1 Madzimambo 18:20-40
1 Madzimambo 18:20-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Ahabhu akatuma shoko muIsraeri yose akaunganidza vaprofita paGomo reKarimeri. Eria akaenda pamberi pavanhu akati, “Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira riniko? Kana Jehovha ari Mwari, muteverei; asi kana Bhaari ari Mwari, muteverei.” Asi vanhu havana chavakataura. Zvino Eria akati kwavari, “Ini chete pavaprofita vaJehovha ndini ndasara, asi Bhaari ane vaprofita mazana mana namakumi mashanu. Titorerei hando mbiri. Ivo ngavazvisarudzire yavo, uye ngavaicheke-cheke kuita zvidimbu zvidimbu vagoiisa pamusoro pehuni, asi havafaniri kudzitungidza nomoto. Ini ndichagadzira imwe hando yacho ndigoiisa pamusoro pehuni asi handizodzitungidzi nomoto. Ipapo mudane kuzita ramwari wenyu, uye ini ndichadana kuzita raJehovha. Mwari achapindura nomoto ndiye Mwari.” Ipapo vanhu vose vakati, “Zvawataura zvakanaka.” Eria akati kuvaprofita vaBhaari, “Sarudzai imwe yehando idzi mugotanga imi kuigadzira, sezvo makawanda. Danai kuzita ramwari wenyu, asi musatungidza moto.” Saka vakatora hando yavakanga vapiwa vakaigadzira. Ipapo vakadana kuzita raBhaari kubvira mangwanani kusvikira masikati. Vakadanidzira vakati, “Bhaari, tipindure!” Asi mhinduro haina kuwanikwa; hapana akapindura. Vakatamba vachipoterera aritari yavakanga vaita. Ava masikati, Eria akatanga kuvatuka akati, “Danidzirisai! Zvirokwazvo ndimwari! Zvichida ari kufunga zvakadzama kwazvo, kana kuti ane basa kwazvo, kana kuti ari parwendo. Zvimwe akavata zvokuti anotofanira kumutswa.” Saka vakatonyanyisa kudanidzira, vakazvicheka-cheka neminondo namapfumo, setsika yavo, kusvikira ropa ravo raerera. Masikati akapfuura, ivo vakaramba vachiprofita zveshungu kusvikira nguva yechibayiro chamanheru. Asi hapana chakaitika, hapana akapindura, hapana akaratidza hanya. Ipapo Eria akati kuvanhu vose, “Uyai kuno kwandiri.” Vakauya kwaari, iye akagadzira aritari yaJehovha yakanga yaputswa. Eria akatora mabwe gumi namaviri, rimwe chete rakamirira rudzi rumwe chete rwavanakomana vaJakobho, uyo akanga audzwa naJehovha kuti, “Zita rako richava Israeri.” Akashandisa mabwe aya kuvaka aritari muzita raJehovha, uye akachera mugero waipoteredza aritari wakanga wakakura zvokuti waikwana maseya maviri embeu. Akaronga huni, akacheka hando kuita zvidimbu zvidimbu, akaiisa pamusoro pehuni. Ipapo akati kwavari, “Zadzai zvirongo zvikuru zvina nemvura mugoidira pamusoro pechipiriso napamusoro pehuni.” Akati, “Pamhidzai zvakare,” ivo vakapamhazve. Akatizve, “Pamhidzai kechitatu.” Mvura yakaerera ichipoteredza aritari ikazadzawo nomugero. Panguva yechibayiro, muprofita Eria akaenda pamberi akanamata akati, “Haiwa Jehovha, Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri, ngazvizivikanwe nhasi kuti ndimi Mwari munyika yeIsraeri uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uyewo kuti ndaita zvinhu zvose izvi sezvamakandirayira. Haiwa Jehovha, ndipindurei, ndipindurei, kuitira kuti vanhu ava vazive kuti imi, Jehovha, ndimi Mwari, uye kuti muri kudzora mwoyo yavo zvakare.” Ipapo moto waJehovha wakaburuka ukapisa chibayiro, nehuni namabwe nevhu, ukananzva mvura yose yaiva mumugero. Vanhu vose pavakaona izvi, vakawira pasi nezviso zvavo, vakadanidzira vachiti, “Jehovha ndiye Mwari! Jehovha ndiye Mwari!” Ipapo Eria akavarayira akati, “Batai vaprofita vaBhaari. Musarega kana mumwe chete achipunyuka!” Vakavabata, uye Eria akaita kuti vaendeswe zasi kuMupata weKishoni vakandourayirwako.
