Asi imi muri rudzi rwakasanaŋgurwa, ʋuprista bgamambo, rudzi rutȿene, ʋanhu ʋaakaɀiwanira, kuti muparidze kunaka kwaiye wakakuɗanai, kuti mubve parima muʋuye kuciedza cake cinoshamisa. Imi kare makaŋga musi ʋanhu; asi ɀino muri ʋanhu ʋaMŋari; makaŋga musiŋganzwirwi ŋgoni, asi ɀino manzwirwa ŋgoni.
Ʋaɗikanwa, ndinokumbira ɀikuru kwamuri, ɀamuri ʋatorwa naʋaeni, kuti muɀidzore pakuciʋa kwenyama kunorwa nomŋeya; mufambire wenyu uʋe wakanaka pakati paʋahedeni; kuti paʋanokupomerai ʋaciti munoita ɀakaipa, ʋarumbidze Mŋari nezuʋa rokushanyira, kana ʋaciʋona maɓasa enyu akanaka.
Muɀiise pasi pecireʋo cimŋe necimŋe caʋanhu nokuɗa kwaShe: kana ari mambo, nokuti ndiye mukuru; kana ʋari ʋaɓati, nokuti ʋakatumŋa naye kuti ʋatsiʋe ʋanoita ɀakaipa, ʋuye ʋarumbidze ʋanoita ɀakanaka. Nokuti ndiko kuɗa kwaMŋari, kuti nokuita kwenyu ɀakanaka munyaradze kusaziʋa kwamapenzi; saʋanhu ʋakasunuŋguka, musiŋgaiti kusunuŋguka kwenyu kuti ciʋe cifukidzo ceɀakaipa, asi muʋe ʋaranda ʋaMŋari. Kudzai ʋanhu ʋose. Iɗai hama dzose. Ityai Mŋari. Kudzai mambo.
Ʋaranda, tererai ʋatenzi ʋenyu nokutya kwose, musiŋgaɀiiti kunaʋakanaka naʋanyoro ɓedzi, asi kunaʋasakarurama ʋo. Nokuti ndidzo nyasha kana munhu acitsuŋgirira pakutambudzika nokuɗa kwehana kunaMŋari, acitambudzika asinemhoȿa. Nokuti kunerumbidzo yeiko, kana mucitsuŋgirira matadza, mukarobga? Asi kana mukatsuŋgirira kana muciita ɀakanaka mukatambudzika, iɀoɀo inyasha kunaMŋari. Nokuti makaɗanirwa iɀoɀo, Kristu ɀaakakutambudzikirai ʋo, akakusiyirai mufananidzo, kuti muteʋere makwara ake; iye usina‐kuita ɀiʋi, nokunyeŋgera hakunakuʋonekwa mumuromo make; iye wakati acitukwa, haana‐kutuka ɀe; wakati acitambudzika, haana‐kutyisidzira; asi wakaisa mhaka yake kunaiye unotoŋga ɀakarurama; iye wakatakura amene ɀiʋi ɀeɗu mumuʋiri wake pamuti, kuti isu, kana tafa kuɀiʋi, tiraramire ɀakarurama; iye wamakaporeswa namaʋaŋga ake. Nokuti makaŋga makatsauka samakwai; asi ɀino madzokera kumufudzi nomutariri wemŋeya yenyu.