Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 10:1-27

1 Samueri 10:1-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino Samueri akatora chinu chamafuta akadurura pamusoro waSauro akamutsvoda uye akati, “Jehovha haana kukuzodza here kuti uve mutungamiri wenhaka yake? Pauchabva pandiri nhasi, uchasangana navarume vaviri pedyo neguva raRakeri, paZeriza pamuganhu waBhenjamini. Vachati kwauri, ‘Mbongoro dzawakaenda kundotsvaga dzakawanikwa. Zvino baba vako havachafungi nezvadzo asi vava kufunganya pamusoro pako. Vava kungobvunza vachiti, “Ndichaiteiko nezvomwanakomana wangu?” ’ “Ipapo uchapfuurira mberi kubva ipapo kusvikira wasvika pamuti mukuru weTabhori. Varume vatatu vanenge vachienda kuna Mwari kuBheteri vachasangana newe ipapo. Mumwe achange akatakura mbudzana nhatu, mumwe marofu matatu echingwa, uye mumwe dende rewaini. Vachakukwazisa vagokupa marofu maviri echingwa, auchatambira kubva kwavari. “Mushure maizvozvo uchaenda kuGibhea, Gomo raMwari, kune boka ravarwi vavaFiristia. Pamunenge mava kusvika kuguta iri, muchasangana nedungwe ravaprofita vachidzika kubva kunzvimbo yakakwirira, mitengeranwa, tambureni, nenyere nembira, zvichiridzwa mberi kwavo, uye vanenge vachiprofita. Mweya waJehovha uchauya pamusoro pako nesimba uye uchaprofita pamwe chete navo, uye uchashandurwa ugova mumwe munhu. Kana zviratidzo izvi zvangozadziswa, ita chinhu chipi nechipi chinowanikwa noruoko rwako kuti ruite, nokuti Mwari anewe. “Tungamira mberi kwangu udzike kuGirigari. Zvirokwazvo ndichauya kwauri kuti ndizobayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana, asi unofanira kundimirira kwamazuva manomwe kusvikira ndauya kwauri ndigokuudza zvaunofanira kuita.” Sauro akati achangotendeuka kuti abve pana Samueri, Mwari akashandura mwoyo waSauro, uye zviratidzo zvose izvi zvakazadziswa zuva iroro. Pavakasvika kuGibhea, akasangana neboka ravaprofita; Mweya waMwari wakauya pamusoro pake nesimba, uye akabatana navo mukuprofita kwavo. Vose vakanga vachimuziva kare vakati vamuona achiprofita pamwe chete navaprofita, vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi chaitika kumwanakomana waKishi? Sauro ava pakati pavaprofitawo here?” Mumwe murume aigarako akapindura achiti, “Zvino baba vavo ndiani?” Saka chakava chirevo chokuti, “Sauro ava pakati pavaprofitawo here?” Mushure mokunge Sauro apedza kuprofita, akaenda kunzvimbo yakakwirira. Zvino babamunini vaSauro vakamubvunza iye nomuranda wake vachiti, “Makanga muripiko?” Akapindura achiti, “Takanga tichitsvaga mbongoro. Asi patakaona kuti hadzisi kuzowanikwa takaenda kuna Samueri.” Babamunini vaSauro vakati, “Ndiudzei kuti Samueri akati kudii kwamuri.” Sauro akapindura achiti, “Akatiudza pachena kuti mbongoro dzakanga dzawanikwa.” Asi haana kuudza babamunini vake nezvoumambo zvakanga zvataurwa naSamueri. Samueri akadana vanhu veIsraeri kuna Jehovha paMizipa akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari weIsraeri: ‘Ndakabudisa Israeri muIjipiti, uye ndakakudzikinurai kubva kusimba reIjipiti noumambo hwose hwaikudzvinyirirai.’ Asi iye zvino maramba Mwari wenyu, anokuponesai panjodzi dzenyu nenhamo dzenyu. Uye makati, ‘Kwete, isai mambo pamusoro pedu.’ Saka zvino chiuyai pamberi paJehovha muri mumarudzi enyu nedzimba dzenyu.” Samueri paakauyisa marudzi eIsraeri pedyo, rudzi rwaBhenjamini rwakasarudzwa. Ipapo akauyisa mberi rudzi rwaBhenjamini, mhuri nemhuri, uye imba yaMatiri yakasarudzwa. Pakupedzisira, Sauro mwanakomana waKishi akasarudzwa. Asi pavakamutsvaka haana kuwanikwa. Saka vakabvunzazve Jehovha, vachiti, “Murume uyu ati auya pano here?” Zvino Jehovha akati, “Hongu, ahwanda pakati penhumbi.” Vakamhanya vakamuburitsa, uye paakamira pakati pavanhu, akanga akareba kupfuura vamwe vose kubva pamafudzi kusvika kumusoro. Samueri akati kuvanhu vose, “Muri kumuona here munhu asarudzwa naJehovha? Hapana mumwe munhu akaita saye pakati pavanhu vose.” Ipapo vanhu vakadanidzira vachiti, “Mambo ngaararame nokusingaperi!” Samueri akatsanangurira vanhu mitemo youmambo uhu. Akainyora pasi mubhuku akariisa pamberi paJehovha. Ipapo Samueri akaudza vanhu kuti vaende mumwe nomumwe kumba kwake. Sauro akaendawo kumba kwake kuGibhea, achiperekedzwa navarume voumhare vane mweya yakanga yabatwa naMwari. Asi dzimwe nhubu dzakati, “Murume uyu angatiponesa sei?” Vakamuzvidza vakasamuvigira zvipo. Asi Sauro akaramba anyerere.

1 Samueri 10:1-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Samueri akatora chinu chamafuta, akadurura pamusoro wake, akamutsvoda, akati, “Jehovha haana kukuzodza here kuti uve mutungamiriri wavanhu venhaka yake? “Kana ukabva kwandiri nhasi uchandowana varume vaviri parinda raRakeri, pamuganho waBhenjamini, paZeriza; ivo vachati kwauri, ‘Mbongoro dzawakanga uchitsvaka dzawanikwa; zvino, baba vako havachine hanya nembongoro, asi vofunganya pamusoro pako,’ vachiti ‘Ndichaita seiko pamusoro pomwanakomana wangu?’ Zvino uchabvapo ukapfuura mberi, ukasvika pamuouki weTabhori; ipapo uchasangana navarume vatatu vanokwira kuna Mwari paBhetieri, mumwe akatakura mbudzana nhatu, mumwe akatakura mapundu matatu ezvingwa, uye mumwe akatakura dende rewaini; ivo vachakukwazisa, ndokukupa mapundu maviri ezvingwa; ugamuchire izvozvo pamaoko avo. Pashure uchasvika pagomo raMwari pane boka ravarwi ravaFirisitia; zvino kana uchisvika paguta, uchasangana neboka ravaporofita vanoburuka padunhu rakakwirira vakatungamirirwa nemitengeranwa, nengoma, nenyere, nembira, vachingoporofita; “Ipapo Mweya waJehovha uchauya pamusoro pako nesimba, ukaporofita pamwechete navo, ukashanduka ukava mumwe munhu. Zvino kana zviratidzo izvi zvikaonekwa newe, uite chinhu chipi nechipi chaunoratidzwa kuti