1 Madzimambo 18:20-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo Ahabhi akatuma vanhu kuvana vaIsiraeri vose, akaunganidza vaporofita pagomo reKarimeri. Zvino Eria akaswedera kuvanhu vose, akati, “Mucharamba muchifunga mifungo miviri kusvikira riniko? Kana Jehovha ari Mwari, mumutevere, kana ari Bhaari, mumutevere iye.” Asi vanhu havana kupindura shoko rimwe. Ipapo Eria akati kuvanhu, “Ini, iyeni ndoga, ndini ndasara kuvaporofita vaJehovha, asi vaporofita vaBhaari vanosvika varume vana mazana mana namakumi mashanu.” Naizvozvo ngavatipe nzombe mbiri, ivo vazvitsaurire nzombe imwe, vaiguranye, vaiise pamusoro pehuni, asi varege kuisa moto pasi payo; neniwo ndichagadzira imwe nzombe, ndichiisa pamusoro pehuni, asi ndisingaisi moto pasi payo. Zvino imi mudane zita ramwari wenyu, ini ndidanewo zita raJehovha; Mwari unopindura nomoto, iye ngaave Mwari. Vanhu vose vakapindura, vakati, “Zvarehwa zvakanaka.” Ipapo Eria akati kuvaporofita vaBhaari, “Chizvitsaurirai nzombe imwe, mutange kuigadzira, nokuti muri vazhinji; mudane zita ramwari wenyu, asi murege kuisa moto pasi payo.” Ivo vakatora nzombe yavakanga vapiwa, vakaigadzira, vakadana zita raBhaari kubva mangwanani kusvikira masikati makuru, vachiti, “Bhaari, tinzwei!” Asi kwakanga kusine zwi kana unopindura. Vakapoteredza aritari yakanga yavakwa vachipembera. Zvino panguva yamasikati makuru Eria akavaseka, akati, “Danidzirai kwazvo; nokuti mwari, zvimwe ari pakufunga, zvimwe waenda kumwe, zvimwe wafamba rwendo, kana zvimwe uvete hake, anofanira kumutswa.” Ipapo vakadanidzira kwazvo, vakazvicheka netsika dzavo neminondo namapfumo, kusvikira ropa richidzutuka kwavari. Masikati makuru akati apfuura, vakaporofita kusvikira panguva yokubayira chipo chamadekwana; asi kwakanga kusina zwi kana unopindura, kana wakanga achiteerera. Ipapo Eria akati kuvanhu vose, “Swederai kwandiri;” vanhu vose vakaswedera kwaari. Zvino wakagadzira aritari yaJehovha yakanga yaputswa. Eria akatora mabwe ane gumi namaviri akaenzana namarudzi avana vaJakobho, iye, wakanga audzwa naJehovha, zvichinzi, “Zita rako richanzi Isiraeri.” Akavaka aritari namabwe iwayo nezita raJehovha, akachera goronga rakakomba aritari rakanga rakaenzana napangadzvarwa zviyero zviviri zvezviyo. Akaronga huni, akaguranya nzombe, akaiisa pamusoro pehuni, akati, “Chizadzai zvirongo zvina nemvura, muidire pamusoro pechipiriso chinopiswa, napamusoro pehuni.” Akati, “Itai izvozvo rwechipiri,” vakazviita rwechipiri. Akati, “Itai izvozvo rwechitatu;” vakazviita rwechitatu. Mvura ikayerera, ikapoteredza aritari; akazadza negorongawo nemvura. Nenguva yokubayira chipo chamadekwana, muporofita Eria akaswedera, akati, “Imi Jehovha, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaIsiraeri, uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uye kuti ndakaita izvi zvose ndarairwa nemi. Ndinzwei Jehovha, ndinzwei, kuti vanhu ava vazive kuti imi Jehovha ndimi Mwari, uye kuti ndimi makadzosazve mwoyo yavo.” Ipapo moto waJehovha wakaburuka, ukapedza chipiriso chinopiswa, nehuni, namabwe, neguruva, ukananzva mvura yakanga iri mugoronga. Vanhu vose vakati vachizviona, vakawira pasi nezviso zvavo, vakati, “Jehovha ndiye Mwari, Jehovha ndiye Mwari!” Eria akati kwavari, “Batai vaporofita vaBhaari, varege kupukunyuka kunyange nomumwe wavo.” Vakavabata. Eria akaburuka navo kurukova Kishoni, akavaurayirapo.
