I Madzimambo 9
9
Jehova unoɀiratidza ɀe kunaSoromoni.
1Ɀino Soromoni wakati apedza kuʋaka imba yaJehova, neimba yamambo, neɀose Soromoni ɀaakaŋga aciɗa kuita, 2Jehova akaɀiratidza kunaSoromoni rwecipiri, seɀaakaɀiratidza kwaari paGibeoni. 3Jehova akati kwaari: Ndakanzwa kunyeŋgetera kwako nokukumbira kwako kwawakaita pamberi paŋgu; ndakatsaura imba iyi yawakaʋaka, kuti ndiise zita raŋgu’po nokusiŋgaperi; meso aŋgu nomŋoyo waŋgu ɀicaʋa’po ŋguʋa dzose. 4Kana uri’we, kana ukafamba pamberi paŋgu saɓaɓa ʋako Davidi nomŋoyo usiŋganyeŋgeri, nokururama, ukaita ɀose ɀandakakuraira, ukaceŋgeta ɀandatema neɀandatoŋga, 5ipapo ini ndicasimbisa cigaro cako coʋushe pakati paIsraeri nokusiŋgaperi, seɀandakapikira ɓaɓa ʋako Davidi, ndiciti: Hauŋgashaiwi munhu ucagara pacigaro coʋushe caIsraeri. 6Asi kana mukatsauka pakunditeʋera, imi kana ʋana ʋenyu, mukasaceŋgeta mirairo yaŋgu neɀandatema ɀandakaisa pamberi penyu, asi mukandoshumira ʋamŋe ʋamŋari, mukanamata kwaʋari; 7ipapo ndicaparadza Israeri panyika yandakaʋapa; neimba iyi yandakatsaurira zita raŋgu, ndicairashira kure ndirege kuiʋona; ʋaIsraeri ʋacaʋa shumo neciseko pakati paʋanhu ʋose; 8ʋuye imba iyi kunyaŋge yakakwirira ikaɗai, ʋose ʋanopfuʋura nayo ʋacakanuka nokuridza muridzo, ʋaciti: Jehova wakaitireiko kuɗai nenyika ino, ʋuye neimba ino? 9Ʋacapindura, ʋaciti: Nokuti ʋakasiya Jehova Mŋari waʋo, wakaŋga aɓuɗisa madziɓaɓa aʋo munyika yeEgipita, ʋakanamatira ʋamŋe ʋamŋari, ʋakanamata kwaʋari, nokuʋashumira; saka Jehova wakaʋapinza panjodzi idzi dzose.
Maguta akaʋakwa naSoromoni.
10Makore anamakumi maʋiri akati apera, Soromoni aakaʋaka nawo dzimba idzi mbiri, iyo imba yaJehova neimba yamambo; 11(ɀino Hirami mambo weTire wakaŋga atȿakira Soromoni misidari, nemisipresi, nendarama, neɀose ɀaakaŋga aciɗa), mambo Soromoni akapa Hirami maguta anamakumi maʋiri panyika yeGarire. 12Hirami akabva Tire kuzoʋona maguta aakaŋga apiwa naSoromoni, asi haana‐kumufadza. 13Akati: Maguta kunyiko awa awandipa, hama yaŋgu? Akaitumidza nyika yeKaburi kuȿikira zuʋa ranhasi. 14Hirami akatumira mambo matarenta endarama anezana namakumi maʋiri.#9:14 Mari ineŋge £655,000.
15Ɀino ndiro shoko recibaro cakarairwa namambo Soromoni, kuzoʋaka imba yaJehova, neimba yake, neMiro, noruȿiŋgo rweJerusarema, neHazori, neMegido, neGezeri. 16Farao mambo weEgipita wakaŋga andokunda Gezeri, akaripisa nomŋoto, akaʋuraya ʋaKanani ʋakaŋga ʋagere muguta, akaripa mukunda wake, mukadzi waSoromoni. 17Soromoni akaʋaka Gezeri, neBeti‐horoni rezasi, 18neBarati, neTamari, murenje munyika iyo, 19namaguta ose amatura aSoromoni, namaguta eŋgoro dzake, namaguta aʋataȿi ʋamabiza ake, neɀose Soromoni ɀaaiɗa kuɀiʋakira paJerusarema, napaRebanoni, napanyika yose yakaŋga yakaɓatwa naye. 20Kuʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋasara ʋaʋaAmori, naʋaHeti, naʋaPerezi, naʋaHivi, naʋaJebusi, ʋakaŋga ʋasi ʋana ʋaIsraeri; 21naʋana ʋaʋo ʋakaŋga ʋasara panyika shure kwaʋo, iʋo ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kuʋaparadza cose, kunaiʋaʋo Soromoni wakaraira cibaro caʋaranda kuȿikira nhasi. 22Asi Soromoni haana‐kuita ʋaranda pakati paʋana ʋaIsraeri, asi iʋo ʋaiʋa ʋarwi ʋake, naʋaɓatiri ʋake, namacinda ake, naʋakuru ʋake, naʋarairi ʋeŋgoro dzake, naʋataȿi ʋamabiza ake. 23Ndiʋo ʋaiʋa ʋatariri ʋakuru ʋamaɓasa aSoromoni, ʋaiʋa namazana mashanu namakumi mashanu, ʋairairira ʋanhu ʋaiɓate‐ɓasa. 24Ɀino mukunda waFarao wakabva kuguta raDavidi, akaenda kuimba yake, yaakaŋga aʋakirwa naSoromoni; ipapo akaʋaka Miro. 25Katatu pagore Soromoni waiɓayira ɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa pamsoro peartari yaakaŋga aʋakira Jehova, akapisa ɀinonhuwira pamŋe cete naɀo paartari yakaŋga iri pamberi paJehova. Naiɀoɀo akapedza imba.
26Mambo Soromoni wakaʋaka ʋo ɀikepe ɀizhinji paEzioni‐geberi, pedyo neEroti, pamhenderekedzo yeGuŋgwa Dɀuku, panyika yaEdomi. 27Hirami akatuma neɀikepe iɀo ʋaranda ʋake, ʋaiʋa ʋafambisi ʋeɀikepe ʋaiziʋa guŋgwa kwaɀo, pamŋe cete naʋaranda ʋaSoromoni. 28Ʋakaȿika Ofiri, ʋakatora’po ndarama yakaȿika matarenta anamazana manna namakumi maʋiri,#9:28 Mari ineŋge £2,300,000. ʋakaʋuya nayo kunamambo Soromoni.
Zvasarudzwa nguva ino
I Madzimambo 9: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018