Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Samueri 1

1
A: ERI NEMHURI YAKE ARI KUSHIRO, SAMUERI SEMWANA
1Muguta reRamataimuzofimu, munyika yamakomo yokwaEfuremu maiva nomumwe murume ainzi Erikana mwana waJeroharamu. Jeroharamu akaberekwa naErihu, Erihu akaberekwawo naTohu mwanakomana waZufu wedzinza rokwaEfuremu. 2Erikana aiva navakadzi vaviri, wokutanga ainzi Hana wechipiri achinzi Penina. Penina aiva navana asi Hana akanga asina vana. 3Murume iyeyu aipota achienda kuShiro kundonamata nokundopira zvibayiro kuna Tenzi Samasimbaose gore negore achibva kuguta rokwake. Vanakomana vaEri vana Hofuni naFinehasi ndovaiva vapristi vaTenzi ikoko. 4Zuva raipira Erikana chibayiro aipa migove kune mukadzi wake Penina navana vake vose vakomana navasikana. 5Kunyange zvazvo Erikana aida Hana aizongomupawo mugove mumwechete bedzi nokuti Tenzi akanga asina kumupa mbereko. 6Uyewo mukadzin'ina wake aimudadira kwazvo kumusvotesa nokuti Tenzi akanga asina kumupa mbereko. 7Zvaingoramba zvichingodaro nguva nenguva gore negore paingoenda chete Hana kumba yaTenzi aingodadirwa naPenina. Naizvozvo Hana akazochema akaramwa zvokudya. 8Murume wake Erikana akamuti, “Nhai Hana, unochemeiko? Uri kurambirei chokudya? Washaiswa neiko rufaro mumwoyo? Kwauri handiti ndinotokunda gumi ravana vakomana?”
Mupristi Eri naHana
9Kuzoti apedza kudya nokunwa ari kuShiro ikoko, Hana akasimuka zvake, izvozvo mupristi Eri akanga agere pachigaro pedyo nebango rapamusuo weTemberi yaTenzi. 10Hana akanga achitoshungurudzwa kwazvo mumwoyo achinamata kuna Tenzi achichema zvinosiririsa. 11Akapika mhiko achiti, “Tenzi Samasimbaose! Kana imi mukanyatsoongorora zvenyu kutambura kwandiri kuita ini muranda wenyu, uye mukandiyeuka mukarega kundikanganwa, mukandipawo zvenyu mwana mukomana, ndinomupa kwamuri imi Tenzi upenyu hwake hwose, haazombofa akaveurwa musoro.”
12Paainamata kuna Tenzi kwenguva ndefu kudaro Eri akaongorora muromo wake. 13Hana akanga achinamata nechomumwoyo, miromo yake ndiyo chete yaaimengenyedza, izwi rake risinganzwiki, nezvo Eri akabva afunga kuti Hana araradza. 14Eri ndokumuti, “Unosvikira rini wakararadza kudai? Siyana newaini yako iyi.”
15Asi Hana akapindura achiti, “Aiwa changamire. Ini ndiri mudzimai ari kushungurudzika kwazvo mumwoyo. Handina kana kunwa waini kunyange doro zvaro. Chiripo ndechokuti ndanga ndichidurura nhuna dzomwoyo wangu kuna Tenzi. 16Musafungire kuti muranda wenyu ndiri mukadzi asina maturo nokuti ndanga ndichigurukuta zvinondinetsa nokusvoteswa kwandinoitwa.”
17Eri akamupindura achiti, “Enda zvako norugare. Mwari wavaIsiraeri ngaakupe zvawamukumbira.” 18Hana akati, “Dai imi mukaramba muchindiyeukawo ini muranda wenyu.” Mudzimai uyu akaenda zvake akandodya, uso hwake hwakanga hwatosununguka?
Kuberekwa kwaSamueri nokuturirwa kwake kuna Mwari
19Akafumomuka mangwanani akanamata ari pana Tenzi, ndokuzodzokera zvake kumusha kwake kuRama. Erikana akazogara nomudzimai wake Hana, Tenzi ndokubva ayeuka Hana. 20Nokufamba kwenguva Hana vakabata pamuviri akasununguka mwana mukomana, akamutumidza zita rokuti Samueri nokuti akati, “Ndakamukumbira kuna Tenzi.”
21Murume uyu Erikana pamwechete nemhuri yake yose akakwira kundopira kuna Tenzi mupiro wechibayiro wegore negore nowokuripa zvaakatsidza. 22Asi Hana haana kukwirawo ikoko nokuti akanga ati kumurume wake, “Mwana uyu akange angorumurwa ndichaenda nayeko kuti anovawo pana Tenzi, agareko narini wose.”
23Murume wake, Erikana ndokumuti, “Ita zvako zvaunoonawo kuti zvakanaka umirire kudzamara arumurwa. Chete dai Tenzi akakubatsira kuti uzadzise mhiko yako.” Saka mudzimai uyu akasara achirera mwana wake kusvikira amurumura.
24Kuzoti arumura mwana wake akaenda naye pamwechete nechihandira chine makore matatu, noupfu hwekoroni hunorema makirogiramu gumi, nechigubhu chewaini chedehwe ndokuenda naye kumba yaTenzi kuShiro achiri ndumurwa kudaro. 25Vakati vauraya handira, vakaenda nomwana kuna Eri. 26Hana uyu ndokuti, “Changamire ndinopika zvechokwadi kuti ndini mudzimai uya changamire akambomira pano pamaiva achinamata kuna Tenzi. 27Ndaikumbira mwana uyu. Tenzi akanzwa chichemo chandakasvitsa kwaari. 28Naizvozvo mwana uyu ndamupa kuna Tenzi. Upenyu hwake hwose zvahwo ava munhu apiwa kuna Tenzi.” Vakanamata Tenzi ikoko.

Zvasarudzwa nguva ino

1 Samueri 1: SCLBD

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda