Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 9:3-9

1 Madzimambo 9:3-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tenzi akati kwaari, “Munamato wako wawakaita nechichemo chako chawakasvitsa kwandiri ndazvinzwa. Imba iyi yawakavaka ndaiita kuti ive imba inoera uye ndaisa zita rangu pairi nokusingaperi ziso rangu harichabva pairi, uyewo mwoyo wangu ucharamba uri pairi. Chako iwe dai zvako ukangofamba nemandakatema sezvaiita baba vako Dhavhidhi wakatendeseka uri pachokwadi uchiita naimomo mandakati uite uchichengeta mirao nezvirevo zvangu kana wadaro ndichaita kuti umambo hwako hwokwaIsiraeri hudzike midzi narini wose. Sokutsidzira kwandakaita baba vako Dhavhidhi ndichiti, ‘Hazvichafa zvakamboitika kuti ini ndishaye munhu womumba mako wokuzogara pachigaro choumambo.’ Asi kana mukazotsauka, zviye zvokunyatsoenda mutome zvenyu, vangave iyemi kana vana venyu morega zvenyu kuchengeta mitemo yangu nemirao yangu yandakakupai mava kundonamata vamwe vamwari muchivapfugamira, iniwo ndopandichaparadza vaIsiraeri panyika yandakavapa. Kanawo iyo imba iyoyi yandaeresera nezita rangu ndichaiparadza zvokusamboda kuzoionazve mumaziso angu. Isiraeri inozova tsumo yavanhu nechiseko chenyika mukati memarudzi ose. Kunyangewo imba iyoyi yakati dzu-u kureba, vapfuuri venzira vachanyatsoti kanha kunana vachishamiswa. Vachatozvimvunzawo vachiti, ‘Ko Tenzi chakaadariro nyika ino nemba iyi chii?’ Ivo vachati, ‘Pamusana pokuti vakafuratira Tenzi, Mwari wavo akaburitsa madzitateguru avo kuIjipiti ndokuti memete navamwe vamwari vovapfugamira vachivanamata. Ndokusaka Tenzi akavapinza munyatwa yose iyi.’ ”

1 Madzimambo 9:3-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)