uchiite, nokuti Mwari anewe. Zvino unditungamirire Girigari; tarira, ini ndichaburukira kwauri, kuti ndibayire zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa; unofanira kundimirira mazuva manomwe, kusvikira ndauya kwauri, ndikuratidze zvaunofanira kuita.” Zvino wakati atendeuka, obva kuna Samueri, Mwari akamupa mumwe mwoyo; zviratidzo izvo zvose zvikaitika nomusi iwoyo. Vakati vachisvika pagomo, boka ravaporofita rikasangana naye; Mweya waMwari wakauya pamusoro pake nesimba, akaporofita pakati pavo. Zvino vose vaimuziva kare vakati vachiona izvozvo, kuti woporofita pamwechete navo, vanhu vakataurirana, vakati, “Chinyiko chawira mwanakomana waKishi? Sauro wava pakati pavaporofitawo here?” Zvino mumwe wapo akapindura, akati, “Baba vavo ndianiko?” Naizvozvo yakazova shumo kuti, “Ko Sauro wava pakati pavaporofita here?” Akati apedza kuporofita, akasvika padunhu rakakwirira. Babamunini vaSauro vakati kwaari, nokumuranda wake, “Makanga maendepiko?” Akati, “Kundotsvaka mbongoro, asi takati tichiona kuti hadziwanikwi, tikaenda kuna Samueri.” Babamunini vaSauro vakati, “Dondiudzawo zvamakaudzwa naSamueri.” Ipapo Sauro akati kuna babamunini vake, “Wakatiudza pachena, kuti mbongoro dzatowanikwa hadzo.” Asi haana kumuudza shoko roushe rakanga rataurwa naSamueri. Zvino Samueri akakoka vanhu kuna Jehovha paMizipa, akati kuvana vaIsiraeri, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, ‘Ndakabudisa vana vaIsiraeri paIjipiti, ndikakurwirai pamaoko avaIjipiti, napamaoko amadzimambo ose aikuremedzai; asi nhasi maramba Mwari wenyu, iye unokuponesai amene panjodzi dzenyu dzose nenhamo dzenyu,’ mukati kwaari, ‘Kwete, asi tigadzire mambo ungatibata.’ Naizvozvo zvino unganai pamberi paJehovha namarudzi enyu uye nezviuru zvenyu.” Naizvozvo Samueri akaswededza marudzi ose aIsiraeri, rudzi rwaBhenjamini rukabatwa. Akaswededza rudzi rwaBhenjamini, nedzimba dzarwo, imba yaMatiri ikabatwa; ipapo Sauro mwanakomana waKishi akabatwa; asi vakati vomutsvaka, akashaikwa. Naizvozvo vakabvunzazve Jehovha, vakati, “Iye munhu ari pano here?” Jehovha akapindura, akati, “Tarirai; wavanda pakati penhumbi.” Ipapo vakamhanya vakamutorapo; zvino wakati amira pakati pavanhu, akapfuura vanhu vose pakureba kubva pamafudzi ake kusvika kumusoro wake. Samueri akati kuvanhu vose, “Munoona wakatsaurwa naJehovha, kuti hakuna wakafanana naye pakati pavanhu vose here?” Vanhu vose vakadanidzira vachiti, “Mambo ngaararame.” Zvino Samueri akaudza vanhu tsika dzoushe, akadzinyora mubhuku, akazvichengeta pamberi paJehovha. Samueri akaendisa vanhu vose mumwe nomumwe kumba kwake. NaSaurowo wakaenda kumba kwake paGibhea, uye varume vose voumhare vakanga vabayiwa mwoyo yavo naMwari vakaendawo naye. Asi vamwe vakaisvoipa vakati, “Munhu uyu ungatiponesa seiko?” Vakamushora, vakasamuvigira zvipo. Asi iye wakaramba anyerere hake.

