1 Petro 1:13-21
1 Petro 1:13-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, pfungwa dzenyu ngadzigadzirire kushanda, muzvidzore; muise, zvizere, tariro yenyu panyasha dzamuchapiwa pakuonekwa kwaJesu Kristu. Savana vanoteerera, musaenzaniswa nezvido zvakaipa zvamaiva nazvo pamairarama mukusaziva. Asi saiye akakudanai mutsvene, ivai vatsvene pane zvose zvamunoita; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.” Sezvo muchidana kuna Baba vanotonga basa romunhu mumwe nomumwe vasingatsauri, mugare upenyu hwenyu pano savatorwa muchitya. Nokuti munoziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinhu zvinoora, zvakadai sesirivha kana goridhe, kubva paupenyu hwenyu husina maturo, hwamakagamuchira kubva kumadzitateguru enyu, asi neropa rinokosha raKristu, iro gwayana risina charingapomerwa uye risina kuremara. Akasanangurwa kare nyika isati yavapo, asi akaratidzwa kwamuri mumazuva ano okupedzisira nokuda kwenyu. Kubudikidza naye munotenda kuna Mwari, akamumutsa kubva kuvakafa uye akamukudza, kuti kutenda kwenyu netariro yenyu zvive muna Mwari.
1 Petro 1:13-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saka zvisungei zviuno zvendangariro dzenyu, musvinure, mutarire nomwoyo wose kunyasha dzamuchazopiwa pakuonekwa kwaJesu Kristu; muve savana vanoteerera, musingaenzanisi mufambiro wenyu nokuchiva kwakare pakusaziva kwenyu; asi saiye mutsvene akakudanai, nemiwo mumene muve vatsvene pamufambiro wenyu wose; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.” Zvino kana muchimuti Baba, iye anotonga achitarira zvakaitwa nomumwe asingatariri zvinoonekwa zvomunhu, garai panguva youtorwa hwenyu muchitya; muchiziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinoora, sesirivha kana ndarama, pamufambiro wenyu usina maturo, wamakasiyirwa namadzibaba enyu; asi neropa raKristu, seregwayana risina charingapomerwa, risina ruvara; iye wakazikanwa kare, nyika isati yavambwa, asi akaratidzwa pakuguma kwenguva nokuda kwenyu, imi, munotenda naye kuna Mwari, wakamumutsa kuvakafa, akamupa kubwinya; kuti kutenda kwenyu netariro yenyu zvive kuna Mwari.
1 Petro 1:13-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mupfungwa dzenyu, sungai dzisimbe. Zvibatei; isai chivimbo chenyu chizere panyasha dzichauya kwamuri pacharatidzwa Jesu Kristu. Savana vanoteerera musatevedzere mapangiro enyu amaiva nawo pamakanga musina ruzivo. Pamusana pokuti anokudaidzai mutsvene, imiwo ivaiwo vatsvene muzviito zvenyu zvose. Sezvazvakanyorwa zvichinzi, “Ivai vatsvene nokuti ini ndiri mutsvene.” Mukamudana saBaba, iye anotonga munhu wose pasina rusaruro maererano nezviito zvake, ivai nokumuremekedza kukuru pakugara kwenyu panguva yenyu youtorwa. Imi munoziva kuti makadzikinurwa kunzira dzisina maturo dzamakawana kumadzibaba enyu, kwete nezvinhu zvinoparara sesirivha kana ndarama asi neropa rinokosha raKristu serehwayana isina chinoshoreka kana kavara. Akasarudzwa pasi pasati pavapo, akazoratidzwa pokupedzisira kwenguva kuri kuitira imi. Nokuna iye, munechivimbo muna Mwari akamumutsa kuvafi akamupa mbiri kuti chitendero chenyu nechitarisiro zvive muna Mwari.
1 Petro 1:13-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

1 Petro 1:13-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka ɀisuŋgei ɀiʋuno ɀendaŋgariro dzenyu, muȿinure, mutarire nomŋoyo wose kunyasha dzamucazopiwa pakuʋonekwa kwaJesu Kristu; muʋe saʋana ʋanoterera, musiŋgaenzanisi mufambire wenyu nokuciʋa kwakare pakusaziʋa kwenyu; asi saiye mutȿene wakakuɗanai, nemi ʋo mumene muʋe ʋatȿene pamufambire wenyu wose; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Iʋai ʋatȿene, nokuti ini ndiri mutȿene. Ɀino kana mucimuidza Ƃaɓa, iye unotoŋga acitarira ɀakaitwa nomumŋe nomumŋe asiŋgatariri ɀinoʋonekwa ɀomunhu, garai paŋguʋa yoʋutorwa bgenyu mucitya; muciziʋa kuti hamuna‐kudzikinurwa neɀinoʋora, nesirveri kana ndarama, pamufambire wenyu usinamaturo, wamakasiyirwa namadziɓaɓa enyu; asi neropa raKristu, seregwaiana risina‐cariŋgapomerwa, risinoruʋara; iye wakazikanwa kare, nyika isati yaʋambga, asi wakaratidzwa pakuguma kweŋguʋa nokuɗa kwenyu, imi, munotenda naye kunaMŋari, wakamumutsa kuʋakafa, akamupa kubginya; kuti kutenda kwenyu netariro yenyu ɀiʋe kunaMŋari.