Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 3:3-15

1 Madzimambo 3:3-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Soromoni akada Jehovha akafamba nomumitemo yababa vake Dhavhidhi, asi akabayira nokupisa zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira. Zvino mambo akaenda kuGibheoni kundobayira, nokuti ndiyo yaiva nzvimbo yakakwirira huru, Soromoni akabayira zvipiriso zvinopiswa zvinokwana chiuru paaritari. PaGibheoni Jehovha akazviratidza kuna Soromoni usiku muchiroto, Mwari akati, “Kumbira chipi nechipi chaunoda kuti ndikupe.” Soromoni akapindura akati, “Makaratidza muranda wenyu, baba vangu Dhavhidhi, tsitsi dzenyu huru nokuti akanga akavimbika kwamuri uye akarurama uye akachena mumwoyo. Muchiri kumuratidza unyoro hwenyu hukuru uye mamupa mwanakomana kuti agare pachigaro chake chokutonga iye nhasi. “Zvino, Jehovha Mwari wangu, makaita muranda wenyu mambo panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi. Asi ini ndinongova hangu mwana mudiki uye handizivi mashandiro andingaita mabasa angu. Muranda wenyu ari pakati pavanhu venyu vamakasarudza, vanhu vazhinji kwazvo, vasingagoni kuverengwa nokuwanda kwavo. Naizvozvo ipai muranda wenyu mwoyo unonzwisisa kuti atonge vanhu venyu, kuti ndikwanise kuziva zvakanaka nezvakaipa; nokuti ndiani angagone kutonga vanhu venyu vakawanda kudai?” Jehovha akafara nokuti Soromoni akanga akumbira chinhu ichi. Naizvozvo Jehovha akati kwaari, “Sezvo wakumbira chinhu ichi ukasazvikumbirira upenyu hurefu kana upfumi, ukasakumbira kuti vavengi vako vaurayiwe, asi wakumbira kunzwisisa pakutonga zvakarurama, ndichaita zvawakumbira. Ndichakupa mwoyo wakachenjera unonzwisisa, zvokuti hakuna kumbova nomumwe akafanana newe uye hakuchazova nomumwe akafanana newe mushure mako. Pamusoro pezvo, ndichakupawo zvausina kukumbira, zvose upfumi nokukudzwa, zvokuti muupenyu hwako hapana mumwe anozoenzana newe pakati pamadzimambo. Kana ukafamba munzira dzangu nokuteerera mitemo yangu nemirayiro yangu sezvakaita Dhavhidhi baba vako, ndichakupa upenyu hurefu.” Ipapo Soromoni akamuka, akabva aziva kuti kwakanga kuri kurota. Akadzokera kuJerusarema, akamira pamberi peareka yesungano yaJehovha akabayira zvipiriso zvinopiswa, akabayirawo zvipiriso zvokuwadzana. Ipapo akaitira varanda vake vose mutambo.