1 Samueri 10:1-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Zvino Samueri akatora chinu chamafuta akadururira mumusoro waSauro akamutsvoda akati, “Handiti Tenzi, izvozvi atokuzodza achikugadza kuti uve mutungamiriri wavanhu vake vaIsiraeri? Ndiwe uchatonga vanhu vaTenzi uchivanunurawo kuvavengi vavo vari munharaunda yavo. Chiratidzo chauchaziva nacho kuti Tenzi akuzodza achikugadza kuti uve mutungamiriri wavanhu vake ndechichi chokuti, paunobva pano pandiri iye nhasi uno uchandosangana navarume vaviri pedyo neguva raRakeri kumuganho wenyika yokwaBhenjamini kuZeriza vachakutaurira kuti, ‘Madhongi awakanga uchitsvaka akawanikwa.’ Asi zvino baba vako havasisiri kunetseka nezvemadhongi vava kutotambudzika mumwoyo pamusoro pako vachiti, ‘Ndoita waaniko nezvemwana wangu?’ Kana wabva ipapo uchienda mberi uchasvika napamuoku wokuTabheri. Ipapo uchasangana navarume vatatu vanenge vachienda kuna Mwari kuBhetieri. Mumwe achange akatakura mbudzana nhatu, mumwe akatakura zvingwa zvitatu, mumwewo achange akatakura chigubhu chematehwe chewaini. Vachakukwazisa vagokupa zvingwa zviviri. Iwe unofanira kuzvigamuchira. Uchazosvikawo kugomo rinonzi Gibheatierohimu ikoko kune kachikwata kavarwi vechiFirisitia. Wava kupinda muguta iroro uchasangana nedungwerungwe ravaporofita vachiburuka kunzvimbo yakatunhumara yokuteurira vachitungamirirwa navanhu vanenge vachiridza madimbwa nengoma nenyere nezvipendani, vachiporofita. “Mweya waTenzi achabva auyawo zvine simba guru kwazvo pauri iwe ugoporofita pamwechete navo. Iwe uchasanduka ukava mumwe munhu akasiyana nezvauri izvi. Ukange waona zviratidzo izvozvi zvaitika uite zvaunoona kuti zvinodiwa kuitwa nokuti Mwari anewe. Zvino iwe unozofanotungamira kuGirigari. Ini ndichakutevera kuzopira mipiro yokupisa nokupirawo zvibayiro zvokuwadzana. Unondimirirako kwamazuva manomwe kudzamara ndasvika ndigokuratidza zvokuita.” Sauro paakafuratira Samueri oenda zvake, Mwari akamupa mumwe mwoyo zviratidzo zvose izvi zvikabva zvaitika zuva iroro. Pavakasvika kuGibhea boka ravaporofita rakabvawo rasangana naye. Mweya waMwari wakabva wauyawo paari zvine simba guru kwazvo ndokubva ava kuporofita. Vose vaimbomuziva kare pavakamuona achiporofita kudaro navaporofita vakabvunzana vachiti, “Ko mwanakomana waKishi apindwa nei? Sauro avawo mumwe wavaporofita nhai?” Mumwewo murume weko akati, “Ko Baba vavo ndiani? Munoti iwo mweya wokuporofita unobva kunaaniko?” Ndokusaka kwakabva kwava netsumo yokuti, “Sauro avawo mumwe wavaporofita nhai?” Sauro paakapedza kuporofita akaenda kunzvimbo yepo yakatunhumara yokuteurira. Baba mudiki vaSauro vakabvunza iye Sauro nomuranda wake kuti, “Makanga muri kupiko?” Sauro ndokuti, “Takanga tichitsvaka madhongi. Asi patakaona kuti haasi kuwanikwa taashaya takazoenda kuna Samueri.” Baba mudiki vaSauro vakati, “Tipirewoka tinzwe zvamakaudzwa naSamueri?” Sauro akapindura baba mudiki wake achiti, “Akanyatsotizivisa pachena kuti madhongi akawanikwa.” Asi nenyaya yezvoumambo yaakanga audzwa naSamueri, hapana kana chaakavataurira. Samueri akakokera kuti vanhu vaungane kuna Tenzi kuMizipa akataurira vaIsiraeri achiti, “Zvanzi naTenzi Mwari wavaIsiraeri, ‘Ndakaburitsa vaIsiraeri muIjipiti ndikakununurai mumaoko avaIjipiti nomumaoko amadzimambo ose aikubatai zvakaipa.’ Asi imi nhasi uno maramba Mwari wenyu anokununurai munjodzi dzenyu nomunhamo dzenyu dzose. Asi imi mati, ‘Kwete, itotigadzirai mambo wokutitonga!’ Saka zvino chiuyai pana Tenzi muri dzinza nedzinza, imba nemba.” Samueri paakapinza madzinza ose avaIsiraeri mudariro, dzinza rokwaBhenjamini ndorakabva rabatwa nechin'ange. Vakazopinza dzinza rokwaBhenjamini mudariro imba nemba, imba yokwaMatiri ikabatwa nechin'ange. Vakazopinza vemba yokwaMatiri mudariro mumwechete mumwechete, chin'ange chikabata Sauro mwanakomana waKishi. Asi zvino pavakati vamutsvake vakamushaya. Saka vakabvunzazve kuna Tenzi vachiti, “Ko munhu iyeyo ambouya here?” Tenzi ndokupindura achiti, “Ehe auya. Akahwanda zvake mukati memikwende.” Vakamhanya vakandomutora ikoko. Paakamira pakati pavanhu akanga akapfuura vanhu vose kureba, vamwe vose vachingomirira mumapendekete make. Samueri akati kuvanhu vose, “Mamuonaka munhu akasarudzwa naTenzi? Hakuna mumwe angaenzaniswe naye.” Vanhu vose vakadaidzira vachiti, “Mambo! Hekani waro, ngazvigare zvakadaro!” Samueri akataurira vanhu mitemo inofanira kutevedzwa munyika inenge ichitongwa namambo. Akanyora bumbiro remitemo iyoyi akandoisa bhuku racho pana Tenzi. Samueri akati vanhu vose vachienda zvavo kumisha yavo. Sauro akaendawo kumusha kwake kuGibhea. Akaendawo navamwe varume, mvumba chaidzo dzokurwa vakanga vabatwa mwoyo naMwari. Asi vamwewo vanhu vasina namaturo ese vakati, “Munoti iyeyu akadai ndiye angatiponese iyeyu?” Vakamushora vakarega kumupa zvipo. Asi Sauro haana zvake zvaakataura.

1 Samueri 10:1-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Samueri akatora cinu camafuta, akaaɗurura pamusoro wake, akamuȿeta, akati: Jehova haana‐kukuzodza here kuti uʋe mutuŋgamiriri waʋanhu ʋenhaka yake? Kana ukabva kwandiri nhasi, ucandowana ʋarume ʋaʋiri parinda raRakeri, pamuganho waBenjamini, paZerza; iʋo ʋacati kwauri: Mboŋgoro dzawakaŋga ucitȿaka dzawanikwa; ɀino tarira, ɓaɓa ʋako haʋacinehanya nemboŋgoro, asi ʋofuŋganya pamsoro pako, ʋaciti: Ndicaita seiko pamsoro pomŋanakomana waŋgu? Ɀino ucabva’po ukapfuʋura mberi, ukaȿika pamuouki weTabori; ipapo ucasoŋgana naʋarume ʋatatu ʋanokwira kunaMŋari paBeti‐eri, mumŋe akatakura mbudzana nhatu, mumŋe akatakura mapundu matatu eɀiŋgwa, ʋuye mumŋe akatakura ɗende rewaini; iʋo ʋacakukwazisa, ndokukupa mapundu maʋiri eɀiŋgwa; ugamucire iɀoɀo pamaʋoko aʋo. Pashure ucaȿika pagomo raMŋari, paneɓoka raʋarwi raʋaFiristia; ɀino kana uciȿika paguta, ucasoŋgana neɓoka raʋaprofita ʋanoɓuruka paɗunhu rakakwirira ʋakatuŋgamirirwa nemiteŋgeranwa, neŋgoma, nenyere, nembira, ʋaciŋgoprofita; ipapo Mŋeya waJehova ucaʋuya pamsoro pako nesimba, ukaprofita pamŋe cete naʋo, ukashanduka