1 Petro 1:6-7
1 Petro 1:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mune izvi munofara zvikuru kunyange zvino, kana zvichifanira, muchitambudzika kwechinguva chiduku nenzira dzose dzemiedzo. Izvi zvakauya kuitira kuti kutenda kwenyu, kunokosha kupfuura goridhe, rinoparara kunyange zvaro rakanatswa nomoto, kuwanikwe kwakakwana uye kuve kunorumbidzwa, kunobwinya uye kunokudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu.
1 Petro 1:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Iyo yamunofarira zvikuru, kunyange zvino, kana zvichifanira, muchichemedzwa nguva duku nemiedzo mizhinji; kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunokosha zvikuru kupfuura ndarama inopera hayo, kunyange inoedzwa nomoto, kuwanikwe kuchibereka kurumbidzwa, nokubwinya, nokukudzwa pakuonekwa kwaJesu Kristu
1 Petro 1:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munofanira kufara kwazvo munezvizvi, kunyange zvazvo iye zvino, kwekanguva kaduku, munogona kupindana nezviedzo zvakasiyana–siyana. Izvi kuti chitendero chenyu chechokwadi, chinokosha kupfuura ndarama inoedzwa nomoto, kunyange iri chinhu chinopera, kurumbidzwe zvikuru uye kuve nembiri norukudzo pachazooneswa Jesu Kristu.
1 Petro 1:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iyo yamunofarira ɀikuru, kunyaŋge ɀino, kana ɀicifanira, mucicemedzwa ŋguʋa ɗuku nemiidzo mizhinji; kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunokosha ɀikuru kupfuʋura ndarama inopera hayo, kunyaŋge inoidzwa nomŋoto, kuwanikwe kuciɓereka kurumbidzwa, nokubginya, nokukudzwa pakuʋonekwa kwaJesu Kristu
1 Petro 1:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)