1 Madzimambo 9:6-9
1 Madzimambo 9:6-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Asi kana mukarega kunditevera, imi kana vana venyu, uye mukarega kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu yandakaisa pamberi penyu, asi mukaenda kundoshumira vamwe vamwari uye mukavanamata, ipapo ndichaparadza Israeri panyika yandakavapa ndigofuratira temberi iyi yandaita tsvene nokuda kweZita rangu. Ipapo Israeri ichazova chirevo nechiseko pakati pamarudzi ose avanhu. Kunyange zvazvo temberi iyi ichishamisa kwazvo iye zvino, avo vachazopfuura napairi vachazoshamiswa vagoshora vachiti, ‘Jehovha aitirei chinhu chakadai kunyika iyi nokutemberi iyi?’ Vanhu vachapindura vachiti, ‘Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wavo akabudisa madzibaba avo muIjipiti, uye vakanamatira vamwe vamwari, vachivanamata nokuvashandira, ndokusaka Jehovha akauyisa dambudziko guru rakadai pavari.’ ”
1 Madzimambo 9:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Asi kana mukazotsauka, zviye zvokunyatsoenda mutome zvenyu, vangave iyemi kana vana venyu morega zvenyu kuchengeta mitemo yangu nemirao yangu yandakakupai mava kundonamata vamwe vamwari muchivapfugamira, iniwo ndopandichaparadza vaIsiraeri panyika yandakavapa. Kanawo iyo imba iyoyi yandaeresera nezita rangu ndichaiparadza zvokusamboda kuzoionazve mumaziso angu. Isiraeri inozova tsumo yavanhu nechiseko chenyika mukati memarudzi ose. Kunyangewo imba iyoyi yakati dzu-u kureba, vapfuuri venzira vachanyatsoti kanha kunana vachishamiswa. Vachatozvimvunzawo vachiti, ‘Ko Tenzi chakaadariro nyika ino nemba iyi chii?’ Ivo vachati, ‘Pamusana pokuti vakafuratira Tenzi, Mwari wavo akaburitsa madzitateguru avo kuIjipiti ndokuti memete navamwe vamwari vovapfugamira vachivanamata. Ndokusaka Tenzi akavapinza munyatwa yose iyi.’ ”
1 Madzimambo 9:6-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi kana mukatsauka pakunditevera, imi kana vana venyu, mukasachengeta mirairo yangu nezvandatema zvandakaisa pamberi penyu, asi mukandoshumira vamwe vamwari, mukanamata kwavari; ipapo ndichaparadza Isiraeri panyika yandakavapa; neimba iyi yandakatsaurira zita rangu, ndichairashira kure ndirege kuiona; vaIsiraeri vachava shumo nechiseko pakati pavanhu vose; uye imba iyi kunyange yakakwirira ikadai, vose vanopfuura nayo vachakanuka nokuridza muridzo, vachiti, ‘Jehovha wakaitireiko kudai nenyika ino uye neimba ino?’ Vachapindura, vachiti, ‘Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wavo, wakanga abudisa madzibaba avo munyika yeIjipiti, vakanamatira vamwe vamwari, vakanamata kwavari, nokuvashumira; saka Jehovha wakavapinza panjodzi idzi dzose.’ ”
1 Madzimambo 9:6-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi kana mukazotsauka, zviye zvokunyatsoenda mutome zvenyu, vangave iyemi kana vana venyu morega zvenyu kuchengeta mitemo yangu nemirao yangu yandakakupai mava kundonamata vamwe vamwari muchivapfugamira, iniwo ndopandichaparadza vaIsiraeri panyika yandakavapa. Kanawo iyo imba iyoyi yandaeresera nezita rangu ndichaiparadza zvokusamboda kuzoionazve mumaziso angu. Isiraeri inozova tsumo yavanhu nechiseko chenyika mukati memarudzi ose. Kunyangewo imba iyoyi yakati dzu-u kureba, vapfuuri venzira vachanyatsoti kanha kunana vachishamiswa. Vachatozvimvunzawo vachiti, ‘Ko Tenzi chakaadariro nyika ino nemba iyi chii?’ Ivo vachati, ‘Pamusana pokuti vakafuratira Tenzi, Mwari wavo akaburitsa madzitateguru avo kuIjipiti ndokuti memete navamwe vamwari vovapfugamira vachivanamata. Ndokusaka Tenzi akavapinza munyatwa yose iyi.’ ”
1 Madzimambo 9:6-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi kana mukatsauka pakunditeʋera, imi kana ʋana ʋenyu, mukasaceŋgeta mirairo yaŋgu neɀandatema ɀandakaisa pamberi penyu, asi mukandoshumira ʋamŋe ʋamŋari, mukanamata kwaʋari; ipapo ndicaparadza Israeri panyika yandakaʋapa; neimba iyi yandakatsaurira zita raŋgu, ndicairashira kure ndirege kuiʋona; ʋaIsraeri ʋacaʋa shumo neciseko pakati paʋanhu ʋose; ʋuye imba iyi kunyaŋge yakakwirira ikaɗai, ʋose ʋanopfuʋura nayo ʋacakanuka nokuridza muridzo, ʋaciti: Jehova wakaitireiko kuɗai nenyika ino, ʋuye neimba ino? Ʋacapindura, ʋaciti: Nokuti ʋakasiya Jehova Mŋari waʋo, wakaŋga aɓuɗisa madziɓaɓa aʋo munyika yeEgipita, ʋakanamatira ʋamŋe ʋamŋari, ʋakanamata kwaʋari, nokuʋashumira; saka Jehova wakaʋapinza panjodzi idzi dzose.