1 Petro 3:1-8
1 Petro 3:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saizvozvo nemiwo vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu kuitira kuti, kana vamwe vavo vasingatendi shoko, vangadzorwa namafambiro avakadzi vavo pasina shoko rarehwa, pavanoona kuchena nokuremekedzwa kwoupenyu hwenyu. Runako rwenyu ngarurege kubva pakushonga kwokunze, kwakadai sebvudzi rakarukwa uye nokushonga zvishongo zvegoridhe nenguo dzakaisvonaka. Asi, runofanira kuva rwomunhu womukati, iko kunaka kusingaori kwounyoro nekwomweya wakapfava, kunova ndiko kunokosha pamberi paMwari. Nokuti vaizvishongedza saizvozvi vakadzi vatsvene vakare avo vaiisa tariro yavo muna Mwari. Vakanga vachizviisa pasi pavarume vavo chaivo, saSara, akateerera Abhurahama akamuti ishe wake. Muri vanasikana vake kana muchiita zvakanaka uye musingapi kutya nzvimbo. Saizvozvo, varume, garai zvakanaka navakadzi venyu, uye muvabate norukudzo somudziyo usina simba uye savadyi venhaka pamwe chete nemi, yechipo chinokosha choupenyu, kuti parege kuva nechinodzivisa minyengetero yenyu. Pakupedzisira, imi mose, mugare norugare mumwe nomumwe wenyu; munzwirane ngoni, mudanane sehama, munzwirane tsitsi uye muzvininipise.
1 Petro 3:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saizvozvo, imi vakadzi, ivai pasi pavarume venyu; kuti kunyange kana vamwe vasingateereri shoko, vadzorwe nomufambiro wavakadzi vavo pasina shoko rinorehwa, kana vachiona mufambiro wenyu, wakachena pamwechete nokutya Mwari. Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwokunze, kwokuruka vhudzi, nokushonga ndarama, kana kupfeka nguo; asi ngakuve munhu akavanzikawo mwoyo, akashonga zvisingaori zvomweya munyoro wakanyarara, unokosha, zvikuru pamberi paMwari. Nokuti saizvozvowo kare vakadzi vatsvene, vaitarira kuna Mwari, vakazvishongedza, vachizviisa pasi pavarume vavo, saSara waiteerera Abhurahamu, achimuti, “Ishe,” mava vana vake zvino, kana muchiita zvakanaka, musingatyiswi nechinhu chipi nechipi chinovhundusa. Saizvozvo imi varume, garai navakadzi venyu nokuziva, muchikudza mukadzi muchiti ndiye mudziyo une simba duku kwamuri, zvavari vadyi venhaka dzenyasha dzoupenyu pamwechete nemi; kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa. Pakupedzisira, muve nomwoyo mumwe mose, munzwirane ngoni, mude hama, muve nomwoyo munyoro, muzvininipise
1 Petro 3:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndizvo zvimwechetewo nemi madzimai zviisei pasi pavarume venyu kuti vamwe vavo kunyange vasingateereri shoko, vanogona kubatwa mwoyo nomugariro wavakadzi vavo pasina chataurwa, kana vaona kuremekedza kwenyu noupenyu hwenyu hwakachena. Kuzvishongedza kwenyu ngakurege kuva kokunze zvakaita sokugadzira vhudzi nokuzvishongedza nendarama nokupfeka hanzu dzamandiriri. Runako rwenyu ngaruve rwohunhu hwakavandika rwomumwoyo nechishongo chisingaparari chomweya wakapfava worunyararo wakakosha kwazvo pana Mwari. Saizvozvo ndizvo zvaiitwa navakadzi vakare vatsvene vaiva nechitarisiro muna Mwari. Vaizvishongedza nokuzviisa pasi pavarume vavo sokuteerera Abhurahumu kwakaita Sara achimuti Tenzi. Zvino imi ndimi vana vake kana mukaita zvakanaka musina chamunotya. Ndizvozvowo nemi varume, munofanira kugara navakadzi venyu nokunzwisisa muchivaremekedza savanhu vasina simba serenyu. Varemekedzei nokuti vachagamuchira pamwechete nemi chipo choupenyu kuti minamato yenyu irege kupingidzwa. Pokupedzisira, mose zvenyu ivai nomwoyo mumwechete muchinzwirana urombo muchidanana sehama nehama nokuva nomwoyo munyoro nomwoyo wokuzvirereka.
1 Petro 3:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saiɀoɀo, imi ʋakadzi, iʋai pasi paʋarume ʋenyu; kuti kunyaŋge kana ʋamŋe ʋasiŋgatereri shoko, ʋadzorwe nomufambire waʋakadzi ʋaʋo pasineshoko rinorebga, kana ʋaciʋona mufambire wenyu, wakacena pamŋe cete nokutya Mŋari. kushoŋga kwenyu ŋgakurege kuʋa kwokunze, kwokuruka vudzi, nokushoŋga ndarama, kana kupfeka ŋguʋo; asi ŋgakuʋe munhu wakaʋanzika womŋoyo, wakashoŋga ɀisiŋgaʋori ɀomŋeya munyoro wakanyarara, unokosha, ɀikuru pamberi paMŋari. Nokuti saiɀoɀo ʋo kare ʋakadzi ʋatȿene, ʋaitarira kunaMŋari, ʋakaɀishoŋgedza, ʋaciɀiisa pasi paʋarume ʋaʋo, saSara waiterera Abrahama, acimuidza ishe; maʋa ʋana ʋake ɀino, kana muciita ɀakanaka, musiŋgatyiswi necinhu cipi necipi cinovundusa. Saiɀoɀo imi ʋarume, garai naʋakadzi ʋenyu nokuziʋa, mucikudza mukadzi muciti ndiye mudziyo unesimba ɗuku kwamuri, ɀaʋari ʋadyi ʋenhaka dzenyasha dzoʋupenyu pamŋe cete nemi; kuti minyeŋgetero yenyu irege kudziʋiswa. Pakupedzisira, muʋe nomŋoyo mumŋe mose, munzwirane ŋgoni, muɗe hama, muʋe nomŋoyo munyoro, muɀininipise
1 Petro 3:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)