Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Madzimambo 12:8-19

1 Madzimambo 12:8-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Asi Rehobhoamu akaramba zano raakanga apiwa navakuru akandobvunza majaya ezera rake aakanga akura nawo, avo vakanga vava kumushandira. Akavabvunza akati, “Mungandipa zano ripiko? Tingavapindure seiko vanhu ava vanoti kwandiri, ‘Tirerutsirei joko rakaiswa pamusoro pedu nababa venyu?’ ” Majaya aakanga akura nawo akapindura akati, “Udzai vanhu ava vati kwamuri, ‘Baba venyu vakaisa joko rinorema pamusoro pedu, asi imi chitirerutsirai joko redu’ vaudzei kuti, ‘Munwe wangu muduku, mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu. Baba vangu vakaisa joko rinorema pamusoro penyu; ini ndichaita kuti rireme kupfuura zvariri. Baba vangu vakakurovai nezvamboko; ini ndichakurovai nezvinyavada.’ ” Mushure mamazuva matatu Jerobhoamu navanhu vose vakadzoka kuna Rehobhoamu, sezvo mambo akanga ati, “Mudzoke kwandiri mumazuva matatu.” Mambo akapindura vanhu nehasha. Akarasa zano raakanga apiwa navakuru, akatevera zano ramajaya akati, “Baba vangu vakaita kuti mutoro wenyu ureme kwazvo; ini ndichaita kuti ureme kupfuura ipapo. Baba vangu vakakurovai nezvamboko; ini ndichakurovai nezvinyavada.” Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu, nokuti zvakaitika izvi zvakanga zvabva kuna Jehovha, kuti shoko raJehovha raakanga ataura kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati kubudikidza naAhija muShiro rizadziswe. Zvino vaIsraeri vose pavakaona kuti mambo akanga aramba kuvateerera, vakapindura mambo vakati: “Tino mugove weiko muna Dhavhidhi, nhaka yedu ndeipiko mumwanakomana waJese? Kumatende enyu, imi vaIsraeri! Iwe Dhavhidhi, chizvichengetera imba yako!” Saka vaIsraeri vakaenda kumisha yavo. Asi vaIsraeri vaigara mumaguta eJudha, Rehobhoamu akaramba achivatonga. Mambo Rehobhoamu akatuma Adhoniramu, aiva mutariri wezvechibharo, asi vaIsraeri vose vakamutaka namabwe akafa. Zvisinei, Mambo Rehobhoamu akakwanisa kupinda mungoro yake akatizira kuJerusarema. Saka Israeri yakapandukira imba yaDhavhidhi kusvikira nhasi.

1 Madzimambo 12:8-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Asi iye wakaramba zano ravakuru ravakanga vamupa, akarangana namajaya ezero rake, aimira pamberi pake. Akati kwavari, “Imi mungandipa zano reiko, ratingapindura naro vanhu ava vakataura neni, vachiti, ‘Rerusai joko rakaiswa pamusoro pedu nababa venyu?’ ” Zvino majaya ezero rake akataura kwaari achiti, “Iti kuvanhu ava vakataura newe vachiti, ‘Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha, asi imi chitirerusirai iro,’ utaure kwavari uti, ‘Munwe wangu muduku mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.’ Zvino, baba vangu zvavakakutakudzai joko rinorema, ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurovai neshamhu; asi ini ndichakurovai nezvinyavada.” Naizvozvo Jerobhoamu navanhu vose vakasvika kuRehobhoamu nomusi wetatu, sezvavakanga varairwa namambo, achiti, “Dzokeraizve kwandiri nomusi wetatu.” Mambo akapindura vanhu nehasha, akarasha zano ravakuru, ravakanga vamupa; akataura kwavari sezvaakanga apiwa zano namajaya, akati, “Baba vangu vakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurovai nashamhu, asi ini ndichakurovai nezvinyavada.” Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu; nokuti chinhu icho chakanga chabva kuna Jehovha, kuti Jehovha asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati. Zvino vaIsiraeri vose vakati vachiona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakapindura mambo vakati, “Tinomugove weiko kuna Dhavhidhi? Uye hatine nhaka kumwanakomana waJese; endai kumatende enyu, vaIsiraeri; iwe Dhavhidhi, chitarira hako imba yako.” Naizvozvo vaIsiraeri vakaenda kumatende avo. Asi kana vari vana vaIsiraeri, vakanga vagere mumaguta aJudha, Rehobhoamu wakanga ari mambo wavo. Zvino mambo Rehobhoamu akatuma Adhoramu mutariri wavanhu vechibharo, vaIsiraeri vose vakamutaka namabwe, akafa. Ipapo mambo Rehobhoamu akakurumidza kukwira ngoro yake, akatizira Jerusaremu. Saizvozvo vaIsiraeri vakamukira imba yaDhavhidhi kusvikira zuva ranhasi.