1 Madzimambo 18:20-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ahabhu akabvawo atumira nhume kuvanhu vose vokwaIsiraeri akaunganidza vaporofita pamwechete kuGomo reKarimero. Eriya akaenda pedyo navanhu vose akati, “Munoda kusvikira riniko muchingova nemwoyo miviri? Kana Tenzi, ari iye Mwari wenyu muteverei, kana ari Bhaari teverai iyeyo.” Vanhu havana chavakamupindura. Eriya ndokuti kuvanhu ava, “Ini ndini ndoga muprofita waTenzi asara. Asi kune vaporofita vaBhaari mazana mana namakumi mashanu. Ngatipiwei handira mbiri, ivo vazvisarudzire handira imwechete vaicheke-cheke vaiise pamusoro pehuni, asi varege kutungidzapo moto. Iniwo ndichadarowo neimwe handira yacho ndoiisawo pamusoro pehuni ndorega kutungidza moto. Imi mudaidzire nezita kuna mwari wenyu, iniwo ndigodaidzirawo nezita kuna Tenzi. Ipapa Mwari anenge apindura nomoto ndiye Mwari.” Vanhu vose vakapindura vachiti, “Zvamataura zvakanaka.” Eriya akati kuvaporofita vaBhaari, “Chizvisarudzirai handira mutange ndimi kudaro nokuti makawanda, modaidzira nezita kuna mwari wenyu asi musatungidzepo moto.” Vakatora handira yavakanga vapiwa vakaigadzirira vakadaidzira nezita kuna Bhaari kubvira mangwanani kusvikira masikati vachiti, “Bhaari we-e tidaireiwo!” Asi hapana chakambonzwika kana kuwana akadaira. Vakayavaya kutamba vachitenderera atari yavakanga vavaka. Kuzoti zvino ava masikati zuva rorova nhongonya, Eriya akavaseka zvake achiti, “Zhambai nokuti ndimwari zvimwe mheno zvaari kumbofunga hake kana kuti hameno paangotiwo zvake nzve-e. Zvimwe angadaro akafamba rwendo kana kuti ari akakotsira zvake anenge achifanira kutomutsvaka.” Ivo vakazhambatatawo maererano netsika yavo vakazvicheka-cheka namapakatwa nezvisvo kudzamara ropa royerera nomuviri wavo. Zuva rakarereka vachingopengereka kusvikira panguva yokupira chibayiro asi hapana chakambonzwika kana kuwana akapindura kana akambozviteerera. Eriya akati kuvanhu vose zvavo, “Chiswederai kuno kwandiri.” Vanhu vose vakaswederawo kwaari akabva avakiridza atari yaTenzi yakanga yapunzwa. Eriya akatora matombo gumi namaviri anoenderana namadzinza avanakomana vaJakobho vaya vokunzi neshoko raTenzi, “Zita rako rava kunzi Isiraeri.” Namatombo iwayo akavakira Tenzi atari. Akachera mugero kutenderera atari iyi waiva wakakura zvokutokwana bhagidhi rembesanwa. Akaronga huni akachekacheka handira iyoyo ndokuironga pamusoro pehuni dziya akati, “Zadzai zvirongo zvina nemvura mudire pamupiro wokupisa napahuni.” Akatizve, “Dirai rwechipiri” ndokubva vadirazve rwechipiri. Akati “Itaizve kechitatu. Ndokubva vadirawo rwechitatu.” Mvura yakaerera kutenderera atari yose mugero ukati tuba kuzara nemvura. Kuzoti zvino nguva yokupira chibayiro yasvika muporofita Eriya asvederapo ndokuti, “Tenzi, Mwari waAbhurahamu naIsaki naIsiraeri, ngazvizivike nhasi uno kuti ndimi Mwari muIsiraeri uye kuti ini ndiri muranda wenyu uyewo kuti zvose zvandakaita ndatozviita zvabva mumuromo menyu. Ndipindureiwo Tenzi mundidavire kuitira kuti vanhu ava vazive kuti imi Tenzi ndimi Mwari uyewo kuti ndimi munotendeutsa mwoyo yavo.” Moto waTenzi wakatozomoka ukaroromesa chibayiro chokupisa ichocho, ukaroromesa huni, namatombo nevhu, ukananzva mvura yakanga iri mumugero. Vanhu vose pavakazviona vakati pasi gwadagwa nouso vachiti, “Tenzi ndiye Mwari, Tenzi ndiye Mwari.” Eriya akavati, “Batai vaporofita vaBhaari. Musarege kunyange nomumwe chete wavo achipunyuka.” Vakavabata, Eriya akadzika navo kukakova keKishoni akavaurayira ikoko.
