1 Petro 1:13-15
1 Petro 1:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo, pfungwa dzenyu ngadzigadzirire kushanda, muzvidzore; muise, zvizere, tariro yenyu panyasha dzamuchapiwa pakuonekwa kwaJesu Kristu. Savana vanoteerera, musaenzaniswa nezvido zvakaipa zvamaiva nazvo pamairarama mukusaziva. Asi saiye akakudanai mutsvene, ivai vatsvene pane zvose zvamunoita
1 Petro 1:13-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Saka zvisungei zviuno zvendangariro dzenyu, musvinure, mutarire nomwoyo wose kunyasha dzamuchazopiwa pakuonekwa kwaJesu Kristu; muve savana vanoteerera, musingaenzanisi mufambiro wenyu nokuchiva kwakare pakusaziva kwenyu; asi saiye mutsvene akakudanai, nemiwo mumene muve vatsvene pamufambiro wenyu wose
1 Petro 1:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mupfungwa dzenyu, sungai dzisimbe. Zvibatei; isai chivimbo chenyu chizere panyasha dzichauya kwamuri pacharatidzwa Jesu Kristu. Savana vanoteerera musatevedzere mapangiro enyu amaiva nawo pamakanga musina ruzivo. Pamusana pokuti anokudaidzai mutsvene, imiwo ivaiwo vatsvene muzviito zvenyu zvose.
1 Petro 1:13-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Saka ɀisuŋgei ɀiʋuno ɀendaŋgariro dzenyu, muȿinure, mutarire nomŋoyo wose kunyasha dzamucazopiwa pakuʋonekwa kwaJesu Kristu; muʋe saʋana ʋanoterera, musiŋgaenzanisi mufambire wenyu nokuciʋa kwakare pakusaziʋa kwenyu; asi saiye mutȿene wakakuɗanai, nemi ʋo mumene muʋe ʋatȿene pamufambire wenyu wose
1 Petro 1:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)