1 Madzimambo 12:8-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Asi iye akasiya zano raakapiwa nevechikuru chikuru ava akandobvunza mazano kune vechidiki vaakakura navo vakanga vava zvino makurukota ake. Akati kwavari, “Ko zano ramunondipa kuti ndipindure vanhu ava nderipi vakanditi, ‘Tirerutsireiwo joko rakaiswa nababa venyu patiri.’ ” Vechidiki vaakakura navo ava vakamuti, “Udzai vanhu ivavo vakakutii, ‘Baba venyu vakatiremedza nejoko rinorema dai mukachitirerutsirawo,’ kuti kasiyanwa kangu kakobvu pane chiuno chababa vangu. Zvino baba vangu vakakuremedzai nejoko rinorema handiti, ini ndichatoripamhidzira. Baba vangu vaikurovai neshamhu handiti, ini ndichakurovai netyava ine minzwa yorukato.” Saizvozvo Jerobhoamu navanhu vose vakadzokera kuna Rehobhoamu pazuva retatu racho sokutaura kwakanga kwaita mambo kuti mugozodzoka zvenyu kwandiri kwapera mazuva matatu. Mambo akapindura vanhu ava nehasha achisiya zano raakanga apiwa nevechikuru vaye. Akataura kwavari achitevera zano riye raakapiwa nevechidiki achiti, “Baba vangu vakakuremedzai nejoko rinorema handiti, ini ndichatoripamhidzira. Baba vangu vakakurovai neshamhu handiti, ini ndichakurovai netyava ine minzwa yorukato.” Nokudaro mambo haana kunzwa chichemo chavanhu ivava nokuti maitikiro aya ezvinhu akanga auyiswa naTenzi kuti azadzikise shoko rake raakanga ataura nomuromo waAhija okuShiro kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati. VokwaIsiraeri vose pavakaona kuti mambo haana kuvanzwa, vanhu vakapindura mambo vachiti, “Isu muna Dhavhidhi, mugove wedu ndowei chaizvo? Hatina isu nhaka mumwana waJese. VokwaIsiraeri, kumusha! Iwe Dhavhidhi, zvomumba mako wochizvionera.” VaIsiraeri ndiye shapu kuenda kumisha yavo. Asi vaIsiraeri vaigara mumaguta okwaJudha ndivo vaitongwa naRehobhoamu. Mambo Rehobhoamu akatuma Adhoramu mumwe mukuru mukuru wezvebasa rechibharo. Vose vokwaIsiraeri vakamutema namatombo akabva afa. Mambo Rehobhoamu ndopaakabva ati nokuchimbidza ngoro yake yehondo karakata ndiye kuJerusaremu ware. Saizvozvo vokwaIsiraeri vakapandukira imba yokwaDhavhidhi kusvikira pari nhasi.

1 Madzimambo 12:8-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Asi iye wakaramba zano raʋakuru, raʋakaŋga ʋamupa, akaraŋgana namajaya ezero rake, aimira pamberi pake. Akati kwaʋari: Imi muŋgandipa zano reiko, ratiŋgapindura naro ʋanhu aʋa ʋakataura neni, ʋaciti: Rerusai joko rakaiswa pamsoro peɗu naɓaɓa ʋenyu? Ɀino majaya ezero rake akataura kwaari, aciti: Iti kuʋanhu aʋa ʋakataura newe, ʋaciti: Ƃaɓa ʋenyu ʋakatitakudza joko rinogozha, asi imi citirerusirai iro, utaure kwaʋari, uti: Munwe waŋgu muɗuku mukobvu kupfuʋura ciʋuno caɓaɓa ʋaŋgu. Ɀino, ɓaɓa ʋaŋgu ɀaʋakakutakudzai joko rinorema, ini ndicawedzera pajoko renyu; ɓaɓa ʋaŋgu ʋaikuroʋai neshamhu; asi ini ndicakuroʋai neɀinyaʋaɗa. Naiɀoɀo Jeroboami naʋanhu ʋose ʋakaȿika kunaRehoboami nomusi wetatu, seɀaʋakaŋga ʋarairwa namambo, aciti: Dzokerai kwandiri ɀe nomusi wetatu. Mambo akapindura ʋanhu nehasha, akarasha zano raʋakuru, raʋakaŋga ʋamupa; akataura kwaʋari seɀaakaŋga apiwa zano namajaya, akati: Ƃaɓa ʋaŋgu ʋakakutakudzai joko rinorema, asi ini ndicawedzera pajoko renyu; ɓaɓa ʋaŋgu ʋaikuroʋai neshamhu, asi ini ndicakuroʋai neɀinyaʋaɗa. Naiɀoɀo mambo haana‐kuterera ʋanhu; nokuti cinhu ico cakaŋga cabva kunaJehova, kuti Jehova asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kunaJeroboami mŋanakomana waNebati. Ɀino ʋaIsraeri ʋose ʋakati ʋaciʋona kuti mambo haana‐kuʋaterera, ʋanhu ʋakapindura mambo ʋakati: Tinomugoʋe weiko kunaDavidi? Ʋuye hatinenhaka kumŋanakomana waJese; endai kumatente enyu, ʋaIsraeri; iwe Davidi, citarira hako imba yako; naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakaenda kumatente aʋo. Asi kana ʋari ʋana ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋagere mumaguta aJuda, Rehoboami wakaŋga ari mambo waʋo. Ɀino mambo Rehoboami akatuma Adorami mutariri waʋanhu ʋecibaro, ʋaIsraeri ʋose ʋakamutaka namabge, akafa. Ipapo mambo Rehoboami akakurumidza kukwira ŋgoro yake, akatizira Jerusarema. Saiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakamukira imba yaDavidi kuȿikira zuʋa ranhasi.

1 Madzimambo 12:8-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)