1 Madzimambo 2:2-4
1 Madzimambo 2:2-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
achiti, “Ndava pedyo nokuenda nenzira yenyika yose. Naizvozvo iva munhu akasimba, uve murume, ucherechedze zvose zvinodiwa naJehovha Mwari wako: Famba munzira dzake, chengeta zvaakatema, mirayiro yake, mitemo yake nezvaanoda, sezvazvakanyorwa muMurayiro waMozisi, kuti ugobudirira pazvose zvaunoita nakwose kwaunoenda. Uye kuti Jehovha agosimbisa shoko rake raakataura pamusoro pangu rokuti, ‘Kana vana vako vakachenjerera nzira yavo, vakafamba pamberi pangu nokutendeka, nomwoyo wavo wose, nomweya wavo wose, hapangashayikwi munhu achakutevera pachigaro choushe chaIsraeri.’
1 Madzimambo 2:2-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ini ndoenda nenzira yenyika yose; naizvozvo iva nesimba, uve murume chaiye. Chengeta zvawakarairwa naJehovha Mwari wako, kuti ufambe nenzira dzake, uchichengeta zvaakatema, nemirairo yake, nezvaakatonga, nezvipupuriro zvake, sezvazvakanyorwa pamurayiro waMosesi, kuti ufare pazvose zvaunoita, uye kwose kwaunoenda. Kuti Jehovha asimbise shoko rake raakataura pamusoro pangu, achiti, ‘Kana vana vako vakachenjera panzira dzavo, kuti vafambe pamberi pangu nezvokwadi nomwoyo wavo wose uye nomweya wavo wose, (ndizvo zvaakataura), hakungazoshaikwi munhu pachigaro choushe chaIsiraeri.’
1 Madzimambo 2:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ini ndava kuda kuendawo kwakaenda vamwe. Tsunga mwoyo uite somurume uchengete zvakarehwa naTenzi, Mwari wako, ufambe mumakwara ake uchichengeta mitemo yake nemirao yake nezvirongwa zvake nezvirevo zvake sokunyorwa kwazvakaitwa mumutemo waMosesi kuitira kuti zvose zvaunoita zvikufambire zvakanaka kwose kwaunoenda, Tenzi agozadzisa zvaakareva nezvangu achiti, ‘Kana vanakomana vako vakachenjerera muitiro wavo vakafamba vakatendeseka kwandiri nomwoyo wose nomweya wavo wose, pachigaro choumambo hweIsiraeri hapazogara pasina murume wokwako.’
1 Madzimambo 2:2-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ini ndoenda nenzira yenyika yose; naiɀoɀo iʋa nesimba, uʋe murume caiye. Ceŋgeta ɀawakarairwa naJehova Mŋari wako, kuti ufambe nenzira dzake, uciceŋgeta ɀaakatema, nemirairo yake, neɀaakatoŋga, neɀipupuriro ɀake, seɀaɀakanyorwa pamurairo waMosesi, kuti ufare paɀose ɀaunoita, ʋuye kwose kwaunoenda. Kuti Jehova asimbise shoko rake raakataura pamsoro paŋgu, aciti: Kana ʋana ʋako ʋakacenjera panzira dzaʋo, kuti ʋafambe pamberi paŋgu neɀokwaɗi nomŋoyo waʋo wose ʋuye nomŋeya waʋo wose, (ndiɀo ɀaakataura), hakuŋgazoshaikwi munhu pacigaro coʋushe caIsraeri.
1 Madzimambo 2:2-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)