I Madzimambo 3
3
Kurota kwaSoromoni.
1Ɀino Soromoni wakaita ʋukama naFarao, mambo weEgipita, akawana mukunda waFarao, akamuisa kuguta raDavidi, kuȿikira apedza kuʋaka imba yake neimba yaJehova, noruȿiŋgo runopoteredza Jerusarema. 2Asi ʋanhu ʋakaɓayira ɀiɓayiro pamatunhu akakwirira, nokuti kuȿikira mazuʋa iwayo zita raJehova rakaŋga ricigere kuʋakirwa imba. 3Soromoni akaɗa Jehova, akafamba nemitemo yaɓaɓa ʋake Davidi; asi wakaɓayira ɀiɓayiro nokupisa ɀinonhuwira pamatunhu akakwirira.
4Ɀino mambo akaenda Gibeoni kundoɓayira’po; nokuti ndiwo wakaŋga uri mutunhu mukuru wakakwirira; Soromoni akaɓayira paartari iyo ɀipiriso ɀinopiswa ɀinecuru cimŋe. 5Jehova akaɀiratidza kunaSoromoni paGibeoni nokurota ʋusiku. Mŋari akati: Kumbira caunoɗa kuti ndikupe. 6Soromoni akati: Makaitira muranda wenyu Davidi, ɓaɓa ʋaŋgu, ʋunyoro bgukuru, ɀaakafamba pamberi penyu neɀokwaɗi, nokururama, nomŋoyo wakanaka kwamuri; mukamuceŋgetera ʋo ʋunyoro ubgu bgukuru, ɀamakamupa mŋanakomana kugara pacigaro cake coʋushe, seɀaɀakaita nhasi. 7Ɀino, Jehova Mŋari waŋgu, makaita muranda wenyu mambo panɀimbo yaɓaɓa ʋaŋgu Davidi, asi ndiri mŋanana haŋgu, handiziʋi mutoʋo wokuɓuɗa nawo kana kupinda nawo. 8Muranda wenyu uri pakati paʋanhu ʋenyu ʋamakatsaura, ʋanhu ʋazhinji kwaɀo, ʋasiŋgagoni kurabga kana kuʋereŋgwa nokuwanda kwaʋo. 9Naiɀoɀo ipai muranda wenyu mŋoyo unonzwisisa, kuti nditambe mhaka dzaʋanhu ʋenyu, ndiziʋe kutsaura pakati peɀakanaka neɀakaipa; nokuti ndianiko unogona kutamba mhaka dzaʋanhu ʋenyu aʋa ʋakawanda? 10Ɀino kutaura uku kwakafadza Ishe, kuti Soromoni wakakumbira cinhu ici. 11Ipapo Mŋari akati kwaari: Ɀawakumbira cinhu ici, ukasaɀikumbirira ʋupenyu bgamazuʋa mazhinji, kana kuɀikumbirira fuma, kana kukumbira kuti ʋaʋeŋgi ʋako ʋafe; asi wakaɀikumbirira kuŋgwara, kuti unzwisise kutamba mhaka; 12tarira, ndaita seɀawataura; tarira, ndakupa mŋoyo wakaŋgwara, unonzwisisa; naiɀoɀo hakuna‐kumboʋa nomumŋe wakafanana newe, kana shure kwako hakuŋgazoʋi nomunhu uŋgafanana newe. 13Ndakupa ʋo ɀausina‐kukumbira, fuma nokukudzwa; naiɀoɀo hakuŋgazoʋi mumŋe pakati pamadzimambo uŋgafanana newe pamazuʋa ako ose. 14Kana ukaɗa kufamba nenzira dzaŋgu, nokuceŋgeta mitemo yaŋgu nemirairo yaŋgu, seɀakafamba ɓaɓa ʋako Davidi, ipapo ndicawanza mazuʋa ako. 15Ipapo Soromoni akamuka, akaʋona kuti kwakaŋga kuri kurota; akaenda Jerusarema, akamira pamberi peareka yesuŋgano yaJehova, akaɓayira ɀipiriso ɀinopiswa, akaɓayira ʋo ɀipiriso ɀokuyananisa, akaitira ʋaranda ʋake ʋose mutambo.
16Ɀino ʋakadzi ʋaʋiri, ʋaiʋa ɀifeʋe, ʋakaȿika kunamambo, ʋakamira pamberi pake. 17Mumŋe mukadzi akati: Haiwa, ishe waŋgu, ini nomukadzi uyu tigere paimba imŋe; ini ndikapona mŋana ndigere naye paimba. 18Ɀino ini ndakati ndapona mazuʋa matatu, mukadzi uyu akapona ʋo, tigere pamŋe cete; kwakaŋga kusinomŋeni nesu mumba, asi isu ʋaʋiri toga mumba. 19Ɀino mŋana womukadzi uyu akafa ʋusiku, nokuti wakaʋata pamsoro pake. 20Akamuka pakati poʋusiku, akatora mŋanakomana waŋgu parutiʋi rwaŋgu, murandakadzi wenyu aʋete, akamuradzika pacifuʋa cake, akaradzika mŋana wake wakafa pacifuʋa caŋgu. 21Ɀino ndakati ndicimuka maŋgwanani kuzomŋisa mŋana waŋgu, ndikawana akafa; asi ndakati ndicimucerekedza maŋgwanani, ʋonei haazi mŋanakomana waŋgu, wandakaɓereka. 22Ipapo mumŋe mukadzi wakati: Kwete, asi mupenyu ndiye mŋanakomana waŋgu, wakafa ndiye mŋanakomana wako; uyu akati: Kwete, asi wakafa ndiye mŋanakomana wako, mupenyu ndiye mŋanakomana waŋgu. Ʋakataura saiɀoɀo pamberi pamambo. 23Ipapo mambo akati: Mumŋe unoti: Mŋanakomana waŋgu ndoyuyu mupenyu, mŋana wako ndiye wakafa; mumŋe ɀe unoti: Kwete, asi mŋanakomana wako ndiye wakafa, mupenyu ndiye mŋanakomana waŋgu. 24Mambo akati: Nditorerei munondo. Ʋakaʋuya nomunondo kunamambo. 25Mambo akati: Gurai mŋana mupenyu napakati, mupe mumŋe rutiʋi rumŋe, nomumŋe rumŋe rutiʋi. 26Ipapo mukadzi waiʋa mai womŋana mupenyu akataura kunamambo, nokuti mŋoyo wake wakaʋabga pamsoro pomŋanakomana wake, akati: Haiwa, ishe waŋgu, mumupe henyu mŋana mupenyu, regai kumuʋuraya. Asi mumŋe wakati: Ŋgaacirega kuʋa waŋgu kana wako, mugurei. 27Ipapo mambo akapindura, akati: Mumupe mŋana mupenyu, regai kumuʋuraya; ndiʋo mai ʋake. 28ƲaIsraeri ʋose ʋakanzwa kutoŋga kwamambo, ʋakatya mambo; nokuti ʋakaʋona kuti kuŋgwara kwaMŋari kwaiʋa maari, kuti atambe mhaka ɀakanaka.
Zvasarudzwa nguva ino
I Madzimambo 3: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018