Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Petro 2:9-25

1 Petro 2:9-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Asi imi muri vanhu vakasanangurwa, uprista hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaMwari chaivo, vaakadana kuti muparidze kunaka kwaiye akakudanai kuti mubve murima, muuye muchiedza chake chinoshamisa. Kare makanga musiri vanhu, asi zvino mava vanhu vaMwari; kare makanga musinganzwirwi ngoni, asi zvino makagamuchira ngoni. Vadikani, ndinokukurudzirai, savatorwa navaeni munyika, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama, kunorwa nomweya wenyu. Mugare upenyu hwakanaka pakati pavahedheni kuti, kunyange vachikupomerai mhosva, vaone mabasa enyu akanaka vagokudza Mwari pazuva raanotishanyira. Muzviise pasi pamasimba ose akagadzwa pakati penyu navanhu nokuda kwaIshe: angava mambo, saiye mutongi mukuru, kana vabati, vakatumwa naye kuti vazoranga vaya vanoita zvakaipa uye kuti varumbidze vaya vanoita zvakanaka. Nokuti kuda kwaMwari kuti, nokuita zvakanaka, muchanyaradza kusaziva kwamapenzi. Garai savanhu vakasununguka, asi musingaiti kuti kusununguka kwenyu kuve chifukidzo chezvakaipa; garai savaranda vaMwari. Kudzai vanhu vose norukudzo chairwo: Idai hama dzose, ityai Mwari, kudzai mambo. Varanda, zviisei pasi pavatenzi venyu nokukudza kwose, kwete kuna avo vakanaka navane hanya bedzi, asi nokuna vayawo vane hasha. Nokuti zvinorumbidzwa kana munhu achitsungirira ari pasi pokurwadziwa nokutambudzika kusakafanira nokuti anoziva kuti Mwari ariko. Asi mungarumbidzwa sei kana muchirohwa nokuda kwokuita zvakaipa uye muchitsunga mazviri? Asi kana muchitambudzika nokuda kwokuti munoita zvakanaka uye muchitsunga mazviri, izvozvo zvinorumbidzwa pamberi paMwari. Makadanirwa izvozvi, nokuti Kristu akatambudzika nokuda kwenyu, akakusiyirai muenzaniso, kuti mutevere makwara ake. “Haana kutadza, uye kunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make.” Pavakamutuka, haana kudzorera; paakatambudzika, haana kutyisidzira. Asi, akazviisa kuna iye anotonga nokururama. Iye pachake akatakura zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuitira kuti isu tife kuzvivi tigorarama zvakarurama; namavanga ake imi makaporeswa. Nokuti imi makanga makaita samakwai akarasika, asi zvino madzokera kuMufudzi noMutariri wemweya yenyu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Petro 2

1 Petro 2:9-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Asi imi muri rudzi rwakasanangurwa, upristi hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaakazviwanira, kuti muparidze kunaka kwaiye akakudanai, kuti mubve parima muuye kuchiedza chake chinoshamisa. Imi kare makanga musi vanhu; asi zvino muri vanhu vaMwari; makanga musinganzwirwi ngoni, asi zvino manzwirwa ngoni. Vadikanwi, ndinokumbira zvikuru kwamuri, zvamuri vatorwa navaeni, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama kunorwa nomweya; mufambiro wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni; kuti pavanokupomerai vachiti munoita zvakaipa, varumbidze Mwari nezuva rokushanyira kana vachiona mabasa enyu akanaka. Muzviise pasi pechirevo chimwe nechimwe chavanhu nokuda kwaIshe: kana ari mambo, nokuti ndiye mukuru; kana vari vabati, nokuti vakatumwa naye kuti vatsive vanoita zvakaipa, uye varumbidze vanoita zvakanaka. Nokuti ndiko kuda kwaMwari, kuti nokuita kwenyu zvakanaka munyaradze kusaziva kwamapenzi; savanhu vakasununguka, musingaiti kusununguka kwenyu kuti chive chifukidzo chezvakaipa, asi muve varanda vaMwari. Kudzai vanhu vose. Idai hama dzose. Ityai Mwari. Kudzai mambo. Varanda, teererai vatenzi venyu nokutya kwose, musingazviiti kuna vakanaka navanyoro bedzi, asi kuna vasakaruramawo. Nokuti ndidzo nyasha kana munhu achitsungirira mukutambudzika nokuda kwehana kuna Mwari, achitamubudzika asina mhosva. Nokuti kune rumbidzo yeiko, kana muchitsungirira matadza, mukarohwa? Asi kana mukatsungirira kana muchiita zvakanaka mukatambudzika, izvozvo inyasha kuna Mwari. Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu zvaakakutambudzikiraiwo, akakusiyirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake; iye asina kuita zvivi, nokunyengera hakuna kuonekwa mumuromo make; iye akati achitukwa, haana kutukazve; akati achitambudzika, haana kutyisidzira; asi akaisa mhaka yake kuna iye anotonga zvakarurama; iye akatakura amene zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuti isu, kana tafa kuzvivi, tiraramire zvakarurama; iye wamakaporeswa namavanga ake. Nokuti makanga makatsauka samakwai; asi zvino madzokera kumufudzi nomutariri wemweya yenyu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Petro 2

