1 Samueri 1:3-7
1 Samueri 1:3-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Gore negore murume uyu aibuda achibva muguta rake kuti andonamata nokubayira zvibayiro kuna Jehovha Wamasimba Ose paShiro, Hofini naFinehasi, vanakomana vaEri, vari vaprista vaJehovha. Nguva dzose zuva rokuti Erikana abayire chibayiro raiti kana rasvika, aipa migove yenyama kumukadzi wake Penina nokuvanakomana vake navanasikana vake vose. Asi aipa Hana mugove wakapetwa kaviri nokuti aimuda, uye Jehovha akanga azarira chibereko chake. Zvino nokuti Jehovha akanga azarira chibereko chake, muvengi wake Penina akaramba achingomudenha kuti amutsamwise. Izvi zvakaitika gore negore. Nguva dzose Hana paaienda kuimba yaJehovha, muvengi wake aimudenha kusvikira achema obva atadza kudya.
1 Samueri 1:3-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino murume uyu waisikwira gore rimwe nerimwe achibva kuguta rake kundonamata nokubayira Jehovha wehondo paShiro. Vanakomana vaviri vaEri, Hofini naPinehasi, vakanga varipo vari vapristi vaJehovha Zvino zuva rokubayira kwake rakati rasvika, Erikana akapa mukadzi wake Penina, navanakomana vake vose navanasikana vake migove yavo; asi Hana wakamupa migove miviri; nokuti wakanga achida Hana, asi Jehovha wakanga azarira chizvaro chake. Zvino muvengi wake Penina akamunetsa kwazvo, kuti azvidye mwoyo, nokuti Jehovha wakazarira chizvaro chake. Akaita saizvozvo gore rimwe nerimwe, kana achikwira kuimba yaJehovha; akamunetsa saizvozvo, saka wakachema, akaramba kudya.
1 Samueri 1:3-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Murume iyeyu aipota achienda kuShiro kundonamata nokundopira zvibayiro kuna Tenzi Samasimbaose gore negore achibva kuguta rokwake. Vanakomana vaEri vana Hofuni naFinehasi ndovaiva vapristi vaTenzi ikoko. Zuva raipira Erikana chibayiro aipa migove kune mukadzi wake Penina navana vake vose vakomana navasikana. Kunyange zvazvo Erikana aida Hana aizongomupawo mugove mumwechete bedzi nokuti Tenzi akanga asina kumupa mbereko. Uyewo mukadzin'ina wake aimudadira kwazvo kumusvotesa nokuti Tenzi akanga asina kumupa mbereko. Zvaingoramba zvichingodaro nguva nenguva gore negore paingoenda chete Hana kumba yaTenzi aingodadirwa naPenina. Naizvozvo Hana akazochema akaramwa zvokudya.
1 Samueri 1:3-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino murume uyu waisikwira gore rimŋe nerimŋe acibva kuguta rake kundonamata nokuɓayira Jehova wehondo paShiro. Ʋanakomana ʋaʋiri ʋaEri, Hofni naPinehasi, ʋakaŋga ʋari’po ʋari ʋaprista ʋaJehova. Ɀino zuʋa rokuɓayira kwake rakati riciȿika, Erikana akapa mukadzi wake Penina, naʋanakomana ʋake ʋose naʋanasikana ʋake migoʋe yaʋo; asi Hana wakamupa migoʋe miʋiri; nokuti wakaŋga aciɗa Hana, asi Jehova wakaŋga azarira ciɀaro cake. Ɀino muʋeŋgi wake akamunetsa kwaɀo, kuti aɀidye mŋoyo, nokuti Jehova wakazarira ciɀaro cake. Akaita saiɀoɀo gore rimŋe nerimŋe, kana acikwira kuimba yaJehova; akamunetsa saiɀoɀo, saka wakacema, akaramba kudya.
1 Samueri 1:3-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)