1 Madzimambo 2:10-12
1 Madzimambo 2:10-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Dhavhidhi akavata namadzibaba ake, akavigwa muGuta raDhavhidhi. Akatonga Israeri kwamakore makumi mana, manomwe muHebhuroni namakumi matatu namatatu muJerusarema. Naizvozvo Soromoni akagara pachigaro choushe chababa vake Dhavhidhi, ushe hwake hukasimbiswa.

1 Madzimambo 2:10-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Dhavhidi akazovata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi. Nguva yakabata Dhavhidhi ushe hwaIsiraeri aiva makore makumi mana; akabata paHebhuroni makore manomwe, uye akabata paJerusaremu makore makumi matatu namatatu. Zvino Soromoni akagara pachigaro choushe chababa vake Dhavhidhi; ushe hwake hukasimba kwazvo.
1 Madzimambo 2:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dhavhidhi akazovatawo oenda kwakaendawo vamwe, madzitateguru ake akavigwa muguta raDhavhidhi. Dhavhidhi akatonga Isiraeri kwemakore makumi mana. Akatonga kwemakore manomwe ari kuHebhuroni. Akazotonga kwemakumi matatu amakore ana makore matatu ari kuJerusaremu. Soromoni akagara pachigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi umambo hwake hukanyatsodzika midzi.
1 Madzimambo 2:10-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Davidi akazoʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa muguta raDavidi. Ŋguʋa yakaɓata Davidi ʋushe bgaIsraeri aiʋa makore makumi manna; akaɓata paHebroni makore manomŋe, ʋuye akaɓata paJerusarema makore makumi matatu namatatu. Ɀino Soromoni akagara pacigaro coʋushe caɓaɓa ʋake Davidi; ʋushe bgake ʋukasimba kwaɀo.
1 Madzimambo 2:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)