1 Madzimambo 3:3-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Soromoni akada Jehovha, akafamba nemitemo yababa vake Dhavhidhi; asi wakabayira zvibayiro nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira. Zvino mambo akaenda Gibheoni kundobayirapo; nokuti ndiwo wakanga uri mutunhu mukuru wakakwirira; Soromoni akabayira paaritari iyo zvipiriso zvinopiswa zvine chiuru chimwe. Jehovha akazviratidza kuna Soromoni paGibheoni nokurota usiku. Mwari akati, “Kumbira chaunoda kuti ndikupe.” Soromoni akati, “Makaitira muranda wenyu Dhavhidhi, baba vangu, unyoro hukuru, zvaakafamba pamberi penyu nezvokwadi, nokururama, nomwoyo wakanaka kwamuri; mukamuchengeterawo unyoro uhu hukuru, zvamakamupa mwanakomana kugara pachigaro chake choushe, sezvazvakaita nhasi. Zvino Jehovha Mwari wangu, makaita muranda wenyu mambo panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi, asi ndiri mwana hangu, handizivi mutowo wokubuda nawo kana kupinda nawo. Muranda wenyu uri pakati pavanhu venyu vamakatsaura, vanhu vazhinji kwazvo, vasingagoni kurahwa kana kuverengwa nokuwanda kwavo. Naizvozvo ipai muranda wenyu mwoyo unonzwisisa, kuti nditambe mhaka dzavanhu venyu, ndizive kutsaura pakati pezvakanaka nezvakaipa; nokuti ndianiko anogona kutamba mhaka dzavanhu venyu ava vakawanda?” Zvino kutaura uku kwakafadza Ishe, kuti Soromoni wakakumbira chinhu ichi. Ipapo Mwari akati kwaari, “Zvawakumbira chinhu ichi, ukasazvikumbirira upenyu hwamazuva mazhinji, kana kuzvikumbirira pfuma, kana kukumbira kuti vavengi vako vafe; asi wakazvikumbirira kungwara, kuti unzwisise kutamba mhaka; tarira, ndaita sezvawataura; tarira ndakupa mwoyo wakangwara, unonzwisisa; naizvozvo hakuna kumbova nomumwe wakafanana newe, kana shure kwako hakungazovi nomunhu ungafanana newe. “Ndakupawo zvausina kukumbira, pfuma nokukudzwa; naizvozvo hakungazovi mumwe pakati pamadzimambo ungafanana newe pamazuva ako ose. “Kana ukada kufamba nenzira dzangu, nokuchengeta mitemo yangu nemirairo yangu, sezvakafamba baba vako Dhavhidhi, ipapo ndichawanza mazuva ako.” Ipapo Soromoni akamuka, akaona kuti kwakanga kuri kurota; akaenda Jerusaremu, akamira pamberi peareka yesungano yaJehovha, akabayira zvipiriso zvinopiswa, akabayiriwo zvipiriso zvokuyananisa, akaitira varanda vake vose mutambo.

1 Madzimambo 3:3-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Soromoni aida Tenzi achitevedza mirao yababa wake Dhavhidhi, kutongoti chete aipira zvibayiro nokupisira rusenzi panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira. Mambo uyu akaenda kuGibheoni kundopira chibayiro ikoko nokuti ndiyo yakanga iri nzvimbo huru yakatunhumara yokuteurira. Soromoni aiwanzopira mipiro yokupisa chiuru paatari. Kwakareko kuGibheoni Tenzi akazviratidza kuna Soromoni mukurota usiku. Mwari akati, “Kumbira chaungade kuti ndikupe.” Soromoni akati, “Makaitira baba wangu Dhavhidhi muranda wenyu mwoyochena mukuru kwazvo pamusana pokuti vaiva munhu akatendeka kwamuri akarurama ari pachokwadi mwoyo wake uri kwamuri. Mwoyochena wenyu mukuru kwazvo makaramba uinaye mukamupawo mwanakomana wokugara pachigaro choumambo nhasi uno. Zvino Tenzi Mwari wangu, imi ndimi makaita kuti ini muranda wenyu ndive mambo panzvimbo pababa wangu Dhavhidhi, asi ini ndiri mwana muduku handigoni kutungamira. Ini muranda wenyu ndiri pakati pavanhu venyu vamakasarudza rudzi rukuru kwazvo runa vanhu vasingaverengeki kana kuverengetwa. Dai mukachindipawo ini muranda wenyu mwoyo unonzwisisa kuti ndiwane matongero vanhu venyu ndichanyatsoona pakanaka nepakaipa nokuti ndiani angakwanise kutonga vanhu venyu ava vakawanda kudai?” Tenzi akafadzwa nezvakanga zvakumbirwa naSoromoni. Mwari akati kwaari, “Pamusana pokuti wakumbira izvi ukarega kuzvikumbirira upenyu urefu kana upfumi kana kukumbira kuti vavengi vako vafe, ukazvikumbirira kunzwisisa kuti uwane matongero, chinzwa zvawakumbira ndozvandava kukuitira. Ndinokupa ungwaru nomwoyo unonzwisisa zvokuti hapana kumboita mumwe akaita sewe kana kuzovazve nomumwe akaita sewe. Uye ndinokupawo zvimwe zvausina kukumbira zviviri izvi zvinoti upfumi nechiremera zvokuti hapana mumwe mambo angazomboenzaniswawo newe upenyu hwako hwose. Kana ukafamba mumakwara angu ukachengeta mirao nemitemo yangu sezvaiita baba wako Dhavhidhi ndichakupa upenyu urefu.” Soromoni ndiye kwake pepu, ndokuti, “A-a inga kurota zvako.” Akaenda kuJerusareu akandomira pamberi pebhokisi raTenzi rechitenderano akapira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana. Akazoitirawo makurokota ake ose mabiko.

