1 Petro 1:8-11
1 Petro 1:8-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kunyange musina kumuona, munomuda; kunyange zvazvo musingamuoni zvino, munotenda kwaari uye muzere nomufaro usingagoni kurondedzerwa, nokuti muri kugamuchira chinovavarirwa nokutenda kwenyu, irwo ruponeso rwemweya yenyu. Nezvoruponeso urwu, vaprofita vakataura nezvenyasha dzaizouya kwamuri, vakanzvera zvikuru uye vakabvunza zvikuru, vachiedza kunzvera kuti vaone nguva nezvinhu zvairatidzwa noMweya wakanga uri mukati mavo pawakaprofita nezvokutambudzika kwaKristu, uye nezvokubwinya kwaizotevera.
1 Petro 1:8-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
iye wamunoda, kunyange musina kumuona; iye wamunotenda kwaari, kunyange musingamuoni zvino, muchifara zvikuru nomufaro usingagoni kutaurwa, uzere nokubwinya, muchipiwa chinovavarirwa nokutenda kwenyu, ndirwo ruponeso rwemweya yenyu. Ruponeso urwu rwakabvunzisiswa nokunzverwa kwazvo navaporofita, vakaporofita zvenyasha dzamaizoitirwa imi, vachinzvera kuti nguva ndeipi, kana yakadini, yakataurwa noMweya waKristu, wakanga uri mukati mavo, nguva yaakapupura kare zvokutambudzika kwaKristu, nokubwinya kunozotevera izvozvo.
1 Petro 1:8-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kunyange musina kumuona munomuda. Kunyange musingamuoni iye zvino, munotenda maari muchifara norufaro rusingatauriki rukuru kwazvo. Somubayiro wechitendero chenyu, munowana ruponeso rwemweya yenyu. Vaporofita vakaporofita nezvenyasha dzaizova dzenyu, vakatsvagisisa vakafeya–feya nezvoruponeso irworwu. Vakatsvagisisa nozvomunhu iyeyo uye nezvenguva yakaratidzwa naMweya waKristu mavari pavaifanotaura nezvedambudziko raKristu nembiri yaizotevera.
1 Petro 1:8-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
iye wamunoɗa, kunyaŋge musina‐kumuʋona; iye wamunotenda kwaari, kunyaŋge musiŋgamuʋoni ɀino, mucifara ɀikuru nomufaro usiŋgagoni kutaurwa, uzere nokubginya; mucipiwa cinoʋaʋarirwa nokutenda kwenyu, ndirwo ruponeso rwemŋeya yenyu. Ruponeso urwu rwakabvunzisiswa nokunɀerwa kwaɀo naʋaprofita, ʋakaprofita ɀenyasha dzamaizoitirwa imi, ʋacinɀera kuti ŋguʋa ndeipi, kana yakaɗini, yakataurwa noMŋeya waKristu, wakaŋga uri mukati maʋo, ŋguʋa yaakapupura kare ɀokutambudzika kwaKristu, nokubginya kunozoteʋera iɀoɀo.
1 Petro 1:8-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)