri ʋakafara kwaɀo ipapo.