ukaʋa mumŋe munhu. Ɀino kana ɀiratidzo iɀi ɀikaʋonekwa newe, uite cinhu cipi necipi caunoratidzwa kuti uciite, nokuti Mŋari unewe. Ɀino undituŋgamirire Girgari; tarira, ini ndicaɓurukira kwauri, kuti ndiɓayire ɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa; unofanira kundimirira mazuʋa manomŋe, kuȿikira ndaʋuya kwauri, ndikuratidze ɀaunofanira kuita. Ɀino wakati atendeʋuka, obva kunaSamueri, Mŋari akamupa mumŋe mŋoyo; ɀiratidzo iɀo ɀose ɀikaitika nomusi iwoyo. Ʋakati ʋaciȿika pagomo, ɓoka raʋaprofita rikasoŋgana naye; Mŋeya waMŋari akaʋuya pamsoro pake nesimba, akaprofita pakati paʋo. Ɀino ʋose ʋaimuziʋa kare ʋakati ʋaciʋona iɀoɀo, kuti woprofita pamŋe cete naʋo, ʋanhu ʋakataurirana, ʋakati: Cinyiko cawira mŋanakomana waKishi? Sauro waʋa pakati paʋaprofita ʋo here? Ɀino mumŋe wa’po akapindura, akati: Ƃaɓa ʋaʋo ndianiko? Naiɀoɀo yakazoʋa shumo kuti: Ko Sauro waʋa pakati paʋaprofita here? Akati apedza kuprofita, akaȿika paɗunhu rakakwirira. Ƃaɓamunini ʋaSauro ʋakati kwaari, nokumuranda wake: Makaŋga maendepiko? Akati: Kundotȿaka mboŋgoro, asi takati ticiʋona kuti hadziwanikwi, tikaenda kunaSamueri. Ƃaɓamunini ʋaSauro ʋakati: Ƌondiʋudza ʋo ɀamakaʋudzwa naSamueri. Ipapo Sauro akati kunaɓaɓamunini ʋake: Wakatiʋudza pacena, kuti mboŋgoro dzatowanikwa hadzo. Asi haana‐kumuʋudza shoko roʋushe rakaŋga rataurwa naSamueri. Ɀino Samueri akakoka ʋanhu kunaJehova paMizpa, akati kuʋana ʋaIsraeri: Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Ndakaɓuɗisa ʋana ʋaIsraeri paEgipita, ndikakurwirai pamaʋoko aʋaEgipita, napamaʋoko amadzimambo ose aikuremedzai; asi nhasi maramba Mŋari wenyu, iye unokuponesai amene panjodzi dzenyu dzose nenhamo dzenyu, mukati kwaari: Kwete, asi tigadzire mambo uŋgatiɓata. Naiɀoɀo ɀino ʋuŋganai pamberi paJehova namarudzi enyu ʋuye neɀuru ɀenyu. Naiɀoɀo Samueri akasweɗedza marudzi ose aIsraeri, rudzi rwaBenjamini rukaɓatwa. Akasweɗedza rudzi rwaBenjamini, nedzimba dzarwo, imba yaMatri ikaɓatwa; ipapo Sauro mŋanakomana waKishi akaɓatwa; asi ʋakati ʋomutȿaka, akashaikwa. Naiɀoɀo ʋakabvunza ɀe Jehova, ʋakati: Iye munhu uri pano here? Jehova akapindura, akati: Tarirai, waʋanda pakati penhumbi. Ipapo ʋakamhanya ʋakamutora’po; ɀino wakati amira pakati paʋanhu, akapfuʋura ʋanhu ʋose pakureɓa kubva pamafudzi ake kuȿika kumusoro wake. Samueri akati kuʋanhu ʋose: Munoʋona wakatsaurwa naJehova, kuti hakuna‐wakafanana naye pakati paʋanhu ʋose here? Ʋanhu ʋose ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Mambo ŋgaararame. Ɀino Samueri akaʋudza ʋanhu tsika dzoʋushe, akadzinyora mubuku, akaɀiceŋgeta pamberi paJehova. Samueri akaendisa ʋanhu ʋose mumŋe nomumŋe kumba kwake. NaSauro ʋo wakaenda kumba kwake paGibea, ʋuye ʋarume ʋose ʋoʋumhare ʋakaŋga ʋaɓayiwa mŋoyo yaʋo naMŋari ʋakaenda ʋo naye. Asi ʋamŋe ʋakaiȿo‐ipa ʋakati: Munhu uyu uŋgatiponesa seiko? Ʋakamushoʋora, ʋakasamuʋigira ɀipo. Asi iye wakaramba anyerere hake.

1 Samueri 10:1-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)