1 Petro 1:19-21
1 Petro 1:19-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
asi neropa rinokosha raKristu, iro gwayana risina charingapomerwa uye risina kuremara. Akasanangurwa kare nyika isati yavapo, asi akaratidzwa kwamuri mumazuva ano okupedzisira nokuda kwenyu. Kubudikidza naye munotenda kuna Mwari, akamumutsa kubva kuvakafa uye akamukudza, kuti kutenda kwenyu netariro yenyu zvive muna Mwari.
1 Petro 1:19-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
asi neropa raKristu, seregwayana risina charingapomerwa, risina ruvara; iye wakazikanwa kare, nyika isati yavambwa, asi akaratidzwa pakuguma kwenguva nokuda kwenyu, imi, munotenda naye kuna Mwari, wakamumutsa kuvakafa, akamupa kubwinya; kuti kutenda kwenyu netariro yenyu zvive kuna Mwari.
1 Petro 1:19-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
asi neropa rinokosha raKristu serehwayana isina chinoshoreka kana kavara. Akasarudzwa pasi pasati pavapo, akazoratidzwa pokupedzisira kwenguva kuri kuitira imi. Nokuna iye, munechivimbo muna Mwari akamumutsa kuvafi akamupa mbiri kuti chitendero chenyu nechitarisiro zvive muna Mwari.
1 Petro 1:19-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
asi neropa raKristu, seregwaiana risina‐cariŋgapomerwa, risinoruʋara; iye wakazikanwa kare, nyika isati yaʋambga, asi wakaratidzwa pakuguma kweŋguʋa nokuɗa kwenyu, imi, munotenda naye kunaMŋari, wakamumutsa kuʋakafa, akamupa kubginya; kuti kutenda kwenyu netariro yenyu ɀiʋe kunaMŋari.
1 Petro 1:19-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)