1 Madzimambo 3:3-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Soromoni akaɗa Jehova, akafamba nemitemo yaɓaɓa ʋake Davidi; asi wakaɓayira ɀiɓayiro nokupisa ɀinonhuwira pamatunhu akakwirira. Ɀino mambo akaenda Gibeoni kundoɓayira’po; nokuti ndiwo wakaŋga uri mutunhu mukuru wakakwirira; Soromoni akaɓayira paartari iyo ɀipiriso ɀinopiswa ɀinecuru cimŋe. Jehova akaɀiratidza kunaSoromoni paGibeoni nokurota ʋusiku. Mŋari akati: Kumbira caunoɗa kuti ndikupe. Soromoni akati: Makaitira muranda wenyu Davidi, ɓaɓa ʋaŋgu, ʋunyoro bgukuru, ɀaakafamba pamberi penyu neɀokwaɗi, nokururama, nomŋoyo wakanaka kwamuri; mukamuceŋgetera ʋo ʋunyoro ubgu bgukuru, ɀamakamupa mŋanakomana kugara pacigaro cake coʋushe, seɀaɀakaita nhasi. Ɀino, Jehova Mŋari waŋgu, makaita muranda wenyu mambo panɀimbo yaɓaɓa ʋaŋgu Davidi, asi ndiri mŋanana haŋgu, handiziʋi mutoʋo wokuɓuɗa nawo kana kupinda nawo. Muranda wenyu uri pakati paʋanhu ʋenyu ʋamakatsaura, ʋanhu ʋazhinji kwaɀo, ʋasiŋgagoni kurabga kana kuʋereŋgwa nokuwanda kwaʋo. Naiɀoɀo ipai muranda wenyu mŋoyo unonzwisisa, kuti nditambe mhaka dzaʋanhu ʋenyu, ndiziʋe kutsaura pakati peɀakanaka neɀakaipa; nokuti ndianiko unogona kutamba mhaka dzaʋanhu ʋenyu aʋa ʋakawanda? Ɀino kutaura uku kwakafadza Ishe, kuti Soromoni wakakumbira cinhu ici. Ipapo Mŋari akati kwaari: Ɀawakumbira cinhu ici, ukasaɀikumbirira ʋupenyu bgamazuʋa mazhinji, kana kuɀikumbirira fuma, kana kukumbira kuti ʋaʋeŋgi ʋako ʋafe; asi wakaɀikumbirira kuŋgwara, kuti unzwisise kutamba mhaka; tarira, ndaita seɀawataura; tarira, ndakupa mŋoyo wakaŋgwara, unonzwisisa; naiɀoɀo hakuna‐kumboʋa nomumŋe wakafanana newe, kana shure kwako hakuŋgazoʋi nomunhu uŋgafanana newe. Ndakupa ʋo ɀausina‐kukumbira, fuma nokukudzwa; naiɀoɀo hakuŋgazoʋi mumŋe pakati pamadzimambo uŋgafanana newe pamazuʋa ako ose. Kana ukaɗa kufamba nenzira dzaŋgu, nokuceŋgeta mitemo yaŋgu nemirairo yaŋgu, seɀakafamba ɓaɓa ʋako Davidi, ipapo ndicawanza mazuʋa ako. Ipapo Soromoni akamuka, akaʋona kuti kwakaŋga kuri kurota; akaenda Jerusarema, akamira pamberi peareka yesuŋgano yaJehova, akaɓayira ɀipiriso ɀinopiswa, akaɓayira ʋo ɀipiriso ɀokuyananisa, akaitira ʋaranda ʋake ʋose mutambo.

1 Madzimambo 3:3-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)