1 Madzimambo 2:19
1 Madzimambo 2:19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo Bhati‐shebha akaenda kuna mambo Soromoni kundorevera Adhonia. Mambo akasimuka kuzosangana naye, akakotama pamberi pake, akagara pachigaro choushe, akaraira kuti chigaro choushe chigadzirirwe mai vamambo; ivo vakagara kurutivi rwake rworudyi.
1 Madzimambo 2:19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo Bhatishebha akaenda kuna Mambo Soromoni kundosuma nyaya yaAdhoniya. Mambo akasimuka akasangana naye, akakotamira mai vake, akagara pachigaro chake choushe. Akarayira kuti chigaro choushe chiunzirwe mai vamambo, ivo vakagara kurutivi rwake rworudyi.
1 Madzimambo 2:19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Bhatishebha akabva aenda kuna mambo Soromoni kundosvitsa chichemo chaAdhoniya. Mambo akasimuka akavachingura akavakotamira kuvaremekedza akagara pachigaro chake choumambo. Akaisirawo amai vake chigaro choumambo vakagara kurudyi rwake.
1 Madzimambo 2:19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo Bati‐sheba akaenda kunamambo Soromoni kundoreʋera Adonia. Mambo akasimuka kuzosoŋgana naye, akakotama pamberi pake, akagara pacigaro coʋushe, akaraira kuti cigaro coʋushe cigadzirirwe mai ʋamambo; iʋo ʋakagara kurutiʋi rwake rworudyi.
1 Madzimambo 2:19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)