1 Petro 2:9-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Asi imi muri rudzi rwakasarudzwa, vapristi vokumba huru, rudzi runoera, vanhu vaMwari kuti muparidze mabasa anoshamisa ouya akakudaidzai kuti mubve murima muchipinda muchiedza chake chinoshamisa. Makambenge musiri rudzi, asi iye zvino mava rudzi rwaMwari. Makambenge musina kuitirwa tsitsi asi zvino makaitirwa tsitsi. Vadikanwi ndinokukurudzirai savauyi navatorwa kuti musiyane nehavi dzomuviri dzinorwisana nemweya wenyu. Ivai nomugariro wakanaka mukati mevechirudzi kuti kana vakakurevai savanhu vanoita zvakaipa vazoona mabasa enyu akanaka vagorumbidza Mwari paanokushanyirai. Pamusana paTenzi, zviisei pasi pavanhu vakagadzwa ukuru pakati pavanhu, pangave pasi pamambo somukuru mukuru, kana kumasadunhu vaanenge atuma kundoranga vanoita zvakaipa nokurumbidza vanoita zvakanaka. Chikonzero chacho ndechokuti, nokuita zvakanaka munopwisa kutaura kusina maturo kwavanhu vasina zvavanoziva. Garai savanhu vanerusununguko, asi musingasevenzesi rusununguko rwenyu sechinhu chokuhwanda nacho mukuita zvakaipa, asi garai savaranda vaMwari. Remekedzai vanhu vose, idanai navose nevehama. Ityai Mwari, muremekedze mambo. Vashandi zviisei pasi pavatenzi venyu norukudzo rwose, kwete kune vane mwoyo wakanaka chete kana kuna vane mwoyo munyoro asi kunyange kune vakaoma mwoyo, nokuti chikomborero kuti munhu anotirira zvake nhamo, iye achitambudzika zvisina ruenzaniso, pari pamusana pokuti anoziva kuti kuna Mwari. Unowana mubayiro wei kana ukatirira iwe waroverwa kuita zvakaipa? Asi kana ukaita zvakanaka iwe ugotambudzika nokuda kwazvo iwe ukatirira zvako, chikomborero ichocho pana Mwari. Izvi ndizvoka zvamakadaidzirwa nokuti Kristu akakutambudzikiraiwo achikusiirai muenzaniso kuti mutevere makwara ake. Haana kumbopara chitadzo. Hapana unyengedzi hwakambowanikwa pamuromo pake. Paakanyombwa haana kudzorera nokunyombawo. Paakarwadziwa haana kuti muchazviona asi akavimba naiye anotonga zvino ruenzaniso. Iye akatakura zvitadzo zvedu mumuviri wake pamuti kuti isu zvokutadza tisiyanenazvo tigare upenyu hwoururami. Makarapwa namaronda ake nokuti makanga muchitetereka sehwai asi iye zvino makadzokera kuMufudzi noMuchengeti wemweya yenyu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Petro 2

1 Petro 2:9-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Asi imi muri rudzi rwakasanaŋgurwa, ʋuprista bgamambo, rudzi rutȿene, ʋanhu ʋaakaɀiwanira, kuti muparidze kunaka kwaiye wakakuɗanai, kuti mubve parima muʋuye kuciedza cake cinoshamisa. Imi kare makaŋga musi ʋanhu; asi ɀino muri ʋanhu ʋaMŋari; makaŋga musiŋganzwirwi ŋgoni, asi ɀino manzwirwa ŋgoni. Ʋaɗikanwa, ndinokumbira ɀikuru kwamuri, ɀamuri ʋatorwa naʋaeni, kuti muɀidzore pakuciʋa kwenyama kunorwa nomŋeya; mufambire wenyu uʋe wakanaka pakati paʋahedeni; kuti paʋanokupomerai ʋaciti munoita ɀakaipa, ʋarumbidze Mŋari nezuʋa rokushanyira, kana ʋaciʋona maɓasa enyu akanaka. Muɀiise pasi pecireʋo cimŋe necimŋe caʋanhu nokuɗa kwaShe: kana ari mambo, nokuti ndiye mukuru; kana ʋari ʋaɓati, nokuti ʋakatumŋa naye kuti ʋatsiʋe ʋanoita ɀakaipa, ʋuye ʋarumbidze ʋanoita ɀakanaka. Nokuti ndiko kuɗa kwaMŋari, kuti nokuita kwenyu ɀakanaka munyaradze kusaziʋa kwamapenzi; saʋanhu ʋakasunuŋguka, musiŋgaiti kusunuŋguka kwenyu kuti ciʋe cifukidzo ceɀakaipa, asi muʋe ʋaranda ʋaMŋari. Kudzai ʋanhu ʋose. Iɗai hama dzose. Ityai Mŋari. Kudzai mambo. Ʋaranda, tererai ʋatenzi ʋenyu nokutya kwose, musiŋgaɀiiti kunaʋakanaka naʋanyoro ɓedzi, asi kunaʋasakarurama ʋo. Nokuti ndidzo nyasha kana munhu acitsuŋgirira pakutambudzika nokuɗa kwehana kunaMŋari, acitambudzika asinemhoȿa. Nokuti kunerumbidzo yeiko, kana mucitsuŋgirira matadza, mukarobga? Asi kana mukatsuŋgirira kana muciita ɀakanaka mukatambudzika, iɀoɀo inyasha kunaMŋari. Nokuti makaɗanirwa iɀoɀo, Kristu ɀaakakutambudzikirai ʋo, akakusiyirai mufananidzo, kuti muteʋere makwara ake; iye usina‐kuita ɀiʋi, nokunyeŋgera hakunakuʋonekwa mumuromo make; iye wakati acitukwa, haana‐kutuka ɀe; wakati acitambudzika, haana‐kutyisidzira; asi wakaisa mhaka yake kunaiye unotoŋga ɀakarurama; iye wakatakura amene ɀiʋi ɀeɗu mumuʋiri wake pamuti, kuti isu, kana tafa kuɀiʋi, tiraramire ɀakarurama; iye wamakaporeswa namaʋaŋga ake. Nokuti makaŋga makatsauka samakwai; asi ɀino madzokera kumufudzi nomutariri wemŋeya yenyu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu 1 Petro 2

1 Petro 2:9-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)