1 Madzimambo 18:20-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo Ahabi akatuma ʋanhu kuʋana ʋaIsraeri ʋose, akaʋuŋganidza ʋaprofita pagomo reKarmeri. Ɀino Eria akasweɗera kuʋanhu ʋose, akati: Mucaramba mucifuŋga mifuŋgo miʋiri kuȿikira riniko? Kana Jehova ari Mŋari, mumuteʋere, kana ari Baari, mumuteʋere iye. Asi ʋanhu haʋana‐kupindura shoko rimŋe. Ipapo Eria akati kuʋanhu: Ini, iyeni ndoga, ndini ndasara kuʋaprofita ʋaJehova, asi ʋaprofita ʋaBaari ʋanoȿika ʋarume ʋanamazana manna namakumi mashanu. Naiɀoɀo ŋgaʋatipe nzombe mbiri, iʋo ʋaɀitsaurire nzombe imŋe, ʋaiguranye, ʋaiise pamsoro pehuni, asi ʋarege kuisa mŋoto pasi payo; neni ʋo ndicagadzira imŋe nzombe, ndiciiisa pamsoro pehuni, asi ndisiŋgaisi mŋoto pasi payo. Ɀino imi muɗane zita ramŋari wenyu, ini ndiɗane ʋo zita raJehova; Mŋari unopindura nomŋoto, iye ŋgaaʋe Mŋari. Ʋanhu ʋose ʋakapindura, ʋakati: Ɀarebga ɀakanaka. Ipapo Eria akati kuʋaprofita ʋaBaari: Ciɀitsaurirai nzombe imŋe, mutaŋge kuigadzira, nokuti muri ʋazhinji; muɗane zita ramŋari wenyu, asi murege kuisa mŋoto pasi payo. Iʋo ʋakatora nzombe yaʋakaŋga ʋapiwa, ʋakaigadzira, ʋakaɗana zita raBaari kubva maŋgwanani kuȿikira masikati makuru, ʋaciti: Baari, tinzwei! Asi kwakaŋga kusinenzwi kana unopindura. Ʋakapoteredza artari yakaŋga yaʋakwa ʋacipembera. Ɀino paŋguʋa yamasikati makuru Eria akaʋaseka, akati: Ƌanidzirai kwaɀo; nokuti mŋari, ɀimŋe uri pakufuŋga, ɀimŋe waenda kumŋe, ɀimŋe wafamba rwendo, kana ɀimŋe uʋete hake, unofanira kumutswa. Ipapo ʋakaɗanidzira kwaɀo, ʋakaɀiceka netsika dzaʋo neminondo namapfumo, kuȿikira ropa ricidzutuka kwaʋari. Masikati makuru akati apfuʋura, ʋakaprofita kuȿikira paŋguʋa yokuɓayira cipo camaɗekwana; asi kwakaŋga kusinenzwi kana unopindura, kana wakaŋga aciterera. Ipapo Eria akati kuʋanhu ʋose: Sweɗerai kwandiri; ʋanhu ʋose ʋakasweɗera kwaari. Ɀino wakagadzira artari yaJehova yakaŋga yaputswa. Eria akatora mabge anegumi namaʋiri akaenzana namarudzi aʋana ʋaJakobo, iye, wakaŋga aʋudzwa naJehova, ɀicinzi: Zita rako ricanzi Israeri. Akaʋaka artari namabge iwayo nezita raJehova, akacera goroŋga rakakomba artari rakaŋga rakaenzana napaŋgadɀarwa ɀiyero ɀiʋiri ɀeɀiyo. Akaroŋga huni, akaguranya nzombe, akaiisa pamsoro pehuni, akati: Cizadzai ɀiroŋgo ɀinna nemvura, muiɗire pamsoro pecipiriso cinopiswa, napamsoro pehuni. Akati: Itai iɀoɀo rwecipiri, ʋakaɀiita rwecipiri. Akati: Itai iɀoɀo rwecitatu; ʋakaɀiita rwecitatu. Mvura ikayerera, ikapoteredza artari; akazadza negoroŋga ʋo nemvura. Neŋguʋa yokuɓayira cipo camaɗekwana, muprofita Eria akasweɗera, akati: Imi Jehova, Mŋari waAbrahama, nowaIsaka, nowaIsraeri, ŋgakuzikanwe nhasi kuti ndimi Mŋari pakati paIsraeri, ʋuye kuti ini ndiri muranda wenyu, ʋuye kuti ndakaita iɀi ɀose ndarairwa nemi. Ndinzwei Jehova, ndinzwei, kuti ʋanhu aʋa ʋaziʋe kuti imi Jehova ndimi Mŋari, ʋuye kuti ndimi makadzosa ɀe mŋoyo yaʋo. Ipapo mŋoto waJehova wakaɓuruka, ukapedza cipiriso cinopiswa, nehuni, namabge, neguruʋa, ukananɀa mvura yakaŋga iri mugoroŋga. Ʋanhu ʋose ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo, ʋakati: Jehova ndiye Mŋari, Jehova ndiye Mŋari! Eria akati kwaʋari: Ƃatai ʋaprofita ʋaBaari, ʋarege kupukunyuka kunyaŋge nomumŋe waʋo. Ʋakaʋaɓata. Eria akaɓuruka naʋo kurukoʋa Kishoni, akaʋaʋurayira’po.
1 Madzimambo 18:20-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)