1 Petro 1:6-9
1 Petro 1:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mune izvi munofara zvikuru kunyange zvino, kana zvichifanira, muchitambudzika kwechinguva chiduku nenzira dzose dzemiedzo. Izvi zvakauya kuitira kuti kutenda kwenyu, kunokosha kupfuura goridhe, rinoparara kunyange zvaro rakanatswa nomoto, kuwanikwe kwakakwana uye kuve kunorumbidzwa, kunobwinya uye kunokudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu. Kunyange musina kumuona, munomuda; kunyange zvazvo musingamuoni zvino, munotenda kwaari uye muzere nomufaro usingagoni kurondedzerwa, nokuti muri kugamuchira chinovavarirwa nokutenda kwenyu, irwo ruponeso rwemweya yenyu.
1 Petro 1:6-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Iyo yamunofarira zvikuru, kunyange zvino, kana zvichifanira, muchichemedzwa nguva duku nemiedzo mizhinji; kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunokosha zvikuru kupfuura ndarama inopera hayo, kunyange inoedzwa nomoto, kuwanikwe kuchibereka kurumbidzwa, nokubwinya, nokukudzwa pakuonekwa kwaJesu Kristu; iye wamunoda, kunyange musina kumuona; iye wamunotenda kwaari, kunyange musingamuoni zvino, muchifara zvikuru nomufaro usingagoni kutaurwa, uzere nokubwinya, muchipiwa chinovavarirwa nokutenda kwenyu, ndirwo ruponeso rwemweya yenyu.
1 Petro 1:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munofanira kufara kwazvo munezvizvi, kunyange zvazvo iye zvino, kwekanguva kaduku, munogona kupindana nezviedzo zvakasiyana–siyana. Izvi kuti chitendero chenyu chechokwadi, chinokosha kupfuura ndarama inoedzwa nomoto, kunyange iri chinhu chinopera, kurumbidzwe zvikuru uye kuve nembiri norukudzo pachazooneswa Jesu Kristu. Kunyange musina kumuona munomuda. Kunyange musingamuoni iye zvino, munotenda maari muchifara norufaro rusingatauriki rukuru kwazvo. Somubayiro wechitendero chenyu, munowana ruponeso rwemweya yenyu.
1 Petro 1:6-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iyo yamunofarira ɀikuru, kunyaŋge ɀino, kana ɀicifanira, mucicemedzwa ŋguʋa ɗuku nemiidzo mizhinji; kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunokosha ɀikuru kupfuʋura ndarama inopera hayo, kunyaŋge inoidzwa nomŋoto, kuwanikwe kuciɓereka kurumbidzwa, nokubginya, nokukudzwa pakuʋonekwa kwaJesu Kristu; iye wamunoɗa, kunyaŋge musina‐kumuʋona; iye wamunotenda kwaari, kunyaŋge musiŋgamuʋoni ɀino, mucifara ɀikuru nomufaro usiŋgagoni kutaurwa, uzere nokubginya; mucipiwa cinoʋaʋarirwa nokutenda kwenyu, ndirwo ruponeso rwemŋeya yenyu.
1 